38
MATANGI A KATSEMUKA Ngatinamatei. Ishe, zvino tinotenda. Tinotenda kuMwanakomana waMwari, uye, nomune izvi, tinogamuchira Hupenyu Husingaperi nemaAri. Zvino taungana zvakare, masikati ano, kana kuti manheru ano, kuti tiite imwe shumiro, tichivimba neMi paMharidzo uye nezvaMuchatitaurira husiku huno. TinoKutendai, Ishe, uye takamirira paMuri. Uye Imi makati, “Avo vanomirira pana Ishe vachapiwa simba idzva; vachabhururuka namapapiro sechapungu.” Uye tiri kunamata, Mwari, kuti Imi muchatipa Simba iro rokubhururuka tichikwira, husiku huno, apo takamirira paMuri. 2 TinoKutendai nokuda kwavanhu ava, uye nezvavanoreva kwaMuri uye zvavanoreva kwandiri. NdinoKutendai nokuda kwazvo, Baba. Maparera eNyu. Uye ndinonamata, Mwari, husiku huno, kuti Muchazviratidza nenzira, kwavari, yezvavanoda. Kana paine vanorwara pano, dai vakaporeswa. Kana paine kupokana mupfungwa yomumwe munhu; ibvisei, Ishe. Uye tipei zvoHupo hweNyu nemaropafadzo eNyu, nokuti tinozvida, Ishe. Ndimi zvose zvinotikwanira. Uye, tisina Imi, hatina chatinogona kuita. 3 Tinonamata kuti Imi mugamuchire kutenda kwedu pamusoro pezvose zvaMakaita. MuZita raJesu Kristu tinotarisira maropafadzo eNyu. Ameni. Mungagara henyu pasi. 4 Uye, zvakanaka, kuno—kunoti tonhorerei Svondo ino husiku, muno, kupfuura zvazvaiva husiku hweSvondo hwapfuura. Tinotenda hama dzedu dzakashanda dzakatendeka chaizvo vachitepa izvi. Ndinoziva vaviri kana vatatu vavo. Hama Mike Egan, sokuvaona kwandinoita kumashure uko, uye ndino…Hama Mike, uye Hama Sothmann, Hama (Ndinotenda) Roy Roberson, uye Hama Woods, nevamwe vose, vanga vari kuno vachidikitira pakushanda, vachiedza kutepa kuitira kuti tive neMharidzo iyi zvino, kana kuti nhasi. Saka, tinotenda. 5 Zvino, Svondo inouya mangwanani, Ishe vachida, ndinoda kuti tive neshumiro yokupodzwa kwevanorwara, kunyengeterera vanorwara. Uye tichaipira kuti ive shumiro yokupodzwa kwevanorwara, kana Ishe vachida. 6 Ndacherechedza, mangwanani ano, pane murwi wemahengechepfu pano. Ndaanamatira. Uye ini, pamanga muchinamata nokuimba, ndipo pandanamatira hengechepfu idzi; uye pane akawanda pano usiku huno. Saka, isu—isu tinotenda kuti Mwari unopodza vanorwara. Pane zvapupu zvizhinji zvikuru zvokupodzwa pakati pedu, uye pasi rose, uye tinotenda nokuda kweizvi.

SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

  • Upload
    others

  • View
    12

  • Download
    0

Embed Size (px)

Citation preview

Page 1: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA

Ngatinamatei. Ishe, zvino tinotenda. TinotendakuMwanakomana waMwari, uye, nomune izvi,

tinogamuchira Hupenyu Husingaperi nemaAri. Zvino taunganazvakare, masikati ano, kana kuti manheru ano, kuti tiite imweshumiro, tichivimba neMi paMharidzo uye nezvaMuchatitaurirahusiku huno. TinoKutendai, Ishe, uye takamirira paMuri. UyeImi makati, “Avo vanomirira pana Ishe vachapiwa simbaidzva; vachabhururuka namapapiro sechapungu.” Uye tirikunamata,Mwari, kuti Imimuchatipa Simba iro rokubhururukatichikwira, husiku huno, apo takamirira paMuri.2 TinoKutendai nokuda kwavanhu ava, uye nezvavanorevakwaMuri uye zvavanoreva kwandiri. NdinoKutendai nokudakwazvo, Baba. Maparera eNyu. Uye ndinonamata, Mwari,husiku huno, kuti Muchazviratidza nenzira, kwavari,yezvavanoda. Kana paine vanorwara pano, dai vakaporeswa.Kana paine kupokana mupfungwa yomumwe munhu; ibvisei,Ishe. Uye tipei zvoHupo hweNyu nemaropafadzo eNyu, nokutitinozvida, Ishe. Ndimi zvose zvinotikwanira. Uye, tisina Imi,hatina chatinogona kuita.3 Tinonamata kuti Imi mugamuchire kutenda kwedupamusoro pezvose zvaMakaita. MuZita raJesu Kristutinotarisira maropafadzo eNyu. Ameni.

Mungagara henyu pasi.4 Uye, zvakanaka, kuno—kunoti tonhorerei Svondo inohusiku, muno, kupfuura zvazvaiva husiku hweSvondohwapfuura. Tinotenda hama dzedu dzakashanda dzakatendekachaizvo vachitepa izvi. Ndinoziva vaviri kana vatatu vavo.Hama Mike Egan, sokuvaona kwandinoita kumashure uko, uyendino…Hama Mike, uye Hama Sothmann, Hama (Ndinotenda)Roy Roberson, uye Hama Woods, nevamwe vose, vanga varikuno vachidikitira pakushanda, vachiedza kutepa kuitira kutitive neMharidzo iyi zvino, kana kuti nhasi. Saka, tinotenda.5 Zvino, Svondo inouya mangwanani, Ishe vachida,ndinoda kuti tive neshumiro yokupodzwa kwevanorwara,kunyengeterera vanorwara. Uye tichaipira kuti ive shumiroyokupodzwa kwevanorwara, kana Ishe vachida.6 Ndacherechedza, mangwanani ano, pane murwiwemahengechepfu pano. Ndaanamatira. Uye ini, pamangamuchinamata nokuimba, ndipo pandanamatira hengechepfuidzi; uye pane akawanda pano usiku huno. Saka, isu—isutinotenda kuti Mwari unopodza vanorwara. Pane zvapupuzvizhinji zvikuru zvokupodzwa pakati pedu, uye pasi rose, uyetinotenda nokuda kweizvi.

Page 2: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

2 SHOKO RAKATAURWA

7 Uye ndakafunga, Svondo inouya, nokuda kwokutindinofanira kunge ndisipo kwekanguva, uye tanga tiripakudzidzisa nguva yakawanda zveMharidzo, zvokuti ndafungakuti chingava chinhu chakanaka kuti tive ne—neshumiroyokupodza vanorwara, kunamatira vanorwara. Uye ndinovimbakuti Mwari uchatipa nguva yakaisvonaka.8 Zvino, vazhinji venyu vachafanira kutyaira mamairamazhinji husiku huno. Saka ndanga ndichitaura nemapokapamusoro uko pa—paKefu yeBlue Boar, nhasi, uko kwandangandichidya. Pane vanhu vakanaka vakawanda, vandakwanisakukwazisana navo nokutaura navo, vanhu vandakangandisati ndamboona, vanouya pachechi pano. Uye ndinotendanokuda kweshamwari dzakadaro, uye ndinoda kutendamumwe nomumwe wenyu. Vamwe vavo vakanotanha micheroyemablackberries, ndokubva vativigira. Mumwe wavowativigira bhagidhi remusvi, kana kuti manyuchi, ndinotendakuti ndizvo, uye—uye nezvimwe.Hamuzivi zvazvinoreva izvozvo.Zvino mamwe mangwanani, ndakamuka ndokubuda mumba,imwe nguva apo…9 Mamwe mangwanani pane imwe hama yakanga isinazvikwanisiro, isina nhumbi nezvinhu, waida kuti ndimutsvagirenhumbi. Ndakabuda, ndikapotsa ndagumburwa nebhagidhiremablackberry ipapo. Ndikati, “Ndimi here mauyanemablackberry awa?”10 Iye akati, “Kwete, handina chandamboita pamusoropaizvozvo. Ndasvika pano zuva risati rabuda, iwo anga atovaipapo zvino.” Uye yanga iri Hama yangu yakanaka Ruddellvandivigira. Uye, saka, zvinhu izvo ndinozvikoshesa.11 Billy Paul ataura izvi kwandiri, kanguva kashomakapfuura, kuti pakati peungano ino usiku huno, vangavanditorera, mupiro. Ndi—ndinokutendai naizvozvo. Ndangandisingadi kuti muite izvozvo. Ndi—ndinotenda nokushingairakwenyu, nezvakadaro, asi zvanga zvisina basa. Uye, asi,Ishe vakuropafadzei. Munoziva, munoziva, Bhaibheri rakati,“Nezvose zvaunenge waitira kumudikisa waivava, wazviitakwaNdiri.”12 Zvino, ndanga ndichitaura nemi, paMharidzo,zvakanatsonanga. Uye ndika…Vamwe vanhu vanogona kungevaine maonero okuti—okuti ndinofunga kuti Jesu ari kuzouyamangwanani kana kuti usiku huno. Ndinodaro. Zvino, handisikuti Anouya. Uye, zvakare, Anogona kusauya svondo inouya,uye rinogona kunge riri gore rinouya, anogona kunge arimakore gumi. Handizivi kuti Anouya rini. Asi, pane chinhuchimwe chandinoda ku…chinogara mupfungwa dzenyu,garai makagadzirira miniti yose kana awa. Maona? Kuti,kana Akasauya nhasi, Anogona kuva pano mangwana. Sakaingozvichengetai mupfungwa dzenyu, kuti Ari kuuya.

Page 3: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 3

13 Uye handizivi kuti nguva yangu yokupedzisira panyikandiriini, uye hapana anoziva. Uye hapana mumwe weduanoziva paAri kuuya. HaAtomboziviwo, Iye, neMashoko aKe;Akati, “Baba, voga, vanoziva paVanouya; kana Mwanakomanahaatombozivi paVanouya.” Zvichadaro Mwari paAnoMutumirakwatiri zvakare. Asi tiri kutarisira Kuuya kwaKe. Uyekana Akasauya muchizvarwa changu, Angangouya panechiri kutevera; kana Akasauya mune ichocho, Anouya munechinotevera. Asi, ini hangu, handisi kuona pachine nguva yasara.Ndinongo…Kwandiri, zvinogona kuitika chero miniti. Zvino,izvo hazvirevi…Hazvirevi, zvino, kuti muchaona matengaachishanduka nezvose…Hakusiko Kuuya kwandiri kutauranezvako. Ndiri kutaura nezveKubvutwa.14 Maona, Ane Kuuya kutatu. Anouya nomumaZita matatuohuMwanakomana. Anouya muutatu; Baba, Mwanakomana,Mweya Mutsvene. Maona, zvese ndiKristu mumwe, Mwarimumwe, nguva dzose. Zvino, tinoziva Akauya kuzoratidzakushanda kutatu kwenyasha; kururamiswa, kucheneswa,rubhabhatidzo rwoMweya Mutsvene. Zvose, muna Mwari,zvinozadziswa muhutatu.15 Uye zvino Anouya, kutanga, kuzodzikinura Mwenga waKe.Anouya, kechipiri, seKubvutwa, kuzotora Mwenga waKe.Anouya, kechitatu, neMwenga waKe, Mambo naMambokadzi;mushure, ndipo panotarisira vanhu vazhinji Kuuya.

Asi paAnouya iye zvino, hapana anoziva kunzekweavo vakagadzirira ndivo vachaziva paAnouya. Pachavanekushaikwa kwevanhu. Havazivi zvinenge zvakaitikakwavari. Vanenge vangobvutwa, chiripo-ripo, uye vobvavangonyangarika. “Kushandurwa chiripo-ripo, mukubwairakweziso.” Saka ingogadzirirai izvozvo. Zvinenge zvichityisamamwe mangwanani kushaya mudikani, hapana anokwanisakuvawana. Zvinenge zvisina kunyanya kuipisisa here kutizvaitika zvikakupfuura? Saka ingoramba uri pamberi paMwari.16 Zvino, svondo inouya, Ishe vachitendera, Muvhuro unouya,Muvhuro wesvondo rinouya, kana Mwari vachida, ndirikudzorera mhuri kuArizona kwavanoenda kuchikoro, ndobvanda—ndadzoka.17 Zvino, handiendi kunze uko…Handina masevhisi ekungendiri kunze uko. Handiwanzi kunge ndiri muArizona.Ndinenge ndiri kumwe. Ndinotora mudzimai kunze uko,Muvhuro unouya. Ndiri kudzoka kuno zvakare. Ndichabvapano ndichienda kuBritish Columbia. Ndodzoka kuColorado.Ndinenge ndiri kuArizona zvakare imwe nguva pedyoneKisimusi, kwemaminitsi mashoma, akareba zvokuti…pamwe mazuva maviri kana matatu, kuisa mhuri pamwe chete,ndobva ndadzoka kuno pazororo reKisimusi, Ishe vachida, tovanesevhisi kusvikamusvondo yose yokutanga kwegore kuno.

Page 4: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

4 SHOKO RAKATAURWA

18 Saka zvino ndiri pano, zvokutova pano, kazhinji. Ndiri panokakapetwa kagumi kupfuura zvandinoita kunze uko, nokutihatina chechi kanamasevhisi kunze uko, hapana chimwe chinhukunze uko, saizvozvo, nenzira yesevhisi yomuchechi. Ndichochinhu chimwe chazvakashatira pamusoro pazvo. Handinanzvimbo yokuisa vana kuti vanzwe Mharidzo idzi, sezvinoitavana venyu pano, uye—uye ndiro dambudziko rimwe ratinaro.Asi vose vane hutano huri nane. Kune mamiriro ekunzeakaoma, anopisa, akaoma, asi vana vose vanoratidzika sokungevane hutano huri nane. Handiko nguva refu zvakakwana kutindinyatsoziva kuti izvi zvine utano here kana kuti hazvina. Ini,ndinogara ndichifamba, uye ini—ini—ini ndinofungidzira kutindakazvarwa ndiri mufambi.19 Mudzimai wangu anondidana…ndinoziva ari pano, sakandichatora izvi mushure mechechi, mese munoziva. Zvinonzichii, mhepo dzinovhuvhuta, kana kuti chamupupuri, kanakuti—kana kuti, munoziva, jecha rinopupurutswa? Kana kuti,ndinogara ndichifamba, nokumwe kutaura. Zvino ndakachata,ndava nemakore makumi maviri nemaviri, asi dzimwe nguvandinonzwa sokunge ndiri muenzi mumba mangu, nokutindinogara ndichifamba.

Asi ndakatarisira nguva apo patichazenge tagarazvokusazofambafamba kuNyika yokumusha rimwe zuva. Asizvino hondo iri kuendereramberi, saka ngatigarei tichinamata.20 Musakanganwa, svondo inouya mangwanani, Ishe vachida,huyai nevanorwara venyu nevanotambudzika. Kurumidzaikuuya, mowana pokugara, uye dzimwe nguva pachange paneboka rinoda kunamatirwa. Tichapa makadhi okunamatira.Kana asingakwani, hatizopi makadhi okunamatira, kanapaine vanhu vanongokwana bedzi makumi maviri nevanakana makumi matatu nevatanhatu vanobva vangoita mutsetse,kana zvakadaro. Asi ti—tichapa makadhi okunamatiradzimwe nguva, saka tichazviita nguva ingangoita awa sevhisiyedu yemazuva ose isati yatanga, izvo zvandinofunga kutizvinotora…Kusvikira nguva ichange yava yesere, yeserekana kuti maminitsi makumi matatu mushure menguvadzesere, ndipo pavachapa makadhi okunamatira; vovhurachechi, vopa makadhi okunamatira eSvondo mangwanani.Zvino iva nechokwadi kuti uvepo pano kuti uwane…Hunzaivadikanwa venyu, muvapinze muno. Munenge makanaka uyemuchitonhorera muno muchechi, kana vachirwara, uye tichaitazvose zvatinogona kuti tivanamatire.21 Ndinokutendai, zvakare, nokuda kwechipo cherudo.22 Uye zvino tave kuverenga rimwe reShoko raMwari, usikuhuno, uye ivai makagadzirira chiitiko ichi choHupo hwaKezvakare kuti Huuise Shoko raKe kwatiri. Zvino, tinoziva kutitinogona kuverenga zvakanyorwa, asi Mwari ndiye unofanira

Page 5: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 5

kuzarura zviri makanyorwa. Maona? Tinogona kuverenga, asiMwari unofanira kuzarura zviri mukati mezvakanyorwa. Uyezvino pamuri kuvhuramuBhuku raJeremiya, chitsauko chepiri.23 Ndinoda kuti nditi ndine mufaro kuti tina, pakati pedu,Hama Lee Vayle, hama inokosha munaShe. Uye ndinofungapano, hama iri pano, ndiri kukanganwa zita rake, HamaWillard Crase. Uye ndaona hama dzabva kuArkansas, HamaJohn nevamwe, vabva kunzvimbo dzakapoteredza Poplar Bluff,uye neHama Blair. Uye, o, Hama Jackson, neHama Ruddell,uye vazhinji va—vandisingagoni…Ndinoshuva kuti daindaigona kutaura zita romunhu wese, asi handizvigoni, uye imimunozvinzwisisa. Hama Ben Bryant, ndiri kuvaona vakagaraapa; ivo ndivo vanogara vari kona yangu yamaameni pandinengendichi…Munhuwose anozivaBen nokuda kwenzwi rake. E-he.24 Isu, takagara muCalifornia imwe nguva, ndakangandichiparidza Mharidzo kuvanhu veBaptisti kumusoro ukomumupata. Vakanga vakamisa tente huru ipapo, uye pakangapaine mhando yechiBaptisti vakapfuma. Handina kana “ameni”yandakambonzwa imomo; munoziva, vachitya kuti vamwevemadzimai avo vaizoita kuti pendi idonhe kubva pazvisozvavo. Uye zvino, chokutanga munoziva, ndakaona tsoka mbiridzairatidzika sezvozvo, dzava mudenga, namavoko mavirimakuru, nevhudzi dema richizunzwa ipapo, pachidanidzirwa,“Ameni,” achidanidzira saizvozvo. Zvino ndakatarisa ndikaona,ndikati, “Ben, wabva nepi?”Wanga achinyatsoita “ameni.”25 Ndikaona mudzimai wake achimutarisa, zvokubiridzira.Zvakanaka, rimwe vhudzi rake dema riri kupera, asizvakangonaka, munoziva. Musanetseka pamusoro pazvo. Nenindakadarovo, pane rangu, nguva refu yapfuura.

Saka, zvino, musakanganwa kunamata.26 Zvino tave kusvika pachikamu chekuremekedza sevhisi,rangarirai, kana tikaverenga Shoko iri, zvino Mwari anobvaaropafadza Shoko raKe. “Harizodzokeri kwaAri risinazvaraita, asi Rinozadzisa icho charakananga.” Uye ndinoziva,mukuverenga Shoko, ndinogara ndakarurama. PandinoverengaShoko, Mwari anobva aremekedza Shoko raKe.27 Zvino ngatisimukei mukuremekedza Shoko raKe. Jeremiya,chitsauko 2, ndima 12 ne13 dzaJeremiya 2.

Shamiswa, O…nezvizvi, iwe matenga, utye zvikuruuvhundutswe, uve dongo, ndizvo zvinotaura Jehovha.

Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zvivirizvakaipa; vakandisiya ini chitubu chemvura mhenyu,vakazvivakira matangi, matangi akatsemuka,asingagoni…asingagoni kuchengeta mvura.

Ngatikotamisei misoro yedu zvino.

Page 6: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

6 SHOKO RAKATAURWA

28 Mwari munodikanwa, Shoko reNyu raverengwa. Zvinotinonamata kuti Imi muremekedze Shoko iroro Mugotipausiku huno mufananidzo kana kuti chinoenderana naRo; apotichitarisa mazuva apfuura, Israeri, semienzaniso, sezvinorevaBhaibheri richitidzidzisa kuti tinokwanisa kuona zvaMakaitakwavari pavakaterera Shoko, toona zvaMakaita kwavaripavasina kuterera Shoko, uye todzidza kuti isu tinofanira kuitasei. Saka, tinonamata kuti Imi Muchataura nesu manheru anonenzira yakasanangurwa, kuti tizive mazvibatiro atinofanirakuita muzuva rino, sezvatadzidza mangwanani ano atirikurarama. Takumbira izvi muZita raJesu. Ameni.

Garai henyu pasi.29 Kwe—kwekanguva kapfupi, ndinoda kutaura usiku hunopamusoro penyaya inoti:Matangi Akatsemuka.30 Israeri yakanga yaita zvinhu zvakaipa zvikuru zviviri.Mwari wakati vakanga vaMusiya, Chitubu choUpenyu, uyendokuzvivakira matangi avaizonwa kubva maari. Zvino, ichondechimwe chinhu.31 Chikonzero ndafunga musoro wenyaya uyu ndechokutizvinofambirana nezvandanga ndichitaura mangwanani ano,zvenguva yatiri kuraramamairi, uyeDonzvo ratiri kurwira.32 Uye tinotarisa Israeri somuenzaniso, kuti, zvaiva Mwari,anoramba akangova saizvozvo. Uye pane chinhu chimwe chetebedzi icho Mwari chaanogara achiremekedza, ndicho, nzirayaKe yaAkapa vanhu. Uye pose pavaibva munzira iyoyo, Mwariwainge azvidzwa, saka Mwari waizoita kuti vanhu varwadziswenokuda kokubva pane zvaAinge avaudza kuti vaite, zvisineikuti chii.

Akavapa murairo, “Musagunzva, musabata, musaravira.”Chakanga chisiri chisakarurama chokungozviita izvozvo, asichokusaterera zvaainge Avaudza kuti vaite. Uye nguva dzosehapagoni kuva nemurairo pasina chitarafu chemurairo. Nokuti,kana pasina chitarafu, naizvozvo, murairo hauzovi nezvizhinjizvaunoreva kana usina chitarafu. Murairo!33 Zvino, tinoona kuti, zvavakaita muzuva iro zvinodakuenderana nezvatiri kuita nhasi, zviri kuitwa nevanhuvechechi.34 Zvino pano tinoona chinhu chinoshamisa. Zvingangogonakushamisa vamwe vanhu, paAkati, “Imi, ivo, vakazvivakiramatangi, matangi akatsemuka.” Zvino, dzimwe nguva vamwevenyu havazivi kuti tangi chii. Vangani vanoziva kuti tangi chii?Zvakanaka, vazhinji venyu. Kana wakakurira papurazi, unozivakuti tangi chii. Ndinorangarira ndichimwa zvipembenenezvakawanda kubva mune rimwe, kuti—kuti ndizoziva zviri—zviri tangi.

Page 7: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 7

Ndakaparidza kunze uko kumaruwa, mumusasa, umomawaiwana dende rakazara nemvura yomutangi, iyo—iyomvura inenge yanaya, munoziva, ndokubva yaita sokuti gareiirimo kwenguva. Uye—uye zvipembenene, panguva dzousiku,zvaipinda mariri. Saka ndinoziva kuti mvura yomutangiyakaita sei.35 Ta—tangi i—inzvimbo, chinhu chinocherwa pasi, chotoranzvimbo yetsime. Vanhu pavanenge vasina tsime, ipapovanoshandisa ta—tangi. Namamwe manzwi, chirongoitangi rakagadzirwa navanhu kana kuti itsime riri pasirakagadzirwa navanhu, rakacherwa navanhu, kuitira kutiribate mvura, icha—ichashandiswa. Vamwe vavo vanoishandisasemvura yekuwachisa, imwe yacho inoshandiswa semvurayokunwa, nenzira dzakasiyana, dzimwe nguva. Mvurayose pane imwe nguva, yataichera, yaibva mutangi. Paivanechinhu chawaikurunga, uchitenderedza, uchitenderedza,uchitenderedza, uchitenderedza, kuitira kuti mvura ikwire;painemagaba ipapo, okucheresamvura kubvamutangi.36 Zvakanaka, tinocherechedza chinhu chimwe chete pamusoropetangi chakasiyana netsime. Zvino, tangi rinopera mvura.Ta—ta—tangi harigoni kuzvizadza rimene. Hari—hari…Hatigoni kuvimba naro. Haugoni kuvimba netangi. Rinotovimbanokuzembera pakunaya kwemvura inonaya muzhizha kanakuti muchando, kana nguva ipi zvayo…Kazhinji, munguvayechando panonaya chando nemvura, mvura ndipo painoyereraichipinda mutangi. Uye kana rikasawana mvura iyo, hau—haugoni kuva nemvura zvachose. Yose—yose…inooma. Zvinoharigoni kuzvizadza pacharo. Tangi iri harigoni kuzvizadzapacharo. Rinozadzwa ne—nemvura dzinonaya.37 Uye ndinoda kuti mucherechedze chimwe chinhupamusoro petangi. Kazhinji, munowana kuti, kana kutisezvazvakanga zvakaita kwedu, tangi…Kazhinji danga rineukuru hwakapetwa kaviri paukuru hwemba, uye kazhinjimvura inoerera kubva pamusoro pedanga, ichipinda mutangi.Ndinorangarira tangi rekare kunze uko, apo…apo—apomapaipi anodira mariri, zvakare, achibva pamusoro pedanga.Rinozadzwa kubva pamusoro pedanga.

Saka naizvozvo mvura inoerera kubva pamusoro pedengaredanga; apo, zvipfuwo zvose pazvinenge zvichifamba-fambamudanga, uye tsvina yose yomudanga inopwititika yondomharapamusoro pedanga, munguva iyo kwakaoma. Uye zvino mvurainouya yosuka zvose izvi kubva padenga, kupinda mugatarakagadzirwa navanhu, kupinda mupombi yakagadzirwanavanhu, yozopinda mutangi rakagadzirwa navanhu. Uyekana usati wakambova nemasanganiswa etsvina, handizivihangu chaunenge wava nacho, paunenge wava netangi. Hongu,changamire! Zvose zvakagadzirwa navanhu, uye zvakasvibazvisingambobviri.

Page 8: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

8 SHOKO RAKATAURWA

38 Munoziva, taizviti…Taiisa mucheka wekusefa nawopane rimwe rawo. Munoziva here kuti chaiva chii ichocho?Taitoisa mucheka pariri, kuti tibate zvipembenene zvosenezvimwe zvaibva pamusoro pe—pedanga, nemunzvimbo dzosedzakapoteredza nzvimbo iyo, ichierera kubva pane imwenzvimbo ichienda pane imwe nzvimbo, ichizopinda mutangi.Uye taigara tichiisa mu—mucheka wokusefa pariri, kutitibate tsvi—tsvina nemarara zvataigona. Kunyangezvo, izvozvohazvaigona kubata tsvina chaiyo, zvaingobata chete tsvinahombe dzaidonha dzichiuya kuzowira mariri. Chipembenenechaigona kuwirapo, asi mvura dzechipembenene dzairambadzichienda nemvura. Saka, pai—paizova nemusanganiswawetsvina chaiwomukati metangi iri rekare rakasviba.39 Mumazuvamashoma, mvura iyoyo iri imomo, inotanga zvinokuora. Ukarega mvura irimo mutangi, inoora. Uye inotangakuzara ma—matatya, nemadzvinyu, nenyoka. Uye taisizviti“maburuvuru,” zvinhu zviduku…handizivi…Harisi jemisi,i…handigoni, handizivi kuti munozvidaidza kuti chii. Asindechimwe chinhu chidiki chinopinda mumvura, ta—taichitimaburuvuru. Munoziva kuti chii. Vangani vanoziva kuti chiichandiri kutaura pamusoro pacho? O, sei, zvirokwazvo, imi mosevanogara kumaruwa munozviziva. Inova yakazara nokuora, uyezvose izvi zvinofarira mvura yakaora zvinouyamo. Zvinotouyazvamazvirokwazvo, nokuti yaora. Uye nokuti yaora, inodhonzachipuka imomo chinofarira zvinhu zvakaora.40 Ndizvo chaizvo mukuzara kwazvo zvakafanana namachechiedu nhasi. Ndinofunga kuti takasiya…Chimwe chezvivizvikuru zvaitwa nechechi nhasi, sezvakaita Israeri paya,kumusiya, Chitubu cheMvura mhenyu, kwava kuzvivakiramatangi akagadzirwa navanhu. Uye hwava ugaro hwechosechinofarira mvura yakafanana naiyoyo. Madzvinyu, matatya,nemhando dzose dzemajemisi akasviba, zvinogaramo, nokutiitangi rakagadzirwa navanhu. Uyemutangi iri zvinhu izvi ndimomazvinogara,muenzaniso chaiwowemasangano edu nhasi.41 “Zvino,” unoti, “Hama Branham, sei muchirova vanhu avozvakaomarara kudaro?”

Zvinofanira kurohwa. Zvinofanira kurohwa. Zvitizei,nokuti zvichazopedzisira zvaumba mucherechedzo wechikara.Rangarirai, ichi ndicho Chokwadi! Uchange uri mucherechedzowechikara. Sangano ndiro richatungamirira kupindachaimo mauri. Riri munzira chaimo kuenda ikoko zvino,kukumanikidza, nesimba.42 Tarisai kuhumambo hweRoma hwekare. Ndizvo chaizvozvakavatungamirira kusvika pamucherechedzo wokusiyamanamatiro chaiwo. Munoona kuti munhu haaigona kutengakana kutengesa asina mucherechedzo uyu wechikara. Waifanirakutova nawo.

Page 9: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 9

43 Pane mapoka maviri bedzi avanhu achange ari panyika;avo vane Chisimbiso chaMwari, uye avo vane mucherechedzowechikara. Mapoka maviri bedzi, saka uchava mune rimwekana kuti rimwe racho. Kunenge kuri kutsauka pakunamatakwechokwadi, mu—mucherechedzo we—wekunamata,kunamata kwakatsauka.44 Uye kuchava nemufananidzo wechikara. Apa tiri kunzvera,tinoona kuti Roma yaimbova, iri, uye ichagara iri, muche-…kana kuti, chikara. Ndizvo chaizvo. Hapana imwe nzirayatinouwana nayo. Roma!45 Uye Roma yakaitei? Yakashandurwa kubva paRomayechihedheni ikava Roma yokunamata, ndokubva yarongamaitiro ezvinhu, maitiro ezvinhu pasi rose, awo aimanikidzamunhu wose pakunamata kumwe chete ikoko kana kutiaiuraiwa.46 Uye chinhu chinoshamisa kuti United States painoonekwa,inoita segwayana. Uye gwayana iri rine nyanga duku mbiri,kodzero dzezvematongerwe enyika nedzokunamata. Uyetinoona kuti mushure mechinguva, gwayana iri, parakatangakutaura rakataura sechikara uye rakashandisa simba rechikarachakanga chiripo risati ravapo. Uye Bhaibheri rinotiudzakuti, vakati “Ngatiitei mufananidzo wechikara.” Mufananidzochinhu chakafanana nechimwe chinhu. Uye tinogonakuzviona iye zvino kuti, mudanho rayo rokubva pakunamatakwechokwadi, chechi dziri kuita Mubatanidzwa WechechiDzepasi rose, unova mufananidzo wesimba reRoma; uyeuchamanikidza vanhu chinhu chimwe chete chaiitwa neRomayechihedheni…kana kuti Roma yokunamata zvayakaita.Saizvozvo, hapana imwe nzira, hapana chimwe chinhu. Asiicho ndicho Chokwadi.47 Ndiko kusaka ndichizvirova muzera rangu, munguva yangu,nokuti zvinofanira kurohwa. Kudaidzira kwakauya, kuchiti,“Budai mukati mayo, vanhu vaNgu, kuti musava vadyi pamwechete vezvivi zvake!”48 Zvino, ndiri kufananidza izvo, kumatangi awa akasviba anetsvina. “Iye ndiye Chitubu cheUpenyu. Ndiye Mvura mhenyu.”Uye vanhu vanosiya Izvozvo, vazvivakira matangi anongogonabedzi kubata tsvina. Ndizvo bedzi zvaanogona kubata. Uyendizvo zvakaitwa namasangano; anobata zvose zvinouyazvichida kujoina. Anoda kuzvitora zvopinda maari kana zviinemari kana kuti zvichigona kupfeka nemamwe mapfekero.Hazvina basa kuti ndivanaani, vanobvepi, vanongovatora,zvakadaro.49 Zvino tinoona, zvakare, kuti, mucherechedzo wechikarauyu wakaumbwa muno. America, inhamba, yegumi nenhatu.Yakazvarwa iine matunhu gumi nematatu. Yaiva nemurezaune nyeredzi gumi nenhatu, mitsetse gumi nemitatu. Uye iri

Page 10: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

10 SHOKO RAKATAURWA

muchitsauko 13 cheZvakazarurwa. Uye America yakagara irimudzimai, semafananidzirwe azviri pamari yedu yemasirivhera.Kunyangwe musoro wevechiIndia, papeni, mufananidzowemudzimai. Tinozviziva izvozvo, tinoziva nhoroondo yazvo.Zvose, Bhera reLiberty, nezvimwe zvose, rusununguko…Statue yeLiberty, zvose, mudzimai. Mudzimai; nhamba yeguminenhatu. Maona? Zvino, zvaka—zvakanaka kuona zvinhu zvoseizvo.50 Uye zvino ndakafanoreva nechizaruro chinobva kunaMwari, kana kuti nechiratidzo muna 1933, kuti zvinhuzvinomwe zvichaitika kuguma kusati kwavapo. Uye kuti,chimwe chazvo, ndechokuti, “Mussolini,” uye wakanga avakuzoita mutongi anotonga nechisimba, “kuti waizova mutongiwaitonga nechisimba. Uye, zvakare, waizopinda muEthiopiazvechisimba, opamba Ethiopia. Uye Mweya, Wakati, ‘Ichawirapatsoka dzake.’”51 Handizivi kana paine mumwe wevekare ari munomutabhenakeri, anorangarira ndichitaura izvi munomuRedmanHall zasi uko patakaparidza, makore mazhinji-zhinji, kwazvo.Aripo here muimba muno, usiku huno, wakasara kubvapaRedman Hall yekare pandakaparidza izvozvo, apo veN.R.A.,pavakauya kareko munguva dzaRoosevelt paakatanga kutonga?Ndinofungidzira kuti hapana kana mumwe zvake arimo muno.Aripo here mumwe chete? Hiya, hiya, mumwe, aripo uyo. Hongu,Amai Wilson, ndinovarangarira. Mudzimai wangu, akagarakumashure uko. Vaviri vasara, kubvamuzera reavo vezuva iro.

Izvo, ndipo pavakati N.R.A. ndiwo waiva mucherechedzowechikara, ini ndikati, “Hapana zviripo apo; hazvisizvo.Mucherechedzo wechikara hauuyi pano. Unobva kuRoma. Uyehaungavi mucherechedzo wechikara.”52 Uye zvino rangarirai kuti zvinhu izvi zvakataurwa.Zvikanzi, “Adolf Hitler uchava nemagumo asinganzwisisiki.Uye uchadenha pachena hondo neUnited States. Uye vachavakachivakwa chi—chi—chikuru chekongiri, chokuti vanengevachitogara machiri. Uye ipapo vekuAmerica vachaurawazvakaipisisa, pachiri.” Zvino wakanga uri mutsetse weSiegfried,makore gumi nerimwe vasati vatanga kuchivaka. Uye zvakarezvakanzi, “Uchasvika pamagumo; uye States ndiyo ichakundamuhondo iyi.”53 Uye zvakanzi, kuti, “Pane maism matatu achavapo;Nazism, fascism, uye communism.” Uye ndakati, “Zvosezvichazobatana zvoita communism. Russia ichazvitora zvose,zvoita communism.”54 Uye ndakati, “Zvesainzi zvichakurumbira zvikuru,munhu uchava neuchenjeri hwakanyanya, uchagadzira zvinhuzvakawanda kusvikira uchagadzira motokari inoratidzika sezai,iine chinhu chinoratidzika segirazi pamusoro payo, uye ichange

Page 11: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 11

ichityairwa nerimwe simba risiri rehanduro.” Zvino vatovanemota iyoyo.55 Uye ndakati, “Ipapo mazvibatiro emadzimai edu achadonhakusvika pazvinhu zvinoshoreka, kusvikira vachanyadzisa kunedzimwe nyika dzese. Vachapfeka hanzu dzevarume. Vacharambavachibvisa hanzu dzavo kusvikira zvoita sevasara nehanzudzomukati bedzi, dzoga. Uye, pakupedzisira, vachazosvikapavanenge vakapfeka shizha romuonde bedzi.”

Uye kana mukacherechedza, mumagazini reLife remwedziwapfuura, maiva nemudzimai akanga akapfeka mashizhaomuonde. Uye ndiyo hanzu yemanheru, kana kuti chipfekochamanheru, izvo zvavanopfeka manheru; zvinoonesa mukati,zvaunogona kuona nemazviri, mashizha bedzi omuonde anogonakungoviga kamwe kanzvimbo kemutumbi wake; nezvinengezvisina tambo, kana kuti midya, hanzu dzokushamba nadzodzisina tambo, kumusoro kwacho, mutumbi uri pachena. Uyezvinhu izvi zvakatoitika zvakadini!56 Zvino ndakati, “Ndakaona mudzimai achisimuka muUnitedStates, akaita samambokadzi mukuru kana chimwe chinhu. Uyewakanga akanaka pakumuona, asi akaipa kwazvo mumwoyomake.Uye akaita kuti nyika ino ifambe, ifambe sezvaaida iye.”57 Zvino ndakati, “Pakupedzisira, Akandiudza kuti nditarisekuMabvazuva zvakare. Uye, pandakadaro, ndakaona,chairatidzika sokunge, sokunge pasi rose rakanga raputika.Uye sokuona kwose kwandakagona kuita, hapana chakasarakusara kwezvimiti, uye—uye matombo ari kungopwititika utsianga aputiswa kubva pasi mukati menyika.”

Uye zvinhu izvi zvakanga zvichifanira kuitika nyikaisati yaguma. Uye zvishanu zvezvinomwe izvi zvakatoitika,mumakore makumi matatu nematatu. Hepanoi patava,tadzokera kunguva yokuguma!58 Uye ndakataura ndichipikisana nemaitiro emasanganoipapo chaipo. Uye nanhasi ndichiri kungotenda, usiku huno,kuti iroro idziva retsvina, kuti iyo inzvimbo munoererera tsvina.Handitendi kuti Mwari angatora chinhu chakadaro seChechiyaKe, nokuti inofanira kuzvarwa noMweya waMwari ipapoyocheneswa isati yadaidzwa kunzi yaKe. Mutumbi waKristuwapaMweya, tinobhabhatidzirwa maUri nokubhabhatidzakoMweya Mutsvene.59 Hongu, maitiro etangi iri zvamazvirokwazvo muenzanisochaiwo wesangano. Munhu akachenjera anofanira kutarisa,uye orega zvachose kupinda mariri, nokuti Mwariwakazviratidza nomumazera ose kuti Anopokana naro uye haasikuzomboshanda naro. Boka ripi zvaro…Nguva yose munhupaaisimuka aine mharidzo, saLuther, Wesley, nevakadaro,naSmith, naCalvin, nevamwe; pavaitanga kuita sangano, Mwariwaingovaisa pasherufu orega kuzovashanyirazve nerumutsiriro.

Page 12: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

12 SHOKO RAKATAURWA

60 Tarisai nomunhoroondo. Hapana kana nguva apo Mwariakatora sangano, akaita rumutsiriro kubva mariri, hakuna.Zvino, munhoroondo nomuBhaibheri, zvinoratidza kuti chinhuchakasviba pamberi paMwari, saka handidi kuwana chokuitanaro. Ndosaka ndichiripikisa. Ndiri kuedza kuti vanhu vabudekubva mariri.61 Tinokokwa, seIsraeri, saka ndiiko zvino, patinofanirakutarisa kuIsraeri semienzaniso. Ivo, pose pavaigara neTsimeiroro, vakanga vari mugwara rakarurama. Asi pavakatangakuzvivakira matangi, maitiro akagadzirwa navanhu, ipapoMwari wakavasiya pachena. Uchatiitira zvimwe chete.“VakaMusiya, Chitubu cheMvura dzinorarama.” Ndikokunyunyuta kwaiva naMwari pamusoro pavo. “Kugadzirachimwe chinhu chavaigona kuti, ‘Munoona zvataita!’”62 Zvino, apo panguva yoku—yokufamba kwaMosesi; apoMwari, nenyasha, akanga avapa muporofita, avapa ShongweyoMoto kuti ivatungamirire, aZvisimbisa nezviratidzonemashura. Nyasha dzakanga dzavapa zvinhu zvose izvi. Israeriyaingoda, yaingoona murairo. Vakaramba nyasha, vakatoramurairo.

Ndizvo chaizvo zvinoitwa navanhu nhasi. VanorambaShoko, kuti vatore maitiro emasangano, nokuti mukuita izvivanogona kuita zvose zvavanoda uye hapana chinovakanganisa.Asi haungazviiti izvi uri muna Kristu! Unotofanira kuuyapachena uye zvakajeka, kuti upindemunaKristu.63 Kusiya chitubu, uchienda kumaitiro nematangizvakagadzirwa navanhu, ungafungidzirawo here kutimunhu angaita zvakadaro? Ungafungidzirawo here danhorepfungwa dzemunhu anogona kunwa kubva pachitubuchinopa mvura ichangobuda, wobva wosiya ichocho achiendakumatangi akagadzirwa navanhu ane matatya, nemadzvinyu,nemaburuvuru, nezvose mariri?

Hazviratidzi pfungwa dzakarurama, asi ndizvo chaizvozvaitwa navanhu. Vasiya Shoko, Chitubu chazvokwadichaMwari uye Simba, kuti vanwe kubva mumatangi, uyekuzviitira matangi. Zvangofanana nezvavakaita ipapo, ndizvozvavaita nhasi. Vanoti…

Akati, “VakaNdisiya.” Pano Akati, pano muna Jeremiya2:14, kana kuti 13, ndingati. Akati, “VakaNdisiya, ChitubucheMvura mhenyu.”64 Zvino, tinoona kuti tangi chii. Tinoona zvarinobata.Tinoona kuti rakagadzirwa sei. Chinhu chakagadzirwa navanhuchinobva padenga rakasviba. Mvura inonaya, inorova padengarakasviba, yongosuka denga iroro, yoerera ichidzika nomugatarakagadzirwa navanhu, nomupombi yakagadzirwa navanhu,ichipinda mutangi rakagadzirwa navanhu. Tsvina dzosedzinopindamo, ne—nemajemisi, nemadzvinyu, nematatya,

Page 13: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 13

nezvinhu zvepasi, zvinofarira izvozvo. Zvino, cherechedzai,imhuka dzine tsvina; maburuvuru, muzvakaora. Buruvuruharikwanisi kugara mumvura yakachena. Rikagaramo, rinofa.Rinofanira kunge riri mumvura iri kuora.65 Ndizvo zvazviri nemajemisi aya nhasi. Haukwanisikugara mumvura mhenyu dzeMweya Mutsvene. Ndichochikonzero vanopikisa Shoko zvakasimba, voti, “RinozvipikisapaCharo. Hapana zviripo paRiri.” Imhaka yokuti vanodakuve neduhwinho remvura iri kuora rokushambira mariri.Zvakanaka.

Ndizvo zvimwe chete namatatya, uye nemadzvinyu,uye nemaburuvuru, uye nezvakaita saizvozvo. Anofanirakuenda munzvimbo ine machakwi kana kuti dziva rinemvura yava kuora, kuti zvirarame, nokuti hunhu hwazvondehwokurarama makadaro. Uye haugoni kushandura mhukakusvikira washandura hunhu hwayo.

Uye haugoni kuita kuti munhu aone Shoko raMwarikusvikira hunhu hwake hwashandurwa; uye kana hunhu hwakehwashandurwa kubva pane zvaari, kuti ave mwanakomanawaMwari, uye Mweya Mutsvene wopinda maari. MweyaMutsvene wakanyora Shoko raMwari!66 Nhasi ndanga ndichitaura neshamwari yangu yakanaka,Chiremba Lee Vayle, varipo pano izvozvi. Uye mudzidzi chaiyeweBhaibheri, uye kazhinji tinenge tinavo—tinavo tiine hurukurodzakanaka paMagwaro. Vakachenjera chaizvo.

Uye imwe nguva vakandivhunza zvandaifunga pamusoropechiratidzo chokutanga chokuva noMweya Mutsvene, “Kwaivahere kutaura nendimi?” Patova nemakoremazhinji apfuura.

Ini ndakati, “Kwete; handioni saizvozvo.”Ivo vakati, “Neniwo handizvioni,” ndokuti, “kunyangwe

ndakazvidzidziswa saizvozvo.” Vakati, “Ko imi munofunga kutichinyi chiratidzo?”67 Ini ndikati, “Chiratidzo chakanyanyokwana chandinofungapamusoro pacho rudo.”Uye takatanga kutaura pamusoro pazvo.

Uyezve ndakafunga kuti zvairatidzika zvakanaka sakandakabata pana izvozvo, “Kanamunhu aine rudo.”

Asi Ishe rimwe zuva, muchiratidzo, vakanditwasanudza.Uye vakati, izvo, “Chiratidzo choMweya ndeavo vanogonakugamuchira Shoko,” harusi rudo, kana kutaura nendimi, asikugamuchira Shoko.68 Uyezve Chiremba Vayle vakanga vachiti kwandiri, vakati,“Izvozvo zviri muMagwaro,” vakati, “nokuti, muna Johane 14,Jesu akati, ‘Kana Iye Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu,Uchazarura zvinhu izvi kwamuri, zvandakakudzidzisai, uyeuchakuratidzai zvinhu zvinouya.’”

Page 14: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

14 SHOKO RAKATAURWA

Saka hechinoi chiratidzo chazvokwadi choMweyaMutsvene! Haasati ambondiudza zvisiri izvo kwete. Kuti,“Ichi chiratidzo choMweya Mutsvene, ndouyo anogona kutendaShoko.” Munogona kuUgamuchira.

Nokuti, Jesu haana kumboti, “Kana Mweya Mutsvenewauya, muchataura nendimi.” Haana kumboti, kana MweyaMutsvene wauya, muchaita chimwe chezvinhu izvozvo. AsiWakati, “Uchatora zvinhu izvo zvaNgu ozviratidza kwamuri,uye uchakuratidzai zvinhu zvinouya.” Saka hechinoi chiratidzochamazvirokwazvo choMweya Mutsvene, maererano naJesuPachake.69 Saka kose kutekenyedzwa uko nezvinhu izvo vanhuvanonzwa uye vachingorarama mararamiro ose, munokwanisakuona kuti sei vachidaro. Maona, rinobva rava sangano, kanakuti dziva remvura iri kuora, uye hapazombovi nesanganorakaumbwa pamusoro pe-…peShoko raMwari rakakwana.Haringagoni kudaro, nokuti haungagoni kusanganisa kana kutikuita Mwari sangano. Kwete, changamire!70 Chikonzero ndechokuti, unotora boka revanhu vanogonakutenda Shoko, vabva vatanga sangano. Chokutanga munoziva,mushure megore panenge pava neboka ravanaRicky imomovausingagoni kuudza zvokuita. Ndivo vanotonga, uye hapanazvaunogona kuita pamusoro pazvo. Haasiwo maitiro aMwari.Haasiwo, saka tinoziva kuti chinhu ichocho chiri kunze.Chinobva chava tangi, uye inobva yava nzvimbo apo munhuwose acharerutsa pane ichi, icho, kana chimwe, kuti nhengodziuyemo, kana kuti vanhu vauyemo.71 Tinoona kuti, maitiro awa akatanga imwe nguva, kumashureuko pamazuva evaIsraeri, pavaigadzira matangi awa. Uyepakanga paine munhu neboka raVaFarisei vakanga vagadziramamwe matangi. Uye vaiva nomurume wainzi Herudhe, uyewakanga ari mutungamiriri, gavhuna wenyika.

Iye wakauya zasi uko kuzonzwa munhu wakangaasingawirirani nemasangano avo. Waiva muporofita. Uyehakuna kumbova nomuporofita akava nechokuita nesangano,asi wairivenga. Muporofita uyu wakatanga kuti, “Musati mukatimenyu, ‘Tina Abrahama sababa vedu,’ nokuti ndinokuudzai kutiMwari unogona kumutsira Abrahama vana kubva pamatomboawa.”72 Uye vakaunza anoremekedzwa kuti amunzwe. Zvinomuremekedzwa uyu wakanga atora mudzimai womunin’inawake kubva kwaari, ndokubva amuroora. Zvino chii chakatauramurume uyo paakauya pamberi pechiso chake? Vakafunga kutiucharerutsa, agoti, “Zvino, changamire, imi, mune chigarochakaisvonaka pano apa. Uye munofanira…Uye ndine mufarokuti mauya kuno kuti muzondinzwa nhasi.”

Page 15: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 15

Johane wakangofamba ndokusvika pamberi pechisochake, akati, “Pamurairo haufaniri kuroora mudzimai uyu.”Chokutanga chaicho chaicho, akamutsiura nokuda kwechivichake.73 Munoona, masangano anogadzira madziva ane mvurairi kuora umo murume anogona kurarama namadzimai,uye iwo madzimai achingoenderera mberi, nokugera vhudziravo, nokupfeka zvikabudura, nezvose hazvo, uye vachizvitimaKristu.

Asi Chitubu chamazvirokwazvo, hareruya, cheSimbaraMwari, hachigoni kumirira izvozvo, nokuti Chinozvisaidzirirakunze. “Ndini Chitubu cheMvura mhenyu. VakaNdisiya, kutivazvicherere matangi.”74 Zvino, tsime remvura mhenyu, tinoona kuti, tsime remvuramhenyu chii? Taona kuti tangi chii, zvino ko tsime remvuramhenyu chii? Chitubu.

“Chitubu, chii ichocho, Hama Branham?”Itsime rinogara richitubuka nguva dzose kubva pasi

richisairira mvura yaro kunze. Inenge ichierera nguva dzose.Inozvibudira yoga. Inogara nguva dzose ichifefetera uyeyakachena, chitubu, itsime remvura mhenyu. Hachina kufakana kuora. Chipenyu, uye chinogara chichingoshanduka,chichiuyisa zvitsva nguva dzose, chichigara chichidaro,chichitora kubva kwachinoiwana. Chinotora zvachinopakubva—kubva pasi paisingaperi, chinova…chinorambachiri tsime remvura mhenyu dzinotubwidiswa dzichikwira.Chinozvichenesa; chakachena, hachina tsvina, imvurayakachena. Chinozvibudisira mvura chega; haufanirikumirira mvura inonaya kuti izadze tangi racho. Chinogarachichitubwida, chichipa mvura yacho pachena. Haufanirikuchipomba, kuchikurunga, kuchimonyorora, kana kuchijoina.Chinongova tsime remvura mhenyu.75 Munoziva, mukatora matangi ekare awa, unofanirakuakurunga nokuakurunga nokuakurunga, nokuapomba uyenezvose, kuti uwane mvura shoma iyoyo iri kuora kuti ibude.Hu!

Asi Tsime reMvura mhenyu rinoIpa, pachena, pasinakuipomba, kujoina, kana chimwe chinhu zvakare. O, ndinofaranokuda kweTsime iri! Hongu, changamire!76 Haridi chokusefa nacho paRiri, kubvisa majemisi. Nokuti,Inobva kwakanyanya kudzika, zasi ikoko muDombo, zvokutihakuna majemisi imomo.

Hapafaniri kuva nedhende redzidzo rakarembedzwapaRiri, ndizvozvo, mamwe maitiro akagadzirwa nenyikaezivo yesangano rakagadzirwa nevanhu; kuti rikuudze,pamberi pemunzveri wepfungwa, kuti unogona kuparidza

Page 16: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

16 SHOKO RAKATAURWA

here kana kuti kwete. Harina rimwe ramadhende akasvibaawa akarembera paRiri. Rinorisaidzirira uko ipapo chaipoparinenge rangoiswa pariri. Haugoni kuzviita. Tsime iri rinengerichingotubwida, nguva dzose. Ukaisa rimwe ramadhende awapariri, rinorikandira kunze kudivi rimwe kana kuti rimwe divi.Harina nguva yedhende remasangano pamusoro paro.77 Haridi chinosefa, haridi chinomimina, haridi chinopomba,haridi chinozunza, haridi kana chimwe chinhu zvacho.Rinongovapo, richingotubwida. Harifaniri kumirira mvuradzinonaya munzvimbo iyi kuti rizare. Mvura “rumutsiriro,”apo Tsime…Ndipo pane Tsime roUpenyu. “Pane Mutumbi,ndipo panoungana zvapungu.” Haufaniri kupomba rumutsirirokuti ruvepo; haufaniri kupomba chimwe chinhu. Chaunofanirakuita kungouya bedzi kuTsime. Nguva dzose rinenge rakazaranemvura inonaka, mvura inofefetera, uye haRina magumokwaRiri. Rinogara richingotubwida.78 Haufaniri kuenda kutangi, woti, “Zvakanaka, kana mvuraikanaya ikaerera pamusoro pedanga, tichawana chokunwa.”Maona? Ini zvangu, ini zvangu! Kwete izvi. Chitubu ichi chirikungosvipa mvura inonaka, mvura inotonhora nguva dzose.Munogona kuvimba nacho. Hamufaniri kuti, “Zvakanaka,regai hangu ndiende kutangi rekare iri. Taisimbonwa kubvakwariri, asi pava nenguva refu kusati kwanaya. Rega ndikuudze,rinogona kunge raoma.”79 Ndizvo zvazvakaita nemaitiro awa mamwe akaitwanavanhu. Unogona kupinda mukati, kana une chimwechinhu chikuru chauri kuita, chirongwa chikuru chakavandachokutengesa zvimwe zvinhu, kana kuti—kana kuti imwewomhando yechimwe chinhu chiri kuitika, mapati mahombenezvinhu zvichiitika, mitambo yamakasi, nemapati muimbayapasi, uye zvimwe zvose, unogona kuwana imba yakazara.

Asi ukaenda apo Tsime iri parinenge richitubwida,nguva dzose, vanhu vanenge vachiwana mvura inonaka,inotonhorera. Unogona kuvimba naRo! Ungati, “Havasativamboita rumutsiriro kwemakore gumi.” Kana uchiraramaneTsime iroro, Rinongokuitisa rumutsiriro runongoendereramberi nguva dzose.80 Sezvakataurwa nomurume muduku wekuWales. Kana kuti,imwe nguva paiitika rumutsiriro rwekuWales, pakanga painevanoremekedzwa vakabva kuStates. Vamwe vemaDoctors ofDivinity vakuru vakaenda kuWales, kuti vandoona kuti ndepiuye kuti chii chaivapo pamusoro pazvo zvose izvi. Sakavakaenda vakapfeka collar dzavo dzakatarisa kumashure, nehetidzavo, uye vachifamba vachidzika nomugwagwa.

Zvino pakauya mupurisa muduku ipapo, achitenderedzatsvimbo yake yechipurisa muruvoko rwake, achiridza muridzo,“Apo pamuchinjikwa Muponesi wangu akafa, apo ndakachema

Page 17: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 17

kuti ndicheneswe kubva pachivi; apo kumwoyo wangu Roparakaiswa, Zita raKe ngarikudzwe,” achifamba achidziranemugwagwa.

Saka vakati, “Uyu unoita somunhu anonamata. Tichaendatinomuvhunza.”

Ivo ndokuti, “Changamire!”Akati, “Hongu, changamire?”Iye akati, “Tabva kuUnited States. Tiri boka rine chinangwa.

Tauya kuzonzwisisa zviri maererano nerumutsiriro rwekuWales,rwunonzarwo navanhu. Tiri maDoctors of Divinity, uye tiri panokuruongorora.” Iye akati, “Tinoda kuziva kuti rumutsiriro urwurwuri kupi, uye kwarwuri kuitirwa.”

Iye akati, “Changamire, matosvika. Ndini rumutsirirorwekuWales.” Ameni! “Rumutsiriro rweWales rwuri mandiri.Pano ndipo parwuri.”81 Ndizvo zvazviri kana uchirarama neTsime reMvura mhenyu.Dzinorarama nguva dzose, dzichitubwida nokutubwida,nokutubwida nokutubwida. Hapana magumo paRwuri. Kwete,“Endai munoona kana mune mvura, kana kwakambonayanguva shoma yapfuura kuno,” hazvisiri izvo. Itsime iro remvuramhenyu. Sezvandataura, rinopaMvura dzaRo pachena.82 Haufaniri kuisa dhende paRiri, kuti uone kuti; mamwemadhende edzidzo, musati mamutuma kundoparidza kunze,uye nokuona kuti anoperetera manzwi ake zvakanaka here,achiataura zvakanaka, nokushandisa mazita ake nemasazita,nezvakadaro, nemadudzirazita. Vazhinji vavo havatombozivikuti ivo ndivanaani, asi ari kurarama ari paTsime zvakadaro,maona, zvakangofanana.83 Harifaniri kuvimba nemvura dzinonaya munzvimbo iyoyo,kuti rizare, kana kuti rumutsiriro rwenzvimbo iyoyo, kuitira iro.Harifaniri kuita izvozvo, nokuti simba raro uye kuchena kwarokuri mukati maro. Ndipo pane Shoko, Simba raRo pacharo!Kana munhu akaRigamuchira mumwoyo make, Rine kuchenakwaRo. Rine simba raRo. Riri muShoko Pacharo, richibudisaUpenyu.84 Israeri payaibva kwaRiri, vaipinda mudambudziko. Nguvayose pavaibva kwaRiri, vaipindamudambudziko.

Zvimwe chete sezvatinoita nhasi. Rumutsiriroparunongobva Ipapo, zvino harusisina chakanaka.Runozvicherera mamwe matsime, uye, kana kuti mamwematangi anemvura iri kuora, uye zvofamba saizvozvo.85 Asi Waigara achingovabatsira. Kunyunyuta kwepaGungwaDzvuku, zvino pavakanyunyuta…Kunyange zvakadaro,mazviri izvi zvose, Wakanga avavimbisa, aita vimbisokwavari. Angadai akavadzosera kwavakabva ipapo,

Page 18: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

18 SHOKO RAKATAURWA

pamatarisire atingazviita; asi Akanga avimbisa kuti achavatoraovayambutsira mhiri ikoko.

Chii chaAkaita? Ivo vana vaIsraeri, Akavapa ShongweyoMoto nezvose, kuti asimbise, muporofita wavo. Uyeakavatungamirira ikoko kunze kugungwa. Uye, nguva dzose,pane dambudziko kupikisana naYo. Uye pano Farao wakauyanehondo yake. Uye munoziva kuti Mwari wakaita sei?Wakangovhura tangi iro dzvuku, rinemvura iri kuora.

Dead Sea ndicho chinhu chakanyanya kufa pasi rino rose.Rakanyatsofa. Rakaora. Hapana chinogona kuraramamariri.

Uye Wakarivhura ndokuvasunungurira, mhiri uko.Akavatora ndokuvaisa uko kwavaisazombofanira kusungwanechinhu chakaita saichocho.86 Murenje, vakaona kuti havaigona kuvimba namatangi;akanga akaoma. Vakaona kuti, vaibva pane rimwe tsimevachienda pane rimwe. Pavakanga vari murenje, vaiziyanenzara kusvikira parufu, vachidamvura yokunwa. Uye vaiendakutangi iri apo, chidziva; vowana rakaoma. Voenda kuneimwe nzvimbo; yainge yakaoma. Havana kumbofunga kutivaizombofa vakawana mvura zvakare.

Uyezve panzvimbo isingafungidziriki zvachose murenjerose, ndipo pavakawana mvura. Yaiva mudombo. Yaivamudombo. Nzvimbo isingatarisirwi zvachose nemunhu kutiangawana mvura, mudombo rakaoma riri pakati perenje.Asi, munoona, Mwari unoita zvinhu zvakafanana naizvozvo.Munzvimbo isinganyanyi kutarisirwa, munzira isinganyanyikutarisirwa. Ndizvo zvatakagara tinazvo.87 Vanofunga kuti unofanira kuva nemasangano makuru, aripamwe chete, uye ose oungana pova nevanhu vazhinji vanomira-mira ipapo, nezvakadaro, uye pouya zvuru zvinouya kuzotsigira,uye vose sezvizvi, kuti pave nerumutsiriro.

Dzimwe nguvaMwari unotora kamudhara kasingatomboziviABC, uye pakati peboka revanhu vasingagoni kuverengavasingazivi ruvoko rwavo rwerudyi ruchipatsanurwa kubvakune rworuboshwe, Anogona kusimudza rumutsiriro runozunzapasi rose. Akazviita munguva yaJohane. Akazviita munguvayavaporofita. Hapana kana mumwe wavo, sokuziva kwatinoita,wakanga akadzidza, asi Mwari waivabata oita chimwe chinhunavo.88 MuDombo iri makabuda mvura. Waiva Dombo. UyeAkaraira dombo iri, uye raifanira kurohwa. Uye Akapamvura isina tsvina, inofefetera, yakachena kumunhu wesewaida kunwa. Akaponesa vose vaida kunwa kubva kwaRiri.Muenzanisowakanyatsokwana unoenderana naJohane 3:16.

…Mwari wakada nyika, kuti wakaipaMwanakomana wake mumwe chete,…ani nani

Page 19: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 19

anotenda kwaari arege kufa, asi anove neupenyuhusingaperi,

89 Mwari wakarova Dombo iroro, paKarivhari. Kutongwakwedu kwakanga kuri pamusoro paKe, kuitira kuti kubvakwaAri kugouya Mweya woUpenyu kwauri nokwandiri uchipaUpenyu Husingaperi. Ndiwo mufananidzo waRo wakakwana,ipapo murenje iri.90 Havaifanira kudhonza, kuchera, kupomba, kana kuitachimwe chinhu; asi kungodya panzira yaKe, pachena. Apo,havaifanira kuchera kubva muchidziva. Vakanga vasingafanirikuidhonza ichikwira nebhagidhi. Vakanga vasingafanirikuibudisa nendirai. Vaingofanira kuinwa chete.

Uye ndizvo zvose zvinofanira kuvapo nhasi. Haufanirikujoina chimwe chinhu. Haufaniri kuuya paaritari wozvishandachimwe chinhu, kuchipomba. Haufaniri kudzokorora shokozvakare uye zvakare uye zvakare, kusvikira yava nyonga nyongayomutauro. Chinhu bedzi chaunofanira kuita ndechokungonwakubva paAri, pachena, nzira yaMwari yaakapa. Hapanakupomba, hapana kusaidzira, hapana chinhu chinoitwa;ingotora kubva paRiri, pachena. Hapana chaunofanira kuita;ingonwa kubva paRiri. Ndiko kuti, tenda kwaRiri bedzi. Ndizvozvandingangoreva pazviri.

Hapana chavaifanira kuita pamusoro paro. Havaifanirakuricherera. Havaifanira kupfugama vorichemera, usikuhwose. Vakangonwa kubva kwariri; rakarohwa uye rangarakagadzirira. Ndizvozvo chaizvo.91 Ndakatarisa murume zvino, akagara mukamuri ririkumashure uko muno. Ndinorangarira ndichimuudza kuti, tiripadanga rekare rimwe zuva, panodyira zvipfuwo.

Uye iye akati, “Asi ini handina kunaka.”92 Ini ndikati, “Ndinoziva kuti hauna.” Uye ndikati, “Neniwo,handina.” Asi ndakati, “Iwe uri kutarisa zvauri. Zvino chiregerakutarisa zvauri, uye utarise zvaAri.”

Akati, “Kana ndikangokwanisa kusiyana nemidzangayefodya iyi, HamaBranham, ndi—ndi—ndingavamuKristu.”93 Ndikati, “Usairegera. Uri kuedza kuva munhu akanaka uyewozouya kwaAri. Haana kuuya kuzoponesa vanhu vakanaka;Wakauya kuzoponesa vanhu vakaipa vanoziva kuti vakaipa.”

Iye ndokuti, “Zvakanaka…”Ini ndikati, “Terera, haudi kuenda kugehena, unoda here?”Iye akati, “Kwete.”

94 Ini ndikati, “Zvakanaka, haufaniri kuendako. Akafa kuitirakuti iwe usaendako.”

Iye akati, “Ndinofanira kuita sei?”Ini ndikati, “Hapana. Zviri nyore saizvozvo.”

Page 20: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

20 SHOKO RAKATAURWA

Iye akati, “Asi dai ndikangogona…”95 Ini ndikati, “Hona watanga, wadzokera kumudzangawefodya uya zvakare. Rega kufunga pamusoro pemudzangawefodya uyo. Ingorangarira, funga pamusoro paKe, zvaAkaita,zvaAri; kwete zvauri iwe. Iwe hauna kunaka; hauna kumbogarawakanaka, uye hauzombovi wakanaka. Asi, zvaAri, Iye Ndiye!”Uye ndakati, “Zvino, chinhu chimwe chete chaunofanirakuita; kana Akatora nzvimbo yako zasi uko, iwe chigamuchiranemufaro zvaAkaita. Chinhu chimwe bedzi chaunofanira kuitakungozvigamuchira.”

“Sei,” iye akati, “zviri nyore izvo. Ndichaita izvozvo.”96 Ini ndikati, “Pano tine rukova.”Maona? Ndakamuuyisa panondikamubhabhatidza muZita raJesu Kristu.

Vamwe vevanhu vake vakagara pano, uye ndi—ndinozivakuti vakaita manzwiro asina kunaka pamusoro pangunekuda kwezvandakaita izvo, asi ndaiziva zvandaingendichiita. Ndakaona murume uyu chimwe chinhu chaivachamazvirokwazvo. Ndakakwanisa kuchiona ipapo, ndokubvandamutora ndokumubhabhatidzamuZita raJesuKristu.

Uye, patakaita izvozvo, hazvina kutora nguva refu mushurendisati ndadzika kuimba yomwanakomana wavo. Takaonachi—chiratidzo chemuti uchityoka pane imwe nzvimbo,murume uyu achidonha, achipotsa atyoka musana wake.Akatorwa ndokuendeswa kuchipatara. Uye usiku ihwohwo Ishevakazarura, kwandiri, kuti ndipo pakanga paperera midzangayefodya.

Saka zuva rakatevera wakanga achida midzanga yefodya.Ini ndikati, “Regai ndimutengere katoni ndimuvigire.Cherechedza uone, mazuva ake emidzanga yefodya apera.”Haana kuzomboputa kana umwe chete zvakare kubva ipapo,uye haana kana kuzomboda umwe zvakare. Mwari!97 Munoona, chokutanga chamunofanira kuita kuuya paTsimeiro. Munofanira kuuya paMvura idzo, moona kuti hachisichimwe chinhu chamunogona kuita. ndezvaAkakuitirai.Hamufaniri kuchera; hamufaniri kupomba; hamufaniri kusiyaichi; hamufaniri kuregera icho. Chinhu bedzi chamunofanirakuita kuendapo bedzi mobva manwa. Ndizvozvo chete. Kanamuine nyota; inwai!98 Zvino, Waiva Dombo. Mwari wakaMurova nokuda kwedu,uye Akabudisa mvura zhinji dzisina tsvina, dzakachena. Achirikudaro, nhasi, kune wose anotenda. Idzi ndidzo nyasha dzaKe,chaidzo, kuvanhu vaKe, isu.99 Pane chimwe chinhu chakafanana neapo, sevanhu vanhasi,vakagadzirira kugamuchira chavanenge vagona kuwana,asi vasingadi kushandira izvozvo mukutsiva. Israeri yangayakagadzirira ku—kunwa kubva mudombo zvino, asi vakanga

Page 21: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 21

vasingadi kushandira Mwari kumushandira kwakangakwakaMufanira.

100 Uye Iye anogara Achitishandira nguva dzose. Munoziva,hatigoni kana kufema pasina Iye. Hatigoni kufema kana Mwariasina kutiitira izvozvo. Ndiko kuzembera kwatakaita paari.Uye, kunyange zvakadaro, tinopotsa tagurika napakati kanatikaedza kuita, kuMuitira chimwe chinhu. Iye anotikumbirakuita chimwe chunhu, kuenda kundoona mumwe munhu,kuenda kundonamatira mumwe munhu, kuenda kundobatsiramumwe munhu, zvinopotsa zvatityora, kuti tizviite. Asi isuhatina chatinoda kuMuitira pakuMushandira.

101 Kunyunyuta kwake kwaiva kokuti, “VaNdisiya, Shoko;uye vagamuchira matangi akatsemuka, pachinzvimbo changu.Gamuchirai…Vandisiya Ini, Tsime roUpenyu, Tsime reMvurayoUpenyu; uye vanoshuva uye vangatoda kunwa kubva mutangirinemvura yakaora.”Mungafungidzira here zvakadaro?

102 Mungafungidzira here munhu zvino, kuti, pano panechitubu chiri kubudisa mvura yakanaka, yelime stone, ichibvapamwoyo wematombo chaiwo, kubva zasi uko mujecha,nezvakadaro, ichitonhora uye ichinaka sezvainogona kuva; uyevoda kunwakubvamutangi riri uko, rinemvura yakaerera kubvapamusoro pedanga, nemashedhi, uye nedzimba dzese kunzeuko dzakapoterera panzvimbo? Uye yoiswa mutangi imomo,apo mvura inoerera netsvina ichipinda imomo chaimo, ichibvapadanga, panodyirwa nepanochengeterwa zvipfuwo, uye nepanezvose ichierera ichidzokera mutangi, uye ipapo toda kuga-…kunwa kubva imomo tichirega kuenda kunonwa kuchitubu icho?Panenge pane chakatsveyama mupfungwa dzomunhu iyeye.Ndizvozvo.

103 Uye zvino kana murume kana mudzimai akatora sanganoomira naro, rinotendera kugerwa kwevhudzi, kupfekazvikabudura, kuzvipenda-penda, nedzimwe mhando dzoseidzi dzezvinhu, neimwe mhando ye—yehurongwa, uyenokungoregera zvose zvichingoitika, uye nokuenda kunorohwamabhora, ne—nezvimwe zvose zvisina musoro kunze uko, uyenokugona kungotendera zvakadaro; uye nezvakadaro kupfuurazvavanoita paShoko raMwari rekare rinotema richiwisirapasi uye richiveza, uye richiita madzimai akadzikama kubvapamadzimai, uye richivatora nokuvaita kuti vapfeke zvakanakanokuzvibata zvakanaka, nokutora midzanga yefodya nefodya,nokupika nokutuka, nokunyepa nokuba, kuzvibvisa kubvakwamuri, uye nenyika yose kubva kwamuri, uye nokukupachimwe Chinhu chinopa kugutsikana kwakakwana. Ko murumekana mudzimai ungatsvagirei kunyaradzwa kubva muchinhuchakafanana naichocho? Ko ungawana sei kunyaradzwa kubvamuchinhu chakadaro?

Page 22: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

22 SHOKO RAKATAURWA

104 Ko ungawana sei kunwa kwanakanaka kubva mutangi rinemvura iri kuora? Ko sei munhu…Kanamunhu akaenda kutangiriri kuora kuti andowana chokunwa, ipo paine chitubu chiripo,ungati, “Pane chimwe chinhu chakakanganisika nepfungwadzemunhu iyeye.”

Uye kana mukadzi kana murume akaenda kunzvimboyakadaro kuti awane kunyaradzwa, pamweya wake panechimwe chinhu chakakanganisika pamunhu iyeye. HavadiShoko. Zvinoratidza kuti hunhu hwavo huchiri hwedatya, kanaburuvuru, kana chimwe chinhu, ndizvozvo, chimwe chinhu chinehunhu hwakadaro hunoda dziva rine mvura iri kuora, nokutizvinhu zvakadai hazvigari mudziva rine Mvura yakanaka.Hazvigoni kudaro; iMvura yakanaka. Hazvigoni kudaro.105 Zvino, kunyunyuta ndekokuti, “VakaChisiya.” Uye nhasivakaita chinhu chimwe chetecho.

Zvino tarisai mudzimai wepatsime. Zvakanaka, mudzimaiakauya patangi raJakobho, uye wakanga achichera mvuraipapo nguva dzose, patangi raJakobho. Asi tangi raJakobho,sangano, tingaridana tichidaro, nokuti wakachera matatu awo;uye rino iri ndiye wakanga arichera. Zvino, mudzimai wakangaaine rungano rukuru. Akati, “Zvino, baba vedu Jakobho,vakachera tsime iri. Iye wakanwa kubva mariri, nemombedzake dzakanwa kubva mariri, nezvose. Izvozvo hazvina kunakazvakakwana here?”106 Iye akati, “Asi nemvura yamunochera kubva pano,uchanzwa nyota zvakare, unofanira kudzoka pano kutiuzoichera zvakare. Asi,” akati, “Mvura dzandinopa iTsime,Chitubu chinotubuka kubva mukati, uye hauzouyi pano kutiuIwane. Inenge iri pauri.”107 Cherechedzai. Asi mudzimai paakaona kuti TsimereMagwaro ranga rataura naye, nechiratidzo cheMagwarochaakanga achitsvaka, akasiya maitiro esangano raJakobhoakasazodzokazve kwariri, nokuti wakanga awana Dombochairo. Maona? Akamhanyira muguta. Wakanga apedza nechivi.Wakanga asisiri mudzimai wakaipa. Akati, “Huyai, muoneUyo wandaona, Murume Anditaurira zvinhu zvandakaita.HaAsiye here Kristu chaiye?” Mudzimai…Tangi iro raigonakunge rakanaka; rakanga rashanda basa raro. Zvino mudzimaiwakanga asvika paTsime rechokwadi. Tangi rakanga rakanakakusvikira Tsime rechokwadi razovhurwa. Asi Tsime rechokwadiparakauya, tangi rakarasikirwa nesimba raro. Mudzimaiakawana kuti pane nzvimbo iri nane yokunwa.108 Uye pane nzvimbo iri nane. Pane nzvimbo iri nane, uyendimo muna Kristu. Muna Johane Mutsvene 7:37 ne38, Jesuakati, pamagumo emabiko ematabhenakeri, “Kana munhu ainenyota, ngaauye kwaNdiri, anwe.”

Page 23: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 23

Vose vakanga vachifara. Vakanga vaine mvura shomayaisvipwa ichibva pasi pearitari, uye—uye vose vakangavachinwa kubva pairi, vachipemberera, ma—mabiko. Uye akati,“Madzibaba edu akanwa kubvamudombo repamweyamurenje.”Maona, vakanga vazvigadzirira tangi, imwe mvura yakangaichiora yavakanga vapomba kubva pane imwe nzvimbo, uyeichibuda ichibva pasi petembere ipapo. Uye vose vaitendererapamvura iyoyi nokuinwa, vachiti, “Makore apfuura, madzibabaedu akanwa kubva murenje.”

Jesu akati, “Ndini Dombo rakanga riri murenje.”Vakati, “Takadya manna yakabva Kudenga, uye Mwari

waiinayisa ichidzika.”109 Akati, “Ndini Manna iyoyo.” Iye, Tsime iroro, wakangaakamira pakati pavo. Chingwa choUpenyu icho chakangachakamira pakati pavo.

Asi zvakadaro vakanga vasingaRidi. Vaitoda havo tangiravo; nokuti, munhu wakanga agadzira iri, uye Mwari wakangaatuma Iro. Ndiyo siyano chaiyo. Vakazvichereramatangi!110 Iye akati, “Kana munhu ane nyota, ngaauye kwandiri,anwe.” Iye ndiye Tsime iroro.

Uye sezvakareva Magwaro, “Kubva maari muchaereranzizi dzeMvura mhenyu.” O, Iye ndiye chitubu ichocho!“Kubva maari, kana kuti kubva mumunhu wake womukatikati,muchaerera nzizi dzeMvura mhenyu.”111 Iye ndiye Dombo riya rakanga riri mu…Ndiro rakavaDombo raHagari, munguva yokutambudzika; apo mwana wakepaakanga oda kufa, paakanga adzingwa kubva mumusasa, uyepaakanga aina Ishmaere mudiki kunze uko. Mvura yake, yaivamutangi raakanga atakura, yakanga yapera. Iye ndokuradzikaIshmaere mudiki pasi; ndokufamba kuenda uko, pangasvikamuseve kana wapfurwa, ndokubva achema, uye, o, nokutiwakanga asingadi kuona mwana achifa. Uye kamwe kamwe,Mutumwa waShe wakataura, iye ndokuwana Bheeri-…Bheerishebha, tsi—tsime raierera ipapo, uye richiri kuererananhasi. Wakava Bheeri-Bheerishebha raHagari, Dombo kunzeuko murenje.112 Rakanga rakamira apa muTsime rizere neRopa, zuvairo, rakamira imomo mutembere. [Hapana chinhu patepi—Mupepeti.]…nguva yedutu. Muna Zakaria chitsauko 13,Iye waiva Tsime rakazarurwa muimba yaDhavhidha, kuitirakuchenesa, uye kuitira (chivi) kucheneswa kwechivi. Iye ndiyewaiva Tsime iroro. Uye muMapisarema 36:9, Ndiye waivaTsime roUpenyu raDhavhidha. Achiri Tsime iroro muimbayaDhavhidha.

Uye ndiye muna nyanduri, mumwoyo make apo. Nyanduriakati:

Page 24: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

24 SHOKO RAKATAURWA

Pane Tsime rizere neRopa,Rakaerera kubva mutsinga dzaEmanuere,Apo vatadzi vanoshamba pasi pemafashamo,Vosukwa makwapa ekunzwa mhosva kwavo.

Iye ndiye Tsime iroro reUpenyu, Tsime reMvura. Iye iShokoraMwari.113 Vanhu vemazuva ano okupedzisira vaMusiya, Shokorechokwadi, Mvura yeUpenyu; vakazvigadzirira matangiamasangano; uye, zvakare, vakagadzira, vakachera!114 Uye zvino tinoona kuti, vava nematangi akatsemuka.Uyezve tangi iri rakazara namajemisi asingatendi, kuzvikudzakusingatendi, zvirongwa zvedzidzo, uye zvakadaro, izvozvinopesana nevimbiso dzaMwari. Vapokani veShoko.115 Zvino, matangi awa avanawo, Bhaibhere rakati,“akatsemuka.” Matangi akatsemuka kureva matangi“anovhinza,” uye inosinina ichibuda. Irikuita sei? Irikusininaichipinda mudziva retsvina dzokunamata rinonzi KanzuruyaMachechi ePasi rose. Uye ndiko kwavari kutungamirirwanetangi rakatsemuka, zvose nokuda kokuti vakaMusiya, uyevaka…Tsime reMvura mhenyu; uye vakazvigadzirira matangiawa.116 Vakachera maitiro emaseminari makuru ekudzidza, dzidzo,nezvakadaro. Ndiyo mhando yamatangi avarikuchera nhasi,okuti munhu unofanira kuva nePh.D., kana kuti LL.D., kanakuti Bachelor of Art, kana zvimwe, asati aenda kunoparidza.Matangi akazadzwa nedzidzo yeBhaibheri yakaitwa navanhu.Vanovatora vovaisa muzvikoro zvikuru izvi zvedzidzo, uyeimomo vanovazadza nedzidzo dzavo dzeBhaibhere dzakaitwanevanhu, ndokuzovatuma kunze vaine izvozvo. Izuva rakadiniratiri kurarama mariri, matangi akagadzirwa navanhu!Hapana dambudziko…Ndiko kusaka chinhu ichi chava chi—chinonhuwa, o, ini zvangu, imhaka yokuti vanhu vanonwa kubvamachiri.117 Uye zvino vanhu nhasi kana vachida mufaro, vanoitasei? Vanhu, pachinhambo chokugamuchira mufaro waShe,vanotendeukira kuchivi, kuti vave nemufaro. Vanhuvanoenda kuchechi uye vachiti varanda vaKristu, pavanzwakusagadzikana chaizvo vanotungidza mudzanga wefodya. Uyekana ivo—kana vachida ku—kuwana kuvaraidzwa, vanopfekahanzu dzavo dzisina hunhu vobuda uye vocheka uswa apovarume pavanenge vachipfuura napo, kuitira kuti vavaridziremuridzo. Vanoita zvose kuti vawane mukurumbira. Vanodakuratidzika sevatambi vemumafirimu. Ndiwomufarowavo.

Apo, Jesu akati, “Ndini kukwana kwezvavanoda.”Chikonzero vachienda kune izvozvo, ndechokuti havadi

kunwa kubva muTsime iro. VakaRiramba. Havadi kunwa kubvamaRiri. Vanozvibatanidza nemamwe maitiro akagadzirwa

Page 25: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 25

nemunhu, imwe mhando yetangi yakazara nemhando dzosedzezvinhu zvakaora, zvavanogona kuenda pazviri saizvozvo.

118 Nezuro, takaenda nevana kurwizi. Ndinotenda kuti waivamusi weMugovera mangwanani. Takadzika ikoko; Billywakanga achiredza ari muchikepe. Uye ndakatora vana vaduku,muzukurukomana wangu muduku nevamwe, mwanasikanawangu, uye mwanakomana wangu muduku, uye takaendakurwizi ku—kundokwira chikepe. Hawaigona kukwira chikepemurwizi urwu, nokuda kwekusviba, tsvina, vanhu vasinamaturovariko kurwizi, vasina kunyatsopfeka uye vachingoita madiro.Chikepe chakauya pedyo nesu, pane boka revaduku vemakoregumi nemaviri-, gumi nemana vakomana, mumwe nemumwewavo akabata gaba redoro muruvoko rwake, nemudzangawefodya. Vanozviti “kuvaraidzwa.” O, ini zvangu! Pasi rinoricharamba riripo kusvika rini, painemaitiro akadai?

119 Zvino kuti vazvisunungure kubva papfungwa dzokutipavachafa vachaenda kugehena, chinhu chavanoita ndechokuti,vanoenda vonojoina rimwe ramatangi awa akagadzirwanavanhu. Saka mhando iyoyo yavanhu imwe chete inenge iriyetangi iroro. Hachisi chinhu kusiya bedzi kweboka renyikayakasviba, maburuvuru ane tsvina. Uye vanozviyananisapachavo naizvozvo, sezvaitaura mai vangu vachembera vachiti,“Shiri dzine minhenga mimwe chete dzinobhururuka pamwechete.” Havauyi paTsime kuti vazvichenese kubva paupenyuhwechivi. Vanoda kurarama kunze uko, uye vachirambavakabata chapupu chokuti ivo maKristu. Nemhaka yei?VakaMusiya, Tsime remufaro, Upenyu, Upenyu hwakakwanauye kugutsikana. Ndicho chikonzero vakazviita, nokuti vanodakujoina. Vane imwemhando yevanhu ikoko vanotenda kuzvinhuzvakadaro.

120 Pano imwenguva shoma yapfuura,HamaFred neni, naHamaTom, boka redu takaenda kuchechi yeBaptist inozikanwa munomuguta reTucson, kuti tione kuti hataigona here kuwanachimwe chinhu chiduku pamwe chingatipa kunzwa kufefetera.Uye mushumiri akataura chimwe chinhu pamusoro pevanhuvari muEgipita, apo pavakabva vakanga vachidya garikinezvakadaro, vakanga vava kuda kudzokerako kuti vandoidyazvakare. Akati, “Ndizvo zvakafanana nevanhu nhasi.”

Uye, isu, munhu wose akati, “Ameni!” Handisatindamboona boka rakadaro! Chechi yose yakarega kutarisamuparidzi vachicheuka kuti vaone kuti ndiani akanga ati“ameni.” Zvakavatyisa zvakanyanya. Vakanga vasingazivi kutichii.

Apo, Dhavhidha akati, “Itai ruzha rwekufara kuna Ishe.Murumbidzei nerudimbwa! Murumbidzei nemutengeranwa!Chose chinofema ngachirumbidze Ishe. Uye imi rumbidzai

Page 26: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

26 SHOKO RAKATAURWA

Ishe!” Mwari unofara muvanhu vaKe. Vakadzidziswa, ngavati,“Ameni,” kana paine chinhu chataurwa zvakanaka.121 Seiko vasingafuratiri maitiro awa nematangi awa zvenyika,vachienda kumaitiro akatendeka aMwari, chinova chitubu, JesuKristu? Sei musingatendeukiri kwaAri, uko Mwari ari Iye mupiwedu wemufaro muzhinji, mupi wedu wekurumbidza kuzhinji,mupi wedu wekugutsikana kuzhinji? Kunyaradzwa kwetsingadzangu kunobva kuna Mwari.

Kana ndichishushikana, ndinowana gutsikano yangu munaKristu, kwete mumudzanga wefodya, kwete muzvinhu zvenyika,kwete mukujoina chimwe chitendwa; asi mukuMuwana, Shokorakavimbiswa iro raAkati, “Kana ndikaenda, ndichadzokazvekuzokugamuchirai.” Ndinowana mufaro wangu imomo. Iyendiye Mufaro wangu.122 Vanoti nhasi, kana majoina zvinhu izvi nokuita KanzuruyeMubatanidzwa weChechi dzepasi rose, vanoti vachaitanzvimbo iri nane yokugara mairi. Pakuziva kwangukwakatendeka, vachaita nzvimbo iri nane yokutadza varimairi. Ndizvo…Chinhu ichi chose chivi, zvakadaro; chokutivasararame machiri, asi chokuti vafire machiri. Kuchiitanzvimbo yokuti vatadzire machiri—vatadzire machiri,pachinhambo chokuraramira machiri.123 Chimwe chinhu chipi zvacho, kunze kwaJesu KristuneShoko raKe roUpenyu, itangi rakatsemuka. Chinhu chipizvacho chinoedza kuRitsiva; chinhu chipi zvacho chamungaedzakuita kuti chikupei rugare, chinhu chipi zvacho chamungaedzakuita kuti chikupei nyaradzo, mhando ipi zvayo yomufaroyamungaedza kuwana kubva kune chimwe chipi zvacho,chichitsiva Izvi, itangi rakatsemuka rakazara netsvina. Iyeanopa gutsikano yakakwana.124 Ndinorangarira pano, zhizha mbiri dzapfuura, ndakabudanemusuo weseri kwemba. Pakanga paine kamwana kanemusakanzwa kunze uko kakanditi, kakati, “Munoziva,chikonzero muchigara muchingotaura pamusoro pamadzimaisaizvozvo, vachipfeka zvikabudura nezvimwe izvo,” akati,“nokutimavamutana.”Akati, “Ndicho chikonzero zvakadaro.”

Ini ndikati, “Tarisa uone.Wava nemakoremangani?”

Akati, “Makumi maviri nemanomwe.”125 Ini ndikati, “Pandakanga ndiri mudiki kupfuura zvaurinemakoremazhinji, ndaingoparidza zvimwe chete.”

Ndakawana Tsime regutsikano. Iye ndiye chikamu changu.Ameni! Nguva yose paanenge Iye achindipa izvozvo, ndirworunako rwacho. Ndicho—ndicho changu…Ndiwo maitiro angu,kutarisa kwaAri, ndichitarisa ruvoko rwaKe ruchishanda uyendichiona zvaAri kuita. Hapana rimwe tsime randinoziva!

Page 27: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 27

O, kuerera kunokoshaKunondichenesa sechando;Hakuna rimwe tsime randinoziva,Hapana chimwe kunze kweRopa raJesu.

Pane Tsime rizere neRopa,Rinoerera kubva mutsinga dzaEmanuere,Umo vatadzi vanoshamba pasi pemafashamo,Vosukwa makwapa emhosva dzavo.

126 Ndiri kukuudzai, hapana rimwe tsime randinoziva kusiyakweTsime iroro. Rakandichenesa pandakanga ndakasviba.Rinondichengeta ndakachena, nokuti ndinoda kugara ndiripaRiri chaipo, ndichinwa Mvura iyi inofefetera inozadza mweyawangu nemufaro.

Ndinogona kunge ndakanyatsoderera, uye ndichinzwakunge handichagoni kuramba ndichienderera mberi…kufambazve rimwe raundi, hakuna kumwe kwandinogonakuenda; ipapo ndinogona kupfugama ndoisa rumunwe rwangupavimbiso, ndoti, “Ishe Mwari, Ndimi simba rangu. Ndimikugutsikana kwangu. Ndimi zvose-muna-zvose.” Ndinotangakunzwa chimwe Chinhu chichitubwida kubva mukati manguumu. Ndinobva ndabudamumamiriro awa.127 Sezvo ndapfuura makore makumi mashanu okuberekwa,ndinomuka mangwanani, munoziva zvazviri, zvinonetsakuti ubudise tsoka imwe hayo kubva pamubhedha. Inizvangu, unotadza kuzviita; izvozvo paine munhu pamusuwo,achigogodza, kana kuti Billy achindiudza kuti pane nyaya inodachimbichimbi, kune imwe nzvimbo kwandinotofanira kuenda.Zvino ndofunga, “Ndinozviita sei izvi?” Ndoedza kubudisatsoka imwe.

Ndinofunga, “NdiMi Tsime rizere nesimba rangu. Ameni!Simba rangu nerubatsiro rwangu zvinobva kunaShe. Ndimichitubu changu! Ndimi hujaya hwangu! ‘Avo vanomirirapanashe vachapuwa simba idzva; vachabhururuka nemapapirosechapungu; vachamhanya, vasinganeti; vachafamba,vasingaperi simba.’ Ishe Mwari, iri ndiro basa rangu, rokuenda.Ndakadaidzirwa pabasa randinofanira kuita.” Uye chinhuchokutanga munoziva, chimwe Chinhu chinotanga kutubwidamukati mangu.128 Rimwe zuva, uko kune imwe nzvimbo diki, ndakanga ndinemitingi uko muTopeka, Kansas; pakanga paine mukomanaipapo, muparidzi wechidiki, mumwe wevakatanga kunditsigira.Hama Roy, vakagara apo, vanorangarira nzvimbo iyo. Imomo,munzvimbo huru iyo ipapo, pakanga pa—pa…Mushumiri uyuwakainda pasi pedenga remba kana imwe nzvimbo, madziroaive parutivi akamuwira akamutswanyira pasi pawo. Murumemuduku uyu wakanga ava kuzofa. Chiropa chake chakanga

Page 28: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

28 SHOKO RAKATAURWA

chaputika. Rwatata rwake rwakanga rwabva panzvimbo yarwo.Matani ezvinhu akanga amuwira.129 Ndakagara ndichidya kudya kwamangwanani, ndichitauranomudzimai wangu. Ndakati, “Mudzimai wangu, unoziva,dai Jesu anga ari pano, unoziva kuti Waiita sei?” Ndikati,“Paakanditsigira, ‘Ndinotenda Shoko iroro,’ wakangaachitsigira Kristu.” Uye ndakati, “Ndiwo manomanoadhiyabhorosi.” Ndakati, “Dai Jesu anga ari pano, waizoendaondoisa mavoko aKe matsvene pamusoro pake. Mukomanauyu waibva apora. Handina basa nokuti chiropa chakechaputika. Waibva angopora, nokuti Jesu waifamba osvikapoachinyatsoziva kuti Iye Ndiye ani. Waiziva kudanwa kwaKe,Magwaro aitaura izvozvo, achisimbisa maAri kuti Iye waizivakuti Iye Ndiye ani, uye kwete…pasina kana mumvuriwekupokana. Waiisa mavoko aKe pamusoro pake, oti,‘Mwanakomana, pora,’ famba ubude kubva imomo.” Uyendakati, “Hakuna madhimoni akakwana mugehena kuti aurayemukomana iyeye, zvino.” Ndakati, “Waibva angopora.” Asindakati, “Unoona, mudiwa,Wakanga ari Jesu, mavokomatsveneaMwari.”

Ndakati, “Ini ndiri mutadzi. Ndakazvarwa nokudakwekusangana komurume nomudzimai. Baba vangu naamaivangu vose vaiva vatadzi, uye ini handisi chinhu chakanaka.”

Uye ndakati, “Asi unozivei? Kana Ishe vakandipa chiratidzonokundituma zasi ikoko, ipapo nyaya inenge yasiyana.” Ndikati,“Ndingabva ndaendako ndonoisa mavoko angu pamusoropake, unobva amuka kubva pamubhedha iwoyo kana Andipachiratidzo.”130 Zvino ipapo ndakatanga kufunga, “Mushure mazvo zvose,kana chaiva chiratidzo, chaiva chii? Aingova mavoko mamwechete akasviba pamusoro pake, e-he, murume mumwe cheteachimunamatira, mavokomamwe chete akasviba.”

Ipapo ndakatanga kufunga, “Ndiri mumiririri waKe.Naizvozvo, Mwari haaoni ini. Ropa iro roMumwe chetewakarurama riripo paaritari kumusoro uko; rinondireverera.Ndiye kukwana kwezvandinoda. Ndiye munyengetero wangu.Ndiye Upenyu hwangu.” Ndikati, “Chinhu chimwe bedzichingandiita kuti ndiise mavoko angu pamusoro pake,nokutenda, imhaka yokuti ndaiva nokutenda muchiratidzo. Asipasina chiratidzo, kutenda kumwe chete kunongoita chinhuchimwe chete; saka ndinozvitora kuva chinhu pasina, asindoMutora kuva zvose-muna-zvose zvangu. Ndiye Upenyuhwangu. Ndiye Mutumi wangu. Hapana sangano rakandituma;Iye ndiye wakandituma. Hareruya! Ndinoenda muZitaraKe. Ndonoisa mavoko angu pamusoro pake.” Ndakafambandikaendako ndikaisa mavoko angu pamukomana uyu, nousikuihwohwowakanga arimumitingi, akakwana akasimba. Ameni!

Page 29: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 29

131 O, hongu, Ndiye Tsime iroro. “Hapana rimwe tsimerandinoziva. Hapana kusiya kweRopa raJesu!” Ini ndirichinonhuhwa, ndiri munhu asingarairiki, mumwe nomumwewedu takadaro, asi pamberi paMwari takakwana. Je-…“Ivai naizvozvo vakakwana, saBaba venyu vari Kudengavakakwana.” Ungava izvozvo sei? Nokuti uyo Mumwewakakwana unotimiririra ikoko. Tsime iro riripo zuva nezuva,richifefetedza. Kwete chimwe chinhu chisingaereri chiri kuora,asi chinofefetedza zuva nezuva, chinondisuka zvivi zvanguzvose. Iye ndiye Tsime iroro.132 Zvino mukuvhara, ndingataura izvi. Chinhu chipi zvachochinopesana neIzvi matangi akatsemuka, uye achapedzisiraachivhinza izvo zvamunenge maisa mariri; kana muchiisa tarirodzenyu dzose, nguva yenyu yose, nezvose,mune rimwe ramatangiaya ane mvura iri kuora. Jesu wakati aiva matangi akatsemuka.Mwari wakati, “Akatsemuka, uye achavhinza chipi zvachochamunenge maisa maari.” Hakuna kure kwamunomboendanawo, nokuti anovhinza. Nokuti Iye ndiye nzira bedzi yokusvikakuZvokwadi, kuUpenyu, uye kumufaro woKusingaperi, uyerugare rwoKusingaperi. Iye ndiye Mumwe chete bedzi nenziraimwe chete bedzi kuinda kune Izvozvo. O, ini zvangu!133 Tsime risingaperi roUpenyu ndiJesu Kristu. Nemhakayei? Uye Iye ndiani? Shoko, rimwe chete; Shoko, Upenyu,Tsime, “mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.” Mutendiwechokwadi, ndiMo mune mufaro wake mukurusa, noUpenyuhwake hukurusa. Uye gutsikano yake hurusa iri muna Kristu.Pasina kupomba, pasina kudhonza, pasina kujoina, pasinakuvhinza; asi kungotenda nokuzorora. Ndizvo zvaAri kunevanotenda.134 Sababa Abrahama; havana kumbodhonza, havanakumbopipitika, havana kumboshushikana. Vakanga vaneShoko. Vakarara pachipfuva chaEl Shaddai. Apo Abrahamapaakanga ane makore zana okuberekwa, Mwari wakazviratidzakwaari, akati, “Ndini Samasimba.” Inzwi rechiHebherurokuti El Shaddai, rinoreva kuti, “Uyo-Ane mazamu.”“Uye iwe wachembera, uye hausisina simba, asi ingorarapachipfuva chaNgu unwe simba rako kubva muTsime iri.”Ameni! Wakamumwisa pai? Pamutumbi mutsva. Wakabva avanemwana, naSara. Uye, makumi mashanu emakore mushure,wakazoita vamwe vana vanomwe nomumwemudzimai.135 O, El Shaddai! Testamente Yekare inoratidza zvaAkaita,Testamente Itsva anotaura zvaAchaita. Ameni! MuTestamenteYakare…136 Zvino mhepo yanyarara, saka ndichakurumidza kuti ndibvepano zvino, muminiti inotevera.

Ndinoda kuti nditaure izvi ndisati ndavhara. Ndakavanemuenzaniso wakanaka wezvizvi imwe nguva. Ndakanga

Page 30: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

30 SHOKO RAKATAURWA

ndichipatirora. Uye vanhu vazhinji pano…Zasi kunzvimbodzakapoteredza Georgetown, zasi uko muMilltown, seriuko kumakomo, paiva, netsime. Chaiva chitubu. Chaikandamutsenenza wemvura mudenga ma—mafiti mana-kanamashanu, yaigara ichingobuda yakawanda nguva dzose, uye riritsime guru kunzvimbo iyoyo. Uye rakapoteredzwa nezvimerwa,munoziva, uye zvimwe zvinokura kubva muvhu ipapo,zvinofefetedza pamunhuhwi. Uye, o, ndaigara ndichishuva kutindiende ikoko, o, ini zvangu, kuti ndisvike kutsime iroro. Uyendairara ipapo pachinhu ichi uye ndonwa nokunwa, uye ndogarapasi ndonwa, ndakamirira.

Uye gore negore ndaisidzoka kutsime irori rimwe chete.Rakanga risingapwi, muchando kana muzhizha. Rakangarisingaomi nechando. Chitubu haugoni kuchiomesa nechando.O, kwete! O, kwete! Handina basa nokuti—nokuti kwatonhorasei, hakuzomboomesi ichocho. Unogona kuomesa tangi; chandochishoma bedzi chinogona kuita izvozvo. Maona?

Asi chose chinoerera, chine Upenyu machiri, chinorambachichifamba. Uye haugoni kuomesa Chitubu. Hazvina mhakakuti mweya uri kunzwa kutsimbirirwa zvakadini panzvimboyauri, Chitubu ichi chinogara chichirarama. Gara paChitubuichi.137 Uye ndakacherechedza, ndakafambapo uye ndakanwakubva pachiri, uye, o, ini zvangu, mvura inofefetedza!Hawaifanira kumboshushikana, “Hawaimbofunga kuti, kanandikasvikapo, pamwe ndingasvika isisiri kuerera?” Yakagaraichierera…138 Mumwemurimimutanawakandiudza, akati, “Sekuru vanguvakanwa pachiri.” Uye akati, “Hachina kumbopwa kana kuregakuerera. Chichiri chitubu chimwe chete, chiri kueredza mvuraichipinda muRwizi Blue.”139 Ndakafunga, “O, ini zvangu, inzvimbo yakanaka zvakadiniine mvura!” Ndaimbotsauka kwemaira kubva munzira yangu,kuti ndiende kunzvimbo iyoyo, nokuti yakanga iri nzvimboyakaisvonaka yokuti ndinwe pairi. O, yaiva mvura inonakazvakadini iyo! O, ini zvangu!

Ndaienda—ndaienda kunze uko murenje iro, kuArizonazvino, ndairamba ndichifunga pamusoro pacho, “Chitubuchinoshamisa icho zasi uko, dai ndikakwanisa kuzororapachiri!”

Sezvakataurwa naDhavhidha imwe nguva, “O, daindaikwanisa kunwa kamwe chete zvakare kubva pachitubuicho!” Dai aigona kungosvikako!140 Uye ndakagara rimwe zuva, ndokubva ndanzwa manzwiroasinganzwisisiki. Uye ndikati, “Sei uchigara uchifara iwe nguvadzose? Ndinoshuva kuti dai ndikagara ndichifara saizvozvo.Nemhaka yei, handina kumbokuona wakasuwa, nguva yose

Page 31: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 31

yandaiuya pano. Hapana chine kusuwa pauri.” Ndikati,“Unogara wakazara nemufaro nguva dzose. Unosvetukanokutubwida nokuenda wakadaro. Muchando kana muzhizha,kuchitonhora kana kupisa, chero mamiriro akwakaita, unogarawakangozara nomufaro. Chii chinokuita…? Chii, chii ichocho?Nokuti ndinomwa here kubva pauri?”

“Kwete.”Ndinoti, “Zvakanaka, dzimwe nguva tsuro dzinonwa kubva

pauri, uye unozvifarira zvakanyanya.”“Kwete.”Ini ndikati, “Zvakanaka, chii chinokuita kuti ugare

uchitubwida saizvozvo? Chii chinokuita kuti ugare uchifarasaizvozvo? Chii chinokuita kuti ugare wakazara nomufaro?”Ndikati, “Imhaka here yokuti shiri dzi—dzinonwa kubvakwauri?”

“Kwete.”“Nokuti ini ndinonwa here kubva kwauri?”“Kwete.”Ndikati, “Zvakanaka, chii chinokuita kuti ugare wakazara

nomufaro?”141 Dai chitubu ichi chaigona kundipindura, chaidai chaitauraizvi. “Hama Branham, hazvisi zvokuti munonwa kubvakwandiri; ndinozvifarira izvozvo, uye nokuda kokuti shiridzinonwawo kubva kwandiri. Ndinopa munhu wose anodakunwa. Chinhu bedzi chamunofanira kuita kungouya panokuzonwa. Asi, chinondiita kuti ndifare, handisini ndinotubwida,asi chiri mukati mangu, chinondituma. Ndechimwe chinhuchinonditubwidisa.”142 Uye ndizvo zvazvakaita noupenyu hwakazadzwa noMweya.Sezvakataura Jesu, Iye waiva…Munoona, Wakakupaimatsime emvura dzinoererera kuUpenyu husingaperi, chitubu,chinongopupira nguva dzose mvura dzinoerera. Kana chechiyose iri pakakwirira kana pakadzika, iwe unoramba uri paTsimeiroro.

Ungatorerei maitiro netangi resangano rekare, rakazaramajemisi nezvimwe zvose, wonwa zvinhu izvozvo zviri kuora,apo iwe wakokwa kuTsime, Chitubu?143 Ndinofunga mabudisire achaiita, uye chichitubwida,uye—uye chichifufuma, nokuseka, nomufaro, nokusvetuka,nokutambatamba. Kuchitonhora, kuchinaya; kuchipisa,kwakaoma, apo nyika yose yanga ichioma, icho chaingotubwidasezvachaigaroita. Nokuti chakanga chakadzika, chine midzi, irizasi mumatombo mayaibva.144 O, rega ndigare paChitubu ichi! Toraimaitiro ese evanhu awaamunoda, matsime enyu ane mvura dziri kuora, asi regai ndiuye

Page 32: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

32 SHOKO RAKATAURWA

ku…kana kuti matangi ari kuora. Asi, regai ndiuye paTsimeiri, regai ndiuye apa paAkazara. Ndiye Mufaro wangu. NdiyeChiedza changu. Ndiye—Ndiye Simba rangu. Ndiye Mvurayangu. Ndiye Upenyu hwangu. Ndiye Mupodzi wangu. NdiyeMponesi wangu. Ndiye Mambo wangu. Zvose zvandinoda zvirimaAri. Ndingadirei kuenda kune chimwe chinhuzve?145 Hama, hanzvadzi, haungadiwo here kuuya kuTsime iriusiku huno? Haungadi here, kana usati wambosvikako,haungaRigamuchiri here usiku huno apo tichikotamisa misoroyedu?146 Matangi akatsemuka, anovhinza, anosinina, nyikaichisininira maari, tsvina inobva kumatanga nokune mamwemazuva. Ko Seiko Tsime iri, zvinhu izvi zvisingagoni kugaramariri, Tsime guru iri rakazara neRopa, rinoerera kubvamutsinga dzaEmanuere? Unodini kuRigamuchira usiku huno?Dai Mwari akatibatsira usiku huno, munyika ino ine nyota,yakaoma. Sezvakareva muporofita, “Iye iDombo munyikayakaneta.” Ndiye Tsime iroro. Haungauyi here kwaAri usikuhuno, mumwoyo yenyu, patava kunamata?147 Baba voKudenga vanodikanwa, hapana rimwe Tsime,apo mumhanzi uchirira, “Hapana rimwe tsime randinoziva;hapana kunze kweRopa raJesu.” Ndakazvarirwa imomo,ndakarererwa imomo; ndinoda kugara ndiri imomo,nokufiramo, nokumukazve ndirimo, muHupo hwaKe. Nguvadzose, Ishe, regai ndigare muHupo hwaKe, nokuti handinakumwe kwandinoziva. Hapana zvitendwa, hapana rudo; hapanarudo asi Kristu, hapana zvitendwa asi Kristu, hapana bhukuasi Bhaibheri, hapana chimwezve chinhu, hapana mufaro kunzekwaKe. MukaMubvisa kwandiri, O Mwari, handina mhakanokuti chikamu chikuru zvakadini chenyika chandinacho, ru—runenge ruri rufu, ndichingotetereka ndakabata musoro wangunemaoko. Mubvisei kubva kwandiri, ndinoparara, Ishe. Asi itaikuti Ave mandiri, zvino Zvita anenge achingonaka saChivabvu,zvadaro hapachina nzvimbo dzinopisa nenzvimbo dzakaoma,kunyange rufu pacharwo haruchina kukunda. Ngativei naYe,Baba. Mutipei Iye, muhuwandu, kumutendi wose usiku huno,sezvo vamirira muimba ino.148 Vazhinji vavo vachafanira kutyaira mumugwagwa usikuhuno, vachienda kumisha yavo, uye dai vakava nekufunga uku,“Ndiri kugara paTsime iro. Ndiri kugara ipapo, ndichinwainofefetedza, awa neawa.”149 Kana vasati vagamuchira izvozvo, pari zvino, daivakaMugamuchira zvino, kuitira kuti vaende neTsime iriizvozvi. “Ndichaenda nemi; ndichava nemi kusvika kumagumoenyika.” Tipei zvinhu izvi, Baba.150 Uye zvino takakotamisa misoro yedu, pane mumwe herepano, usiku huno, kana kuti vangani vangati, “Ishe, nditorei

Page 33: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 33

mundiendese kuTsime iro izvozvi. Handina kungouya panokuzonzwa; ndauya pano kuti ndizowana chimwe Chinhu.Ndauya kuti ndizoKuwanai, Ishe. NdinoKudai usiku huno.Huyai mumwoyo mangu izvozvi. Hamungadaro here, Ishe?”Mwari akuropafadzei. Ishe aropafadze mumwe nomumwewenyu.151 Baba, Maona mavoko, akasimudzwa mudenga tichitevedzamadziro, nomune mamwe makamuri, panze. Imi—Imi mavaona,Baba. Ndi—ndinonamata kuti Imi muvape zvose zvavanoda.Dzimwe nguva vanga vachinwa kubva mutangi rekare,Ishe, imwe nzvimbo pokuzorora munzira apo mumwemunhu akagadzira tangi, rikazova rakasvibiswa nemhandodzose dzedzidziso dzisinganzwisisiki, vachiramba Shoko.Ndinonamata, Mwari, kuti usiku huno vauye kwaAri Iye anovaTsime iroro, Tsime iroro reUpenyu. Tipei, Baba. NdinovaisakwaMuri zvino muZita raJesu.152 Uye Makandiudza, “Kana ukakumbira chinhu chipi zvachomuZita raNgu, uchazviitirwa.” Zvino, handingakumbiri izvi,Ishe, kana dai ndanga ndisingafungi kuti zvinoitwa.Ndingadai—ndingadai ndichingozvitaura setsika yamanamatiro. Asindinovanamatira, nokurevesa. Ndinovanamatira, ndichitendakuti Imi Muchapa zvaMakavimbisa.153 Uye zvino ndinovabvisa kubva mutangi iro usiku huno.Ndinovabvisa kubva munzvimbo yavanga vachinwa, umovasingagutsikani; kuti vauye kuTsime iri. Ndinoita izvi muZitaraJesu Kristu.154 NdeveNyu, Ishe. Ngavanwe kubva kwaMuri, Mvuramhenyu,Tsime reMvura mhenyu. MuZita raJesu, ndazvikumbira. Ameni.Tipei, Ishe.

O, kuerera kunokoshaKunondichenesa sechando;Hakuna rimwe tsime randinoziva,Hapana chimwe kunze kweRopa raJesu.

Chii chingasuka zvivi zvangu?Hapana kunze kweRopa raJesu;Chii chingandikwanisa zvakare?Hapana chimwe asi Ropa raJesu.

O Jesu, podzai ava, Ishe! Tipei, Ishe, nemuZita raJesu.Ndanamata,Mwari, kutiMu…?…NdiMimunoziva zvose.

Hakuna rimwe tsime randinoziva,O, hapana chimwe kunze kweRopa ra…

155 Zvifunge, hakuna rimwe tsime randinoziva! Hapana chimwechandinoziva asi Iye. Handishuvi kuziva chimwe chinhu asi Iye.Hapana chimwe asi Ropa raJesu! O!

Page 34: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

34 SHOKO RAKATAURWA

O, kuerera kunokoshaKunondichenesa sechando;Hakuna rimwe tsime randinoziva,O, Hapana chimwe kunze kweRopa raJesu.

156 Tichiimba izvozvo zvakare, ngatikwazisanei mumwenomumwe. Munodanana here? Pane mumwe here munoane waasingawirirani naye? Kana aripo, enda unogadzirisa.Uchadaro? Ngatisabva muno takadaro. Maona? Kana unechigumbu nemumwe munhu, enda unogadzirisa, izvozvi.Mukana wako izvozvi kuti uende, wonoti, “Hama, hanzvadzi,pane zvandakataura pamusoro penyu, pane zvandakafunga.Ndaive ndisingadi kudaro. Ndiregerereiwo.” Maona, ndiyo nzirayatinofanira kuita nayo. Ngativei neTsime pakati pedu, nguvadzose. Maona?

Hakuna rimwe tsime randinoziva,Hapana chimwe kunze kweRopa raJesu.

O, kuerera kunokoshaKunondichenesa sechando;O, Hakuna rimwe tsime randinoziva,Hapana chimwe kunze kweRopa raJesu.

157 O, haAshamisi here? Hakuna rimwe tsime! Hatizvisvibisinezvimwe zvinhu. Takazvitsaura, tikasiya nyika shure.Hatichadi gariki yekuEgipita nematangi akatsemuka. Tirimurwendo naJesu Kristu, Dombo riya rakarohwa, ameni,tichidya Manna kubva Kumusoro, tichinwa; tichidya Zvekudyazvengirozi, uye tichinwa kubvamuDombo. Ameni!

Hakuna rimwe tsime randinoziva,Hapana chimwe kunze kweRopa raJesu.

Zvino ngatikotamisei misoro yedu.158 Ndichinamata kuti Mwari anyatsoropafadza mumwenomumwe wenyu, kuti nyasha dzaKe netsitsi dzive nemimuvhiki yose inouya. Uye kana pakawana chinoitika,kuti mumwe wenyu akaenda seri kwechidzitiro izvozvi,rangarirai kuti maawa mashoma okuvata nezororo kusvikapatichasangana. Rangarirai, kuti, “Avo vapenyu vanosarahavazokanganisi avo varere, nokuti Hwamanda yaMwari,Hwamanda yokupedzisira…” Yechitanhatu ichangobvamukurira. Uye Hwamanda yokupedzisira, seChisimbisochokupedzisira, kunenge kwave Kuuya kwaIshe. “Icharira,uye vakafa munaKristu vachatanga kumuka.” Vakangozororakusvika panguva iyoyo.159 Uye kana ukarwadziwa, rangarira:

Tora Zita rake Jesu,Senhovo kubva pamuteyo wose;

Page 35: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA 35

Uye miyedzo yakakukomba yaungana,Ingofema Zita iroro dzvene mumunamato.(Madhimoni anotiza.)

160 Ingorangarirai, tinotarisira kusangana nemi pano Svondoinouya mangwanani. Huyai nevanorwara nevanodzimbikana.Ndichange ndichikunamatirai. Imi ndinamatirei zvino.Muchazviita here? Itii, “Ameni.” [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Ndichakunamatirai, kutiMwari varopafadze.

…Zita mumunamato.Zita rinokosha, Zita rinokosha, O rinotapirasei!

Tariro yenyika nemufaro weDenga;Zita rinokosha, O rinotapira sei!Tariro yenyika nemufaro weDenga.PaZita raJesu tinoremekedza,Tichidonha tichirara patsoka dzaKe,Mambo wemadzimambo kuDengatichamupfekedza korona,

Kana rwendo rwedu rwapera.Zita rinokosha, Zita rinokosha, (hazvitapirinokukosha here?)

Tariro yenyika nemufaro weDenga;Zita rinokosha, Zita rinokosha, O rinotapirasei!

Tariro yenyika nemufaro weDenga.161 Zvinogara zvakangooma kuparadzana nemi. Cherondichiziva kuti muri kutsva, asi pane chimwe chinhu pamusorope…Ngati, imwe ndima yerumwe, munoda kuzviita here?[Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Munoda kuzviita here?Ngachiropafadzwe Chisungo Chinosunganidza, hanzvadzi.Vangani vanoziva rwiyo urwu rwakare? Taisimborwuimba,makore apfuura.162 Uye ndanga ndichifunga, usiku huno, “mavoko maviri,kubva mumazana, asara,” pataisimboimba rwiyo urwupatabhenakeri, uye tichibatana mavoko. NgachiropafadzweChisungo Chinosunganidza. Ndakaviga vazhinji vavo,kumusoro uko kumakuva. Vakamirira. Ndichavaona zvakare.Ndinombovaona, pano neapo, muchiratidzo, pandinotarisa serikwevhoiri. Variko.

Ngatikotamisei misoro yedu zvino tichiimba.Ngachiropafadzwe chisungo chinosunganidzaMwoyo yedu murudo rwechiKristu;Kuyanana…Rwakaita seurwo rweKumusoro.Patino…

Zvino swedera ubate ruvoko rwemumwemunhu.

Page 36: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

36 SHOKO RAKATAURWA

…patsanurana,Zvino kotamisa musoro wako.

Zvinotipa kurwadziwa komukati;Asi ticharamba takabatana mumwoyo,Uye totarisira kusangana zvakare.

163 Takakotamisamisoro yedu.Ndinosiira shumiro kumufundisizvino, uye toparadzana mu…

Page 37: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

MATANGI AKATSEMUKA SHO64-0726E(Broken Cisterns)

Mharidzo iyi na William Marrion Branham, yakaparidzwakwokutanganeChirungu neSvondo manheru, 26 Chikunguru, 1964, paBranham TabhenakerimuJeffersonville, Indiana, U.S.A., yakazotorwa kubva pa tepi yaka rhekodwandokuzodhindhwa muChirungu pasina chakamurwa. Kuturikirwa ukumuchiShona kwakazodhindhwa nokugoverwa neve Voice Of God Recordings.

SHONA

©2014 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS, ZIMBABWE OFFICE

8 ST. ANNES ROAD, AVONDALE, HARARE, ZIMBABWE

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 38: SHO64-0726E Matangi Akatsemuka VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO64-0726E Broken Cisterns VGR.pdf · matangi,matangiakatsemuka.”Zvino,dzimwenguvavamwe venyuhavazivikutitangichii.Vanganivanozivakutitangichii?

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

Voice of God RecoRdinGsP.o. Box 950, JeffeRsonVille, indiana 47131 U.s.a.

www.branham.org