47
NZVIMBO Y OGA Y A KA PI WA N A MWAR I Y OKUNAMATIRA Mangwanani akanaka! Ndinofara kuva pano mangwanani ano. Uye tiri kufara, nokunakidzwa nokuwadzana kukuru uku padzimbo idzi dzakare dzokutenda. Tinozvida. Hamudarowo here? Korasi ye Ameni. Ndizvo zvaAri, Ameni, munoona. Ndiye anotaura shoko rokupedzisira. 2 Ndanga ndakagara apo ndichitaura neshamwari yangu yakare, Hama Brown, apo dzimbo dzanga dzichiendeka. Uye vati, “Hama Branham, handina kumboona kusvikira nezuro, izvo zvamanga muri kutaura nezvazvo.” Vati, “Kana vanhu vakangogona kupinda mune zvamuri kutaura pamusoro pazvo,” ndokuti, “chose chidziviso chinobva munzira.” Ndizvozvo chaizvo. Ndizvo chaizvo. Ndizvozvo chaizvo. Kana mukangogona kuZvibata zvakasimba, mukagona kuZvibata. Maona? 3 Ndichitaura neshamwari yangu duku, Ernie Fandler. Ndinofunga kuti vamwe venyu vari pamubatanidzwa wenhare munorangarira Ernie, kuti akatendeuka sei, kuti akatungamirirwa sei kunaShe. Haataure Chirungu chakanaka, kana kuti ndaida kuti auye ataure shoko rimwe chete. Uye ane ma we’s nema W’s ose akasanganiswa. Anga achindibvunza kana ndiri kurangarira nguva iyo paShawano kwaanogara. Paiva nemumwe murume akafira imomo mumusangano, ndokudonhera muchigaro chake ndokufa, muLutherani. Takaita kuti munhu wese anyarare. Takataura Shoko raShe pamusoro pake, iye ndokudzoka kuhupenyu, ndokunyatsouya pamusoro pake. Havasati vazvikanganwa, vari kuda kuti tidzoke zvakare. 4 Ndanzwisisa kuti muFrance, mangwanani ano, pane vanhu vekuFrance vanodarika zviuru zviviri vari pakutsanya kwemazuva akati kuti kuti tiuye tiunze Mharidzo kuFrance muchiFrench. Nyika yose yechiProtestanti, chikamu chechiProtestanti chenyika yeFrance. Saka tiri… 5 Yave kungotanga kudombera zvino, kungotanga, chikwande chave kutanga kubva zvino kuitira kuti gorosi rigokwanisa kunge riri kunze ikoko zvino. Maona? Saka ingorambai muchiremekedza, rambai muchinamata. Maona? Rangarirai, “Avo vanomirira panaJehovha, vanovandudza simba ravo.” 6 Zvino, pane…ndanga…ndave kunyatsochembera, uye ndafunga, “Ndichagona here…Pachava here nerumwe rumutsiriro, rwandichaona pane imwe nguva?” Uye ingorangarirai, kubva kumadokero kuchauya mutasvi ari

NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

  • Upload
    others

  • View
    1

  • Download
    0

Embed Size (px)

Citation preview

Page 1: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBOYOGAYAKAPIWA

NAMWARIYOKUNAMATIRA

Mangwanani akanaka! Ndinofara kuva pano mangwananiano. Uye tiri kufara, nokunakidzwa nokuwadzana

kukuru uku padzimbo idzi dzakare dzokutenda. Tinozvida.Hamudarowo here? Korasi ye Ameni. Ndizvo zvaAri, Ameni,munoona. Ndiye anotaura shoko rokupedzisira.2 Ndanga ndakagara apo ndichitaura neshamwari yanguyakare, Hama Brown, apo dzimbo dzanga dzichiendeka.Uye vati, “Hama Branham, handina kumboona kusvikiranezuro, izvo zvamanga muri kutaura nezvazvo.” Vati, “Kanavanhu vakangogona kupinda mune zvamuri kutaura pamusoropazvo,” ndokuti, “chose chidziviso chinobva munzira.”Ndizvozvo chaizvo. Ndizvo chaizvo. Ndizvozvo chaizvo. Kanamukangogona kuZvibata zvakasimba, mukagona kuZvibata.Maona?3 Ndichitaura neshamwari yangu duku, Ernie Fandler.Ndinofunga kuti vamwe venyu vari pamubatanidzwawenhare munorangarira Ernie, kuti akatendeuka sei, kutiakatungamirirwa sei kunaShe. Haataure Chirungu chakanaka,kana kuti ndaida kuti auye ataure shoko rimwe chete. Uye anema we’s nema W’s ose akasanganiswa. Anga achindibvunzakana ndiri kurangarira nguva iyo paShawano kwaanogara.Paiva nemumwe murume akafira imomo mumusangano,ndokudonheramuchigaro chake ndokufa, muLutherani. Takaitakuti munhu wese anyarare. Takataura Shoko raShe pamusoropake, iye ndokudzoka kuhupenyu, ndokunyatsouya pamusoropake.Havasati vazvikanganwa, vari kuda kuti tidzoke zvakare.4 Ndanzwisisa kuti muFrance, mangwanani ano, panevanhu vekuFrance vanodarika zviuru zviviri vari pakutsanyakwemazuva akati kuti kuti tiuye tiunze Mharidzo kuFrancemuchiFrench. Nyika yose yechiProtestanti, chikamuchechiProtestanti chenyika yeFrance. Saka tiri…5 Yave kungotanga kudombera zvino, kungotanga, chikwandechave kutanga kubva zvino kuitira kuti gorosi rigokwanisakunge riri kunze ikoko zvino. Maona? Saka ingorambaimuchiremekedza, rambai muchinamata. Maona? Rangarirai,“Avo vanomirira panaJehovha, vanovandudza simba ravo.”6 Zvino, pane…ndanga…ndave kunyatsochembera, uyendafunga, “Ndichagona here…Pachava here nerumwerumutsiriro, rwandichaona pane imwe nguva?” Uyeingorangarirai, kubva kumadokero kuchauya mutasvi ari

Page 2: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

2 SHOKO RAKATAURWA

pabhiza jena. Tichatasva muhwezva uyu zvakare. Ndizvochaizvo. Munguva shoma patinenge tagadzirira. Ivimbiso,munoona.7 Zvino, ndinoda kuti kune Hama Leo…Ndakangandiri kutaura nezveHama Wood usiku hwapfuura, mukomawavo ari pano. Hama Leo, kana imi neboka duku riripamubatanidzwa wenhare ikoko mangwanani ano; HanzvadziMercier, baba venyu vari pano. Ndakavaona nezuro manheru.Vari muchivakwa muno pane imwe nzvimbo, uye vanoratidzikazvakanaka kwazvo.8 Mangwanani avakapodzwa patabhenakeri, paiva nevanhuvaviri vaiva nehurwere hwekenza hwakakura kwazvo, vavekutonyatsofa, uye vari vaviri vakapodzwa. Zvino baba vavo,murume mutana vakabatwa nemoyo, vakapodzwa kuti Mwarivawane kubwinya. Uye vari mumusangano muno pane imwenzvimbo. Handisi kukwanisa kuvaona mukati mevanhuvakawanda zvino, asi vakanga vari pano nezuromanheru.9 Kwaziso kunemi mose muri munyika yose; pano munzvimboino yakanaka kwazvo, yeLife Tabernacle pano paShreveport,paine vanhu vakawanda vakamanikidzana muSunday school.Munoziva, dai ndaigara muShreveport, ndisiri kutaurachimwe chinhu chinopesana nemumwe munhu, asi ino ndiyonzvimbo yandingadai ndaiuya kuchechi, ipo pano chaipopaLife Tabernacle. Ino haisi sangano. Life Tabernacle, zvairinhasi, itabhenakeri inosanganisira vanobva kumasanganoose. Vakabuda musangano nokuti vakandigamuchira pamweneMharidzo ino yandinoparidza. Hama Jack Moore, hamapamwe neshamwari yangu, vakabuditswa mumasangano nokutivanga vachibatirana neni. Uye nokudaro ndinofunga kutivanokodzera kuwana kucherechedzwa kwakanaka. Ndizvochaizvo. Mwari vavaropafadze. Uye musimudze mawoko avomumunamato, uye nokutenda pamwe chete navo.10 Zvino Hanzvadzi Moore, hapana pandiri kuvaonavari, ivo…Hongu, kumashure kuno uku. Vangavachiratidzika sekasikana kaduku kagere uko mangwananiano, vakanyatsozvishongedza saizvozvi, zvitsva, uyezvinonyatsoratidzika sezvipfeko zvepaEaster. Uye zvanga—zvanga zvichiratidzika sokunge…Hama Jack vanga vasirikuvaziva kunyange naivowo. Zvino, HanzvadziMoore.11 Zvirokwazvo tinoshuvira Anna Jeanne naDon, nevamwevose. Ndafara kusangana neHama Nolan, ndivo mumwewevabati pano.12 Uye Hama Ernie, ndakavakumbira nezuro kuti vagoimbaAmeni iya. Ndinayo parekodhi, zvino ndaisakadza nokurambandichidzokorora kuiteerera, Ameni. Ndinofunga kuti vaneinzwi racho; rinokunda mamwe ose. Uye Judy muduku,ndamucherechedza; vaviri, vanoratidzika sehanzvadzikomana

Page 3: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 3

nehanzvadzisikana. Havana kudaro? Ivo murume nemudzimai.Tarisai mumwe nomumwe wavo, munoona vanoratidzikazvakafanana. Maona? Uye murume nemudzimai vakanakakwazvo. Ndizvo, munoziva, ndizvo…Hama Palmervachangobva mukukwira masitepisi endarama, iyeyemwanasikana wavo nemukwasha wavo. Uye uyo…Uyezvirokwazvo ane chikamu mukudzidziswa kwake semwana.Uye vane vamwe zvakare, vashumiri vakaroorawo zvakare,uye ava ndivo vavhangeri vari mumunda wavo wekuvhangera,nevamwe. Nokudaro zvakangonakisa.13 Handisati ndaona Hanzvadzi Palmer. Zvirokwazvo,handizive kana ndichivaziva kana ndikavaona, kana kuti kwete.Vari, zvichida, pane imwe nzvimbo (ndizvozvo) mumusangano.Kumashure-shure;Mwari vakuropafadzei, Hanzvadzi Palmer.14 Moyo wangu unodedera nguva dzose pandinofunganezvazvo. Hama Palmer vakanga vachangokwira masitepisikusvikira, maminitsi mashoma, kusvikira pandakawana nhawudzokuti vakanga vafa. Handina kugona kuzvitenda. Billyakandifonera, uye mumwe munhu akanga awana…uye vaiziva.Takanga tiri shamwari chaidzo dzakanaka, uye kuziva kutivakanga vafa, zvaidederesa zvikuru. Asi tose tinofanira kuenda,zvisinei kuti tiri vanaani, tinofanira kuenda mumwe nomumwe.Asi panongori nechinhu chimwe chete, “Ngatinzwei magumoenyaya yacho yose: Itya Mwari nokuchegeta mirairo yaKe,nokuti iri ndiro basa rizere remunhu,”Muparidzi 12.15 Zvino, handina nguva yakawandisa yechidzidzo cheSundayschool chino, uye ndakashoshoma.16 Handiti, Hama Pearry Green vakaita chinhu chakanaka.Vakandinzwa ndichiti, nezuro manheru, “Ndakashaya vhudzirangu duku rekupfeka mumusuro rinondichengeta…”Vakafona ikoko zvino ndokuedza kuti mumwe munhuaribhururutse nendege kuuya kwandiri. Ndakati, “Watononoka,ndatoshoshoma kare.” Ndaedza kwemakore kuti ndiwanechingabatsire, asi pandakawana iroro, rakazvipodza. Asindakarikanganwa rwendo rwuno, nokudaro ndakati shoshomeizvishoma. Saka imi tsungirirai neni, kana muchikwanisa,mukutaura.17 Zvino, vangani vanofarira Sunday school? O, ini zvangu,ndizvo chaizvo. Kunhu kwakanaka kwekutumira vana venyukwakuri. Kwete, regai ndipagadzirise ipapo, kunhu kwakanakakwekuunza vana venyu kwakuri. Ndizvo chaizvo, kuunza vanavenyu; nemi mouyawozve. Vangani vanoziva kuti Sunday schoolyedu yakatangwa sei? Ndekupi kwayakatangira? England.Yainzi kudini pakutanga? Ragged school. Ndizvo chaizvo, yainzi“Ragged school.” Sezvo ndakanganwa zita remurume uyu zvinoakaitanga. Zita rake, ainzi ani? [Mumwe munhu anoti, “RobertRaikes.”—Mupepeti.] Ndizvo chaizvo, ndizvozvo chaizvo.

Page 4: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

4 SHOKO RAKATAURWA

Akatora vana vaduku kubva munzira (vaine marengenya, uyevasina kwekuenda, uye zvakaipa kwazvo), zvino akavaunzamukati ndokutanga kuvapa zvidzidzo zveBhaibheri. Zvinoyakakura kuva chirongwa chikurusa chekereke, potse, nhasi,Sunday school. Zvakanaka kuti uende. Iva nechokwadi kutiwauya, unza vana vako. Ndinofunga kuti iyi tabhenakeripano ine vadzidzisi, makamuri ane midziyo yekushandisa,mazera, nezvimwe zvakadaro. Uye imi vatsva vachangotendeukamuri kungouya kunaKristu, nyatsoteverai muchifambirananeMharidzo; uyai pano paLife Tabernacle, zvino vachakuitiraizvakanaka.18 Zvino, manheru ano tichava nomutsara wakarewokunamatira vanorwara. Tiri kuzongonamatira vanorwaranenzira yataimboita nayo, Hama Jack naHamaBrown.19 Ndinorangarira ndichiona Hama Brown vachiedza kupamakadhi aya omunamato, uye nokuti ivo vaiva mushumiripachavo…Uye mumazuva iwayo, mune rimwe sanganoratai…vakavaisa pakumanikidzwa, munoziva, “Ndi—ndiri hama yenyu,” muchinhu ichi, munoziva. “Unofanirakundiendesa kumusoro uko.” O, ivo zvirokwazvo vakavanenguva yakaoma, asi vakaramba vakatendeka nokutendesekakwese. Hama Brown mumwe murume akanaka kwazvo. Zvinonokudaro tinovada.20 Zvino ndiri kuona isu tose, pahutatu hwedu tiri…tirikuswedera zvishoma nezvishoma kuva vatana, kumagumo.Chichava chinhu chinosuwisa kwazvo kana tanga tisinakuisa mukati medu chinhu icho chikuru, chatinoziva kutiiChokwadi. Tiri kungogadzirira kudzokera rimwe remazuvaano, kudzokera kuhujaya hwedu zvakare, kwekusazofa…mitumbi yedu yashandurwa, yagadzirwa kuti imire yakafananaNaye. “Nokuti kana tabhenakeri ino yepanyika yehugaro hweduichinge yanyungudika, pane imwe nechekare yakatimirira.”21 Uye chikamu chatinotenda nacho, shamwari inodikanwa,kuti Ishe Jesu vanodikanwa…Imi munovimba neni kukuudzaiChokwadi; Ishe Jesu vanodikanwa, mamwe mangwananidzingangoita idzo eight o’clock, vakandiita kuti ndioneNyika yacho. Zvino, chakanga—chakanga chisiri chiratidzo;asi handidi kutaura kudaro. Chero zvazvaiva, zvaiva zvirizvemazvirokwazvo sokutaura kwandiri kuita nemi pano.Zvino, ndakaona zviso zvevanhu ivavo, uye handina kugonakuvacherechedza, vakanga vashanduka kuva vaduku zvakare.Uye vakanga vari vemazvirokwazvo sezvakaita…Ndaibatamaoko avo nezvimwe. Vari chaivo zvemazvirokwazvo…22 Uye zvakandibatsira, nokuti ndaimbova neimwe pfungwa:kana munhu achinge afa, mweya wavo wega ndiwo waingoenda.Asi paAkareva chitaurwa kwandiri nezvazvo, kuti “Kanatabhenakeri ino yepanyika yehugaro hwedu ichinge…tine

Page 5: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 5

imwe nechekare.” Maona? Uye tinofanira kuva nezvinhu zvosezviri muhutatu, kuti zvikwaniswe. Maona? Zvino pane mutumbimumwe chete uri pano, nemumwe mutumbi uya uri uko uri iwomu—mutumbi wekudenga, uyezve mutumbi wakabwinyiswaparumuko. Munoona, zvinouita kuti tive nokukwaniswa.Maona? Nokudaro waka…Haisi ngano, haisi pfungwa, hausimweya. Atori murume nemudzimai akaita sezvamakaita,chaizvoizvo.23 Uyezve, makore apfuura, ndakaona nzvimbo dzevakarasika,uye ndakanga ndiriko. Ndinokuudza, shamwari, semutana,rega ndikunyengetedze pane izvi, munyika yose mangwananiano, usambofa wakada kuona nzvimbo iyoyo. Hapana imwenzira yokuti ndingagona…dai ndaive mupendi wemifananidzondiine bhurasho handaimbokwanisa kupenda mufananidzowacho. Semushumiri, handikwanise kukutsanangurira.Taura nezvegehena senzvimbo iri kubvira, zvakadarikaizvozvo pakuipa zvakapetwa kamiriyoni, zvinhu zvinotyisazvinoenderana naro.24 Uye Denga…kana nzvimbo iyi, kungave kuri kupikwayaive, handizive kuti ndoidana kuti kudini. Akaiti ikokose “mweya iri pasi peartari.” Asi payakanga, handisati…Hapana nzira yokutsanangura kuti kunoshamisa zvakadini.Kune…Zvino, munofanira kungotora shoko rangu, ndingorimunhu. Maona? Asi zviratidzo izvo zvinogara zvichizadzikiswasokukutaurirai kwandakaita, uye munoziva kuti chimwenechimwe chazvo changa chiri chechokwadi, ichochoichokwadiwo zvakare. Chero chipi chaungaita, kana ukashayazvinhu zvose (hutano, simba, kuona kwako, chingava chiri chii),usapotsa Ikoko. Hakuna chingafananidzwa nako. Kwaka…Hapana—hapana shoko mumutauro weChirungu, randinoziva,ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,”zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,” zvi—zvinodarikaizvozvo; “zvakapfuurisa kunaka,”…Hapana—hapana mashokoandinoziva anokwanisa kuzvitsanangura, nokuti zvakangazvakanyatso…Uyezve, kufunga, kuti handiwo magumo azvonazvino. Ndakafunga, “Ini kutya kuuya kune zvakadai?”25 Ndakati, “Munodya here?”26 Ndokuti, “Kwete kuno. Kuno hatidye, asi kana tichingetadzokera panyika tichagamuchiramutumbiwatinodyamauri.”27 Zvakanaka, ndaigona kuvanzwa nemanzwiro okubata.Vakanga vakangoita saizvozvo. Maona? Uye ivo…Ndakati,“Zvakanaka, mune…” O, hongu, vane mutumbi. Haingoringano, utori mutumbi. Tinozivana. Vose vaindiziva,vachindimbundira, mamiriyoni avo.28 Zvino ndakati, “Zvakanaka, ndinoda kuona Iye Andiunzakuno.”

Page 6: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

6 SHOKO RAKATAURWA

29 Rikati, “Haukwanise kuMuona iye zvino, unofanirakumbomira.”30 Ndikati, “Sei mandiisa pane…kumusoro kuno?”31 Ndokuti, “Wakanga uri mutungamiri muhupenyu.”32 Zvino ndikati, “Ko Muri kundiudza here kuti vose avandevekwaBranham?”33 Iye akati, “Kwete! Ava vanhu vawakatendeutsakunaKristu.” Maona?34 Ndakatarisa kwese-kwese, zvino hwese usiku hwakaoma,nemiyedzo, zvakapfuura, pandakagona kuona zviso zvavo.Mumwe mudzimai wechidiki akamhanyira ipapo, mumwewemadzimai aive akanakisa kwazvo pachiso, zvino iyeakangokandira maoko ake achindimbundira, uye ndokuti,“Hama yakakosha.” Zvino paakapfuura…Zvino, iye akangaari mudzimai. Saka…Asi ikoko, hakuzombova nechivi.Munoona, tsinga dzedu dzinoshandurwa ikoko. Hakuberekwivana zvachose, ikoko.Maona?Munoona, zvimwezvo.35 Chii chinoita mutsauko, manzwiro emunyama. Ndichochikonzero ndisingatendi murumveesano. Hapana murume…Ini, pamberi paMwari neBhaibheri rangu, ndakararamazvakachena, zvenzira iyoyo muhupenyu hwangu pandakangandiri mukomana wechidiki, nemuhujaya hwangu hwese.Wese musikana wandakambofambidzana naye, ndinokwanisakufamba ndichidzokera paKutongwa naye. Maona? Asi hapanamurume, handina basa kuti ndiwe ani, angarega mudzimai(akaumbwa semudzimai) kuti akumbundire; kana uri murumewechokwadi ane utano, pane manyawi munyama. Asi zvakangazvisipo ikoko; hakuna tsinga dzacho. Mose mune tsingayakafanana. Maona? Kungori nerudo rwehanzvadzi nehamarwakachena, rwusina kusvibiswa, kudarika zvazvakaitakune wako…kunyange kune wako…ukambundiramwanasikana wako muduku. Maona? Mwanasikana wako,zvisinei akaumbwa…munhukadzi uye iwe uri munhurume.Munoona, zvinogona kusika chimwe chinhu; asi Ikokohazvikwanisike, hakuna chivi, chakapera zvachose. Maona?Zvemazvirokwazvo…Rudo chairwo, rwutsvene.36 Zvino ndakatarisa mudzimai uyu. Paiva…zvairatidzikasokunge kwaiva nemamiriyoni avo ikoko, uye vose vaivanevhudzi refu, nenguwo chena dzaisvika zasi. Zvino—zvino Uyuakanga ari kutaura neni, akati, “Hausi kumuziva here uyu?”37 Ndikati, “Kwete.”38 Ndokuti, “Aive nemakore makumi mapfumbamweneanoraudzira pawakamutungamirira kunaKristu.”39 “Nyasha dzinoshamisa, ruzha runotapira zvakadini.”Maona? Hapatongorina nzira yekutsanangura zvazviri.

Page 7: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 7

Chingotorai shoko rangu kana muchinditenda. Iva nechokwadichokuita…pisa zambuko rose renyika kumashure kwako.

40 Ndinotenda kuti kereke yave kutanga kunzwa Mharidzo,nekutanga kunzwisisa. Asi, vashamwari, teererai, tinofanirakugara muHupo weMwanakomana, tinofanira kuibva. Kutendakwedu—kwedu hakusati kwaibva. Mupfungwa tiri kunzwaMharidzo iyo yatakapiwa naMwari, uye nokuona zviratidzo izvozvaAkatiratidza, uye nokuzviratidza neBhaibheri, kuti zviripo,asi, o, kuti kereke inoda zvakadini kugara muHupo hwaKekusvikira yanyevenuka, munoziva, uye igosvika pakutapiramuMweya kuitira kuti igokwanisa kunyatsosinina ichidzika.Dzimwe nguva mukutaura Mharidzo, unoita ukasha, unofanirakupamura saizvozvo, nokuti unofanira kurova chipikiri kuitirakuti chibate. Asi kana Kereke yangoIbata, Vasanangurwavanodanwirwa kunze vopatsanurwa, zvino muHupo hwaMwari,ndinoziva kuti zvichaita sokunge vanhu vakanga varipopainoenda muKubvutwa.

41 Ndanga ndiri kuzotaura mangwanani ano pamusoro peKubvutwa, asi handingorina inzwi rakakwana rekuti ndizviite,uye saka mongotsungirira neni kwechinguvana. Zvandirikuda kutaura pamusoro pazvo, chidzidzo che: Nzvimbo YogaYakapiwa NaMwari Yokunamatira.

42 Zvino, chidzidzo chikuru kwazvo. Saka ngatinamateizvino. Uye kwese munyika mangwanani ano, kwesekwamuri, kotamisai misoro yenyu kwenguva shomanani. Ivaimakanyatsoperera zvino, tave kusvika paShoko raMwari, rinovaMwari mutsamba.

43 Munyori Mukuru weBhuku iri, “IMbeu,” takadzidziswa,“iyo yakadyarwa nemukushi,” ndizvo zvakataurwa neMunyori.Zvino, tinoziva kuti mbeu inokura kana iri muvhu rakafanira.Nokudaro, Baba, Mungabvisawo here mangwanani ano zvoseminzwa nemafeso, nokusatenda, nepfungwa dzinotsoropodzakubva mumoyo yedu; kuitira kuti Shoko raMwari rigokurarakasununguka, richidiridzwa neMweya mumoyo yedu, kutitigova vanhu vaMwari. Zviitei, Baba. Ndiyo moyo yedu. Kwetebedzi kwatiri isu takacherechedza izvi, asi dai pakava nevamwemunyika yose, mumwe nomumwe moyo wake uchitsva nerudonehunyoro, achaenda onoedza kuwana hama yakarasika,hanzvadzi yakarasika. Zviitei nhasi, Mwari. Takatarisirazvose kwaMuri, nokuti Muri Mutungamiri wedu naIshe wedu.Nokudaro tinonamata kuti Mutitungamire muShoko reNyunhasi, uye mugotipa maropafadzo eNyu. Kubudikidza nenyashadzeNyu uye nemuZita reNyu tazvikumbira. Amen.

44 Zvino, ngatitorei kuitira chidzidzo chedu…Ndinodakuverenga kubva muBhuku raDeuteronomio, TestamenteYekare, kungorongwa kweMagwaro. Ndine zvinyorwa zvishoma

Page 8: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

8 SHOKO RAKATAURWA

zvandanyora nokukasika mushure mokunge ndabva pakudyakwemangwanani neHama Vayle.45 Handina kumbotenda murume anga ari uko kuhotera…nzvimbo yekudyira iya manheru aya, uyo akabhadharirasvusvuro yedu—yedu yemanheru. Mudzimai neni nemusikanawangu muduku takanga tiri ikoko, zvino pandakaendakunobhadhara chikwereti changu, mumwe munhu akangaachibhadhara. Angava ari ani hake, ndinokutendai. Akati,“Murume anga akagara kumapeto kwebhenji.” Ndizvozvomaivaneboka rose imomo revataiziva. Zvino, ini…zvimwe zvakaitaseKickapoo, zvimwe zvakadaro, nzvimbo iri kunze uko, nzvimboyekudyira kwatakanga tiri. Ndinotenda, angadai ari ani hakeakazviita.Mumwe nomumwewenyu,Mwari vakuropafadzei.46 Iye zvino, muchitsauko 16 chaDeuteronomio, kuchengetwakwepasika. Saka tinoda kuverenga mavhesi mashoma okutanga,mavhesi okutangamana kanamashanu,matanhatu pano.

Rangarira mwedzi waAbhibhi, uye uchengetepaseka…(Zvinoreva “Kubvumbi.”)…JEHOVHA Mwariwako: nokuti nomwedzi waAbhibhi uyu JEHOVHAMwariwako wakakubudisa panyika yeEgipita usiku.Unofanira kubayira JEHOVHA Mwari wako paseka,

yamakwai nemombe panzvimbo inotsaurwa naJEHOVHAkuti agarise zita rake…Uchadya chingwa chisina mbiriso machiri; mazuva

manomwe auchadya, chingwa—chingwa chisinakuviriswa chokuti,…nokuti wakabuda munyikayeEgipita nokukurumidza:…kuti urangarire zu—zuva rawakabuda naro panyika yeEgipita mazuva oseoupenyu hwako.Mazuva manomwe chingwa chine mbiriso

hachitongofaniri…kuonekwa panyika yako yose; uyepasave nechinhu chenyama, yamunobayira pazuvarokutanga madekwana, haifaniri kutongosara usikuhwose kusvikira mangwana.Hamufaniri kubayira paseka mukati merimwe

remasuwo ako, aunopiwa naJEHOVHAMwari wako:Asi panzvimbo yakatsaurwa naJEHOVHA Mwari wako

kuti agarise zita rakepo, ndipo paunofanira kubayirapaseka madekwana, kana zuva rovira, pamwakawawakabuda nawo kubva Egipita.Zvino dai Ishe vawedzera maropafadzo aVo pakuverengwa

kweShoko raVo.47 Zvino, ko maikirofoni ine ruzha here mairi? Manheruapfuura ndakanzwa kuti aive akadaro. Muri kunzwa herezvakanaka, kwese-kwese? Hamusi kunzwa. [Hama Branhamvanogadzirisa maikirofoni—Mupepeti.] Zviri nani here? Izvi

Page 9: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 9

zviri nani here, kutaura nemamaikorofoni ari pasi sezvizvi?Ndakati shoshomei zvishoma, nokudaro ndakamira pedyomangwanani ano nokuda kwaizvozvo, uye ndine tariro yokutiHama Pearry vanokwanisa—kwanisa kurinzwa kunze uko.Muri kurinzwa zvakanaka here zvino? Ndinofunga kutivazvigadzirisa. Zvakanaka.48 Zvino, nzvi-…Chinhu chandiri kuda kutaura nezvachomangwanani ano ndechokuti Mwari vane nzvimbo imwe chetebedzi iyo munamati anokwanisa kusangana naMwari, nzvimboimwe chete bedzi. Nemumazera vakawanda vakatsvaka nzvimboiyi yakavanda yaMwari, mumazera ose. Kunyange Jobho akangaachida kuziva kwaAnogara, “Dai ndaingokwanisa kuendakuimba yaKe ndonogogodza pamukova waKe.” Jobho aidakuwana nzvimbo yehugaro hwaMwari, nokuti ipapo Mwarinemhuri yaKe vanonamatwa pamwe chete.49 Sanezuro, mumharidzo yanezuro mangwanani, takaonakuti pane mukana wekuti munhu anonamata Mwari pasina,achinamata zvakaperera. Mwari vane zvinhu zvose izvizvakagadzirirwa isu, asi zvazviri chaizvo ndezvokuti, tinofanirakutsvaka kuti tiwane pazviri. Pauro akataurira Timotio kutiatsvake, uye kuti a—ange ari mumwaka uye nekunze kwemwaka,akagadzirira kupa sho—sho—shoko kana…yetariro yakanga irimaari.50 Zvino, zvinhu zvose izvi zvirimo imomo. Uye tioona…Dzimwe nguva ndichada kuuya kuShreveport kwatinozongovanemavhiki kuda maviri kana matatu ekungotora maminitsimakumi matatu pausiku hwega-hwega ekungodzidzisa,munoona, kungonyatsogara muShoko, zvikamu izvizvakavanzika, munoona, umo matinokwanisa kuwana kutitingapinda sei. Zvino imi ingotarisai, teverai kutungamirakwaMwari, panongori nekiyi imwe chete kumusuwo wega-wega. Ndizvo chaizvo. Uye hapana imwe kiyi, hazvineikuti inoratidzika zvakafanana naiyoyo zvakadini, Mwarihavana kiyi inokiyinura pose-pose; panongori nekiyi imwechete. Uye zvino, unofanira kuve nekiyi iyoyi, kana kutimukova haukiyinuke. Zvisinei kuti wakaperera zvakadini,hautombokwanisi kukiyinura mukova iwoyo.51 Zvino, vangani vakanga vari pakudya kwamangwananinezuro, mamwe mangwanani aya? Zvakanaka, ndinofunga kutivakawanda vacho, kubvira pazvikamu makumi mapfumbamwekubva muzana venyu imi, kana kudarika. Kuisa nheyo kune izvi,izvo zvandiri kuzotaura, Dhavhidhi akazodzwa kuva mambo(akazodzwa naMwari), mambomukurusa uyo Israeri yakambovanaye, kunze kwaIshe Jesu (anova Mwari) Uyo Muzodziwa.Dhavhidhi mwanakomana wake…kana kuti Jesu akangaari Mwanakomana waDhavhidhi zviri maererano nedzinza,repanyama. Uye Ari kuzogara pachigaro choushe chaDhavhidhi

Page 10: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

10 SHOKO RAKATAURWA

seuyo…nhaka, semu—muchinda nguva dzose anogara nhakachigaro choushe cha—chamambo.52 Cherechedzai, zvino, kuti Dhavhidhi akazodzwa,kunyange aine kuzodzwa kwaakaita, akabva pakudakwaMwari aine chizoro ichocho; uye vanhu vose, nokusatoramafambiro eMagwaro kana kiyi yechizaruro ichi, vosezvavo vakazodzwawo zvakare, vose zvavo, pamwe chete,vachidanidzira nokurumbidza Mwari pachinhu chaiita sokungechakafanira kwazvo: kudzosazve Shoko raMwari kuimbayaMwari. Asi Dhavhidhi akanga ari mambo, kwete muporofita.Maona? Iye…Paiva nemuporofita munyika wekuzviita naye,zvino Mwari vakaramba mafambiro ose nokuti havana kungevashandisa kiyi yepo. Mukova hauna kukiyinuka. Uye zvinotinofanira kuzvirangarira, nokuzvichengeta mupfungwa.Pane…Zvinhu zvose zvaMwari, zvinoitwa nenzira imwechete bedzi, zvatoringana. Zvino, ipapo, Mwari vaiva neimweChechi imwe chete yaVanosangana nevanhu mairi, uyeVanokugamuchiramuChechi iyoyo uye kwete imwe chechi.53 Ndazvitaura nokuti kakawanda handina kunzwisiswa, uyevanhu vakandiudza…

Ndinoti, “Uri Mukristu here?”“Ndiri muBaptisti.”“Uri Mukristu here?”“Ndiri muMethodisti.”“Uri Mukristu here?”“Ndiri muPentekosti.”

54 Zvino, munoona, hapana chinhu chimwe chete chazvinorevakunaMwari. Uri kungoedza nekiyi isiri iyo. Asi pane kiyichaiyo yepo, pane imwe chete iyo Mwari…Mwari havanakumbovimbisa kusangana newe semuMethodisti, kanasemuBaptisti, kana muPentekosti, kana rimwe sangano.Havatombocherechedzi masangano, anopesana naYe.55 PaMharidzo iya refu, ndichava naYo patabhenakerimunguva shoma inouya. Uye zvadaro Hama Jack vanozoInzwa,zvino mozoona zvamungada kuita nezvaYo, nokuti Inengeyatepwa.56 Zvino, vanhu vanoita sokunge Mwari vanosungirwakutongosangana navo pahwaro hwedzidzo yavo yebhaibheri.Zvino, vanhu vanoita saizvozvo. Havatombowadzanimumwe nomumwe. VeTrinity kana Pentekosti havawadzaneneveOneness, kanawo veOneness havawadzane neveTrinity.MuMethodisti haadaro nemuBaptisti, nokuti mumwendewemurairo mumwe wacho maCalvinisti, nokudaro hapanakuwadzana zvachose. Uye vanomonyorora pfungwa dzevanhuzvakaipa kwazvo zvokuti vanetenge vopesana.

Page 11: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 11

57 Ndakaenda kunonamata, pane imwe nguva yakapfuura,mukamuri yemuchipatara. Maiva nemumwe mudzimaiimomo aive akararamo achirwara zvikuru, akanga achidakuzooparetwa, vaitarisira kuti aizofa. Mumwe mudzimaiakanga akarara ipapo (Ndakadanwa kuti ndizomunamatira.),ndakati kwaari, “Mungaita basa nazvo here kwekanguvandikanamata?”58 Zvino iye ndokuti, “Dhonza keteni iro!”59 Zvino ndikati, “Ndine urombo.” Ndikati, “Ndanga ndirikuzokumbira munamato.”60 Mudzimai akati, “Dhonza keteni iro!”61 Ndikati, “Hongu, amai.” Iye nemwanakomana wake akangaakagara ipapo, aine maratidzikiro amazuva ose aRiki. Zvino inindokuti, “Zvakanaka, hamusi Mukristu here?”62 Mudzimai ndokuti, “Tiri maMethodisti!”63 Ndokuti, “Zvakanaka, handina kukubvunzai izvozvo,ndakubvunzai kanamuri ‘Mukristu.’” Maona?64 Saka zvino akati, “Dhonza keteni iro!”65 Munoona, nokuti mumwemunhu akanga asiri muMethodistiakanga ari kuzonamatira mumwe mudzimai akanga arikufa, izvo zvaaivewo zvakare. Asi nokuti zvakanga zvisirizvemusangano rake, akanga asiri kana kuda kutombozvinzwakana kuva nechokuita nazvo. Kana asiri muFarise, handisatindambomuona!66 Mirai kusvikira manzwa Muhwezva WeNyoka. Huh.Zvakanaka. Zvino, vanofunga zvino kuti sangano ravo rogandiro rinonzwikwa naMwari: “Mwari havakunzwe kunzekwekunge uri muMethodisti, kana muBaptisti, kana mu—muTriniti, kana muOneness,” kana zvimwewo zvakadaro.Zvakatsveyama!67 Uye ndicho chinangwa changu; asi kana paine chi—chishuwo chakadaro mupfungwa nemumoyo yevanhu chokuvevakarurama…Handitendi kuti mudzimai akazviita nokuti…kana mumwewo munhu. MuMethodisti haangangosimukiomiririra chechi yeMethodisti nokuti a—anoziva kutiyakatsauka. Munhu iyeye anototenda kuti iri pachokwadi.Handitendi muTriniti anopomera muOneness, kana muOnenessmuTriniti nemuPentekosti, nokuti anongoda kuve akasiyana,anofunga kuti ari pachokwadi. Uye unofanira kuremekedzapfungwa yake. Munoziva, gumbeze rinotambanuka mativi osemaviri. Asi, rangarirai, mune zvose izvozvo, kana paine chinhumumoyo wemurume kana mumoyo wemudzimai zvavanotendakuti “ndizvo chaizvo,” zvadaro panofanira kuve nepamwepazvakanaka. Sezvandinowanzotaura, “Kana pakadzikapachidana pakadzika, panofanira kuve nepakadzika panodavirapakudana uku.”

Page 12: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

12 SHOKO RAKATAURWA

68 Munoziva, takaudzwa kuti—kuti mhuka yemugungwainenge mbiti yaimbofamba pa—pamahombekombe egungwa,nemakumbo. Asi iye zvino haichisina makumbo, akashandukandokubva ava zvokushambirisa nokuti yaikwanisa…yakangeichida zvokushambirisa payakatama kubva panyika, mhukainomera makushe, yakaenda mugungwa; zvemasikirwozvakaigadzirira zvokushambirisa panzvimbo yemakumbo,nokuti yakanga yave kushambira kudarika zvayaiita ichifamba.69 Handisi kukwanisa kufunga murume mukuru uyu zvinoakaenda kuSouth Pole. Zita rake rainzi ani? Byrd. Vanoti akangaaine majasi akanga agadzirirwa mombe, parwendo urwu;mombe dzaakanga atora kuitira mukaka. Zvino akagadziramajasi emvere kuitira kuti mombe dzisafe nekutonhorwanechando. Asi paakasvika ikoko, dzakange dzisisade majasiemvere, masikirwe akanga ameresa rimwe. Maona? Sei? Pasatipava nezenze pamusana wehove, paifanira kuva nemvura yekutiishambire mairi kana kuti hayaizombova nezenze. Ipapo…Pasati pava nemuti waikura panyika, paifanira kutanga pavanenyika yekuti ukurire pairi, kana kuti hapaizombova nemuti.70 Saka, muri kuona, kana paine bedzi chimwe chinhu chirimumoyo wemunhu chiri kudana chimwe chinhu, panofanirakunge paine chimwe chinhu kunze uko chinodaira, kuti chigutsekudana uku.71 Mumwe mudzimai…Tsvagurudzo yechikonzero cherufupachitunha yakaitwa kuno nguva yakapfuura pane mumwemudzimai akanga afa. Zvino chikonzero, va—vanoti,chakamuuraya, aigara achidya hanyanisi, nguva dzose. Kanaasiri kudya hanyanisi, musoro wake waivava, nezvimwe zvose;vakashaya kuti chii. Saka pavakaita ongororo iyi, vakawanabundu raive mumudzimai uyu reimwe mhando yezvizenga;vaiva nezi—zita raro. Zvino vaigona kutora bundu irori voriisamuzindiro rehanyanisi, zvino rakanyungudutsa hanyanisi iyipahusiku hwese. Maona? Chaiva chii? Chaiva chinhu chaivemumudzimai chaidanira hanyanisi, uye dai pakanga pasinahanyanisi pangadai pasina bundu.72 Nemamwe mashoko, panofanira kuva neMusiki kutanga,pasati pava nezvisikwa. Maona?73 Zvino, kana mumoyo memunhu muine chishuwo,seMethodisti, Baptisti, Presbyteriani, Katorike, mamwe oseaya, ari kuedza kuwana nzira iyi yechokwadi imwe chete, uyevanoudzwa nevaprisita nevafudzi vavo, nevamwe vakadaro, kuti“Ino ndiyo nzira yechokwadi.” Vanoti, muprisita anoti, “Hakunaruponiso kunze kwekereke yeKatorike.”74 Zvakanaka, chechi yoga-yoga inotora zvayo…pfungwa dzavo pachavo. Vamwe vavo havazvibvume, asivanozviita nemabasa avo. Maitiro ako anotaura zvinodarikashoko rako. Zvinongori…Nedzimwe nguva, vanongori

Page 13: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 13

munyengeri kudarika izvo zviri muKatorike. Mukatorikeanonyatsozvipupura pachena, “Ndinotenda kuti ichi ndichochinhu choga,” asi havazviiti izvozvo. Vanozvivanza, asi maitiroavo anoratidza zvavari kufunga. Maona?75 Zvino, panofanira zvino kuva nenzvimbo imwe chete, nokutipane chishuwo chiri mumoyo wemunhu chekuIwana. Uyendinofunga kuti Shoko raMwari rine mhinduro yezvinhu zvosezvatinoda. Saka Mwari vane mhinduro, zvino ngatiitsvakeimuMagwaro zvino. Uyezve kana Mwari vakatiratidzaneMagwaro nzvimbo yoga iyi, nzvimbo yoga, (sangano roga,kana zviri izvo), nzira yoga iyo Mwari yavanosangana nemunhu,zvadaro tinofanira kubatirira kune izvozvo nokuti tawanaChokwadi chemuBhaibheri, zvaRinotaura.76 Zvino, shoko rokuti Deuteronomio, shoko pachezvarorinoreva “mirairo miviri,” shoko rokuti Deuteronomio.Uye Mwari vane mirairo miviri. Mirairo miviri: mumwewacho kusateerera Shoko, zvino wofa; uye mumwe wachokuteerera Shoko, uye ugorarama. Ndiyo mirairo miviri,uye Deuteronomio inoreva mirairo iyi miviri. Iri miviriyakaratidzwa kwatirimuMagwaro.Mumwewacho rufu,mumwewacho Hupenyu; Hupenyu nerufu. Mwari vanoshanda bedzimuHupenyu, Satani bedzi murufu. Uye iyi yakaratidzwakunyika paruzhinji, pachena pamberi pemeso ose, uyehapana pembedzo kwatiri. Mumwe wacho, wakaratidzwapaGomo reSinai pakapiwa murairo, uyo wakapomera rudzirwese rwevanhu kurufu; mumwe wacho wakapiwa paGomoreKarivhari, ukaunza rudzi rwese rwevanhu kuHupenyu,apo murango wakabhadharwa munaJesu Kristu. Mirairomiviri yaDeuteronomio yakazadzikiswa muzvinhu izvi zviviri,zvikuru.77 Ndinoda kuti mucherechedze zvakare, paiva nesunganombiri dzakapiwa. Imwe sungano yakapiwa kunaAdhama,iyo yaiva nezvirango, semurairo: “Kana ukasabata zvakati,zvino unorarama; asi kana ukabata zvakati, unofa.”Iwoyo waiva murairo. Uyezve paiva nemumwe murairowakapiwa kunaAbrahama, waiva wenyasha, usina zvirango:“Ndakuponesa iwe pamwe chete nembeu yako inouya shurekwako.” Ameni! Uyu mufananidzo weKarivhari, kwetemufananidzo we—we—wesungano yaAdhama, isunganoyaAbrahama.78 Asi zvino tinoMunzwa achiti pane nzvimbo imwe chetebedzi paAnosangana nemunhu kuti anamate. Tazviverengamuno mundima yataverenga. Tichataura nezvazvo, zvakare,mumaminitsi mashoma.79 Zvino kana paine nzvimbo imwe chete iyo Mwarivanosangana nemunhu, tinofanira kunyatsongwarira. Zvinongatiisei parutivi tsika dzedu mangwanani ano, uye…

Page 14: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

14 SHOKO RAKATAURWA

muchidzidzo chino cheSunday school, uye togova nechokwadichokuti tawana nzvimbo imwe chete iyi. Nokuti, Mwarivakataura pano kuti, haVakugamuchire pane imwe nzvimbo.Imwe hayo chechi, haVakugamuchire imomo. Bedzi muChechiyaVo, nzvimbo yoga yaVanokugamuchira.80 Zvino, “Munoti kudini, Hama Branham? Kanandakaperera?” Kwete.81 Rangarira, Jesu akataura nevamwe vanhu vaive vakaperera,vanamati wemuzuva raKe, zvino Akati, “MunoNdinamatapasina.” Kunamata kwechokwadi, chaiko kunobva pakadzikapemoyo yavo. “MunoNdinamata pasina, muchidzidzisasedzidziso mirairo yevanhu,” kana kuti dzidziso yesanganoravo yebhaibheri. Vakaperera, mukuremekedza, vari vanamatisokukwanisa kwavo kwese. Uye izvozvo zvakanga zvisiri zvitsvasekunge zvakangotanga nevaFarise. Kaini naAbheri, vanamativaviri vokutanga vakaberekwa, panyama pano, panyika,zvirokwazvo vakauya nemaoneromamwe chetewo.82 Kaini aingovamunamati sezvakanga zvakangoitawoAbheri.Vari vaviri vakavaka maartari. Vari vaviri vaida Mwari.Vari vaviri vakapa zvibairo. Vari vaviri vakanamata. Varivaviri vakabhadhara chegumi. Vari vaviri vakaita zvinhuzvakangofanana. Asi Abheri, nokutenda kunova “chizaruro,”Shoko raMwari rakazarurwa, rakaiswa pachena, rakaratidzwa,nokusimbiswa. Girori! Kaini akapa chibairo, asi Mwarihavana kuchisimbisa. Mwari vaida kunamatwa, zvino Kainiakapa chibairo, asi Mwari havana kuchisimbisa. Asi negwararemazvirokwazvo…83 Unoti, “Zvakanaka, chechi yangu ndiyo chaiYo. Yangu…”84 Ingomira zvishoma. Mwari vanoZvidudzirira Shoko raVonenzira yaRo yaVakataura nayo. Munoona, Kaini akati, “Ndirimunamati. Ndiri uyo anoda Musiki wake. Ndinopa kwaMuriartari yakanaka kwazvo iyi. Ndinopa kwaMuri chibairoichi. Ndakavaka zvinhu zvose izvi, Ishe, nokuti ndinokudai.”Abheri akataura zvinhu zvimwe chetezvo. Zvino ndeuyoakasimbiswa, anova iye akaratidzwa. Uye Mwari vakadzikavakagamuchira chibairo chaAbheri, nokuti nechizaruro akangaapindamugwara chairo raMwari rakagamuchirwa.85 Zvino tarirai mweya waKaini uchiuya uchinyatsodzikanemuMagwaro, uchienda kusvika pazuva rino rokupedzisira.Zvepakutanga? Aingova nezvepakutanga zvakafanananezvemumwe wacho.86 Tarirai muporofita Bharamu nemuporofita Mosesi. Vosevari vaviri vaine maartari manomwe, maartari aJehovha,paine ropa pane rimwe nerimwe; uye kwete izvozvo zvoga,asi makondohwe pane rimwe nerimwe. Pane zvekuverengamanhamba, nhamba chaiyo yaidikanwa, nomwe, “yakakwana,”makondohwemanomwe. Chaizvo zvakafanana, maartari maviri.

Page 15: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 15

Maitiro ezvepakutanga zvakaita mumwe, ndizvo zvakangazvakaitwawo nemumwe. Asi ndiyani akasimbiswa naMwari?Maona? Maona? Uyo akanga ari muShoko raVo. Mamiriroezvepakutanga haana zvikuru zvaanoreva; chizaruro chaMwari.87 Zvino fungai! Varume ava, sei vakadanwa uyendokuiswa muchinhano ichi (vaFarise ava) naJesu, ndokuti,“MunoNdinamata pasina”? KuMunamata: kunamatakwechokwadi, kunamata kwechokwadi kunobva mumoyo yavo.“Imi…MunoNdinamata pasina.” Sei? Kudzidzisa sedzidzisotsika dzavo dzevanhu. “Nokudaro munoita mirairo yaMwarikuti ishaye simba kuvanhu.”88 Kana ndikakudzidzisa mharidzo yeMethodisti, hapanachainoita kwauri, ino inguva yeMwenga. Dai Mosesiakadzidzisa mharidzo yaNowa, hapana zvayaiita. Dai Jesuakadzidzisa mharidzo yaMosesi, hapana zvayaiita. Nokutimbeu dzakatemerwa dzakarara ipapo idzo dzinongodiridzwanemhando iyoyo yemvura yakapiwa kuitira mbeu iyoyo. Maona?Haikure mune chimwe hacho chinhano. Anofanira kunge arimamiriro anoikudza.89 Zvino, unokwanisa kutora zai rehuku woriisamuchirindiriro, iro rinofanira kunge riri pasi pehuku,asi rinochechenya zvakadaro. Riise pasi pekambwananarinochechenya. Kudziya, ndiwo mamiriro anoita kutirichechenye. Saka rinofanira kunge riri pasi pemamwemamiriro. Unokwanisa kutora zai benyu rakanaka woriisa pasipehuku yakafa, harichechenye. Maona? Munoona, mamiriroacho.90 Zvakanaka, ndizvo zvazviri muzera rino ratiri kuraramamariri, unofanira kuwana kuti ndeipi nzira yaMwari yekuzviitanayo yemuzera rino. Ndiyo yakawanikwa naMartin Luther,ndiyo yakawanikwa naJohn Wesley, ndiyo yakawanikwanemaPentekosti muzera ravo. Zera raMwari nenguvayekuzviita.91 Zvino, maPentekosti. Hama iya, imwe…ndinotendarake…rimwe remaziso ake rakanga rakabva, hama yechitemayakanyatsotanga mharidzo yePentekosti muCalifornia, AzusaStreet yakare. Akasekwa, nokuti aiva munhu mutema. Vakaitajee naye, asi akaunza mharidzo yezera iroro. Aingori mukomanamuduku, muchinda akanga asingakwanise kana kusaina zitarake, asi Ishe vakanga vazarura kwaari kuti iroro ndiro raivezera rekudzoreredzwa kwezvipo zviya, uye zvakauya. Zvisineikuti chii chakataurwa, zvakauya. Asi munhu wese akapindamumweya wacho, uye ndokuona kuti ndiro raiva zera racho,uye ndokuona Mwari vachisimbisa kuti vanhu ava vaikwanisakutaura nendimi, nezvakadaro, zvikaitika. Asi zvino paakaendamberi ndokurovedzera kuti “ichi ndicho chiratidzo choga,”zvakaiuraya. Maona? Anoenderera mberi, munoona. Ndizvo

Page 16: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

16 SHOKO RAKATAURWA

zvakazviita. Zvino vakatanga kupatsanura izvi, izvo, uyenokugadzira masangano; zvino mumwe ari kuuya negore,mumwe ari kuuya nechikwenzi. Uye o, ini zvangu, hezvokaizvo kwazvinoenda.92 Ndizvo zvinoitwa nemasangano. Maona? Mwari havasimuvambi wemasangano, nokuti sangano iBhabhironi, uye haAsimuvambi wenyonganyonga. Tinomuona wese…Hazvidi kutiunge uri nyanjere kuti uzvione. IBhabhironi! Maona? Tsika(pafungei ipapo), vanhu vakaperera. Zvino, zvisinei, nokutivanotenda izvozvo, pachiri kufanira kuva nenzvimbo imwe chetepokusangana naMwari.93 Zvino cherechedzai ndima 2. “Namatira panzvimboyaNdakasarudza.” Chibairo, zvirokwazvo, apo pavainamatapamusoro pechibairo. “Nzvimbo iyo yaNdakasarudza; kweteyawakasarudza, yakasarudzwa nemunhu. Asi yaNdakasarudza,iwe namatira panzvimbo iyoyi.” Ipapo zvinoratidza kutipanongori nenzvimbo imwe chete, dzimwe hadzina basa.Haifanire kunge iri sarudzo yako, asi inofanira kunge iri sarudzoyaKe.94 “Saka, handisungirwe kuenda kuchechi.” Kana,“Haunyatsofungi zvakakwana! Sei, unotoita gakavanemadzimai pamusoro pekuparidza, uye…kana madzimaipamusoro pekugera vhudzi ravo, nevarume pamusoro pezvimwezvinhu izvi. Sei, haunyatsofungi zvakakwana!”95 Zvakanaka, hausungirwe kutora nzira yaMwari pamusoropazvo, iwe chienda ikoko, kwavanoita zvakadaro. Maona?Uye uchazoona kuti zviri muMagwaro, saka, “VanoNdinamatapasina.” Jesu akataura pamusoro pechinhu chimwe chete.Maona?96 Kuti chinyorwa chose chidukusa, zvose, unofanirakunge wakatendeka mazviri. Zvinogara nguva dzosemuzambiringa muduku—muduku, kagava kaduku—kadukundiko kanokanganisamuzambiringa. Dzimwe nguva unosiya…Handi zvinhu zvikuru zvaunoita, zvinhu zviduku zvaunosiyazvisina kuitwa. Rangarirai, ngetani yakasimbisisa pachopane hutera. “Vakaropafadzwa avo vanoita yose mirairoyaMwari, kuti vagova nekodzero yokupinda mukati.” Ita zvosezvakataurwa naMwari, uye Rakati kumadzimai anofanira kuvanevhudzi refu.97 Iwe unoti…Mumwe murume akandiudza nguva shomayapfuura, akati, “Handiparidze evhangeri ine chekuitanemapfekero.”98 Ndikati, “Zvino hausi kuparidza Evhangeri.” Hongu.99 Mwari vakazviisa imomo, Vakataura zvinofanira kuitwa.Zvinoreva kuti uchatozviita…Ndicho chinhu chakochepanyama, chakafanira. Chero chinhu chiduku…chii…chiduku chisingacherechedzwi. Jesu akati, “Vakaropafadzwa

Page 17: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 17

avo vanotora zvinhu zvose zviduku, nokuita zvinhu zviduku.”Uye mudzimai kurega vhudzi rake richikura, zvinongori izvo…handiti, chinongori chimwe chinhu iye chaanokwanisa kuita, asihaatombozviiti. Haatombozviiti.100 “O, tidzidzisei zvinhu zvikuru kwazvo.”101 Ko ungadzidzise sei zvinhu zvikuru, apo musiri kuita zvachozviri nyore, zvinhu zvamazuva ose?Nokuti, munoona, chinangwachenyu nevavariro yenyu zvakatsveyama.102 Rudo rwako kunaMwari, “Ishe, handina basa kuti Murikuda kuti ndiitei, ndinotoda kuzviita.” Zvadaro pane kwawavekusvika, asi kana ukasazviita nenzira iyoyo, nzira yaAkati uitenayo…103 Isarudzo yaKe, “Nzvimbo yaNdakasarudza.” Ndipopaunonamatira nechibairo chako.104 Unoisa…Kaini akaunza chibairo chake, Abheri akaunzachake, zvinoenderana nenzvimbo yaunopinda nacho. Kanaukaenda nacho kunzvimbo yaAkasarudza, zvinenge zvakanaka,Anochigamuchira; kana isiri iyo, haVachigamuchire. Handinabasa…chibairo chimwe chete, chingave chiri chii, zvakadaroha-…chinorambwa, kunze kwekunge chaunzwa panzvimboiyoyo imwe chete.105 Zvino tinoda kuona uko kwatinoda kuunza chibairo ichi.Tinogona kuona…Tose tinoda kuenda Kudenga. Handizvo?Uye tose tinoziva kuti takakanganisa. Tose tinotenda kutiJesu ndiye Chibairo. Zvino tinoda kuziva kwatinoendanaYe, chinozo—chinozogamuchirwa. Maona? Ndizvo chaizvo.Bhaibheri rinotitaurira kwekuenda nacho, munoona, zvinochinozogamuchirwa; kunze kwaipapo, hachigamuchirwe.106 Ngaticherechedzei pano zvakare nzvimbo yaAkasarudzayekuisa chibairo, nzvimbo yaAkasarudza yokuisa chibairo.Haukwanise kuchiisa pane mamwe ose aya masuwo; asipanzvimbo yaAkasarudza kuchiisa, Akaisawo zvakare Zita raKepanzvimbo iyoyo. Ndizvo zvaAtaura pano. Akasarudza kuisaZita raKe ipapo. Zvino ngatitsvakei Magwaro enzvimbo iyi,nokuti ndiyo nzvimbo yaAkaisa Zita raKe.107 Zvino ngativerengei kubva pagwaro rataverenga. Uyendanga ndiine chinyorwa chiduku chakaradzikwa panochandanga…mangwanani ano, chauya kwandiri. Ngatitoreindima 2 yechitsauko ichi. Zvino, handisi kuda kugara nguvayakareba, nokuda kwevanhu, vari pamubatanidzwa wemafonikunze uko. Zvino ndima 2 yechitsauko 16 ichi:

Unofanira kubayira JEHOVHA Mwari wako paseka,yamakwai nemombe, panzvimbo inotsaurwa naJEHOVHAkuti agoisa zita rakepo.

108 Zvino, haukwanise kutora izvi…kuperera kwako nezvosezvaunoda kupupura, haukwanise kungozvitora kuenda kuartari

Page 18: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

18 SHOKO RAKATAURWA

yeMethodisti, kuartari yeBaptisti, kuartari yePentekosti, asipane artari pane imwe nzvimbo yaAkasarudza kuti iYe…kutiaise Zita raKe mairi, uye Anozosangana newe panzvimbo iyoyo.Zvino, kana ukaita kuti zvinhu zvose zvifambe zvakanaka,zvichazofamba; zvinhu zvose zvakaiswa muhurongwa. Kanapaine pakabatana waya dzemagetsi, getsi iroro haribatire;nokuti hakuuye magetsi. Zvino kana ukatora rimwe remaShokoaMwari kana imwe yenzvimbo dzaKe, zvino iwe mumoyomako uine zvinangwa zveundini, zvinotadzisa simba raMwarikufamba pakare ipapo. Kana ukazviita nokuti unoda kungewakangwara, unoda kunge wakasiyana nemumwe munhu, kanachimwe chinhu, pakare ipapo simba harifambe, zvinoputitsafiuzi. Uri kukanganisa. Unofanira kuuya nokuperera, nemoyowako wese. Vavariro dzako nezvinangwa zvako, wonyatsozviisapanaMwari. Zvino wochitsvaka nzvimbo yaKe, woonapaAkataura, zvino wochiunza ipapo. Maona?109 Tarirai kuna Marta naMaria. Apo Jesu akanga adzoka,mushure mokunge Avadzidzisa Evhangeri iyi (Chiedza chezuvaraKe, Iye ari Mhesia), Akavengwa, akarambwa. O, vaFarisenemachechi vakaMuzvidza. Asi Razaro akanga afa, hanzvadziyavo yakanga iri shamwari yepamoyo kwaAri. Akamuregaarerepo; uye vakaMudana, haAna kana kumbouya.110 Asi tarirai Marta, maonero ake. Akati, “Ishe, dai Mangamuri pano.” AkaMupa dunhurirwa raKe chairo: Ishe, varaguru I-s-h-e, Yahweh, Jehovha. Girori! “Dai Manga muri pano,hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Hupenyu nerufu hazvigonekuwadzana panzvimbo imwe chete, kana muimba imwe chete.“Mungadai…Angadai asina kufa.”111 Jesu akati kwaari, “Ndini rumuko neHupenyu,” Mwarivakadaro. Maona? PaAkati, kutanga, “Hanzvadzi yakoichararama zvakare.”112 Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinonyatsozvitenda. SemudzimaiwechiJudha, ndinotenda kuti pachava nerumuko rwewese akafa;uye ndinotenda kuti hanzvadzi yangu yakanga yakatendekanokuperera pakunamata. Uye ndinotenda kuti Ndimi Mhesiauya, akataurwa muBhaibheri, nokuti kusimbisa kwaMwariShoko raVomaMuri zvinoratidza kuti ndiMiMutumwawenguvaino. Ndimi Mhesia wacho. Ndinotenda kuti ndiMi Kristuuya akanga ari kuuya, nokuti mabasa eNyu anopupura kutiMwari vakaKutumai kuno kuzova Mhesia wacho.” O, inizvangu! Tarisai mavhiri emuchina ave kupinda panzvimbozvino. Maona?113 Zvino, akanga aine kodzero yokuti ati, “Sei Musinakuuya kuzomutsa hanzvadzi yangu? Sei Musina kumupodza?Makapodza vamwe. Shamwari yenyu chaiyo yepamoyo, zvinochionai zvakaitika.” Kwete, kwete, chinangwa chakadarohachina kwachinosvika.

Page 19: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 19

114 “Ndinotenda kuti Muri chaizvo izvo zvaMunoratidzwamuMagwaro kuti muri. Ndinotenda kuti rino ndiro zuva iroMhesia anofanira kuuya; tanga takaritarisira. Handina basakuti vamwe vose vanoti kudini. Ndinotenda nemoyo wanguwose, nokuda kwezvandakaona pamwe nokunzwa neShoko, kutiShoko riri kusimbiswa maMuri, uye kuti ndiMi Mhesia wacho.”Munoona, pakadzika-dzika maari, a—akanga aine chimwechinhu chokukumbira, asi aifanira kuuya kugwara chairo.115 Ko dai akamhanya ikoko zvino osvikoti, “ZvinoMunondiudza kuti Muri Mhesia wacho! Uye kana kumbovawonetsika dzakanaka, hunhu hwakakana hwekupindurachikumbiro chedu; apa taiKupai chokudya uye nokugaraneMi mumba medu, nezvimwe zvose, uye nokuKumiririrai,uye takasiya machechi edu, sokutiraira kwaMakaita kutitibude mumasangano.” Maona? “Zvino hezvinoi takarisiya,uye zvino tave kuonekwa sevatsauki nevapanduki. Uye zvosezvatakaKuitirai, zvino ndokushaiwa kana hunhu hwakanakahwekupindura pakudana kwangu?” Zvino, zvirokwazvo, aivanemaruramiro acho.116 Sezvamunotaura pamusoro pevhudzi renyu pfupi, “Ndirichizvarwa chemuAmerica. Ndinogona kupfeka zvikabudura,ndinogona kuita chose chandinoda, chisingatyore mutemo.”Ikodzero dzako, asi gwai rinorasikirwa nekodzero dzaro. Uh-huh. Kana uri gwayana, hapana chauinacho kunze kwemakushe,rinorasikirwa nawo. Ikodzero dzaro dzarakapiwa naMwari, asirinorasikirwa nawo.117 “Ndine kodzero yekujoinha chero haro sangano.” Ndizvozvochaizvo, asi unorasikirwa naizvozvo. Maona?118 Mudzimai anorasikirwa nezvose zvaane kodzero kwazviri,kuti acherechedze Shoko raMwari riri kuratidzwa ipo pamberipake chaipo.119 Akati, “Ndini rumuko neHupenyu. Uyo anotenda maNdiri,kunyange akafa, asi achararama. Ani naani anorarama uyeachitendamaNdiri haazofi. Unozvitenda here izvi?”Muri kuona,pakanga paine chimwezve chirevo chaakanga asati apindamugwara rimwe chete nacho. Maona?120 “Hongu, Ishe! Ndinotenda kuti Ndimi Kristu,Mwanakomana waMwari mupenyu!” O hama, zvinhu zvosezvakanga zvagadzirira kuchibatiramoto pakare ipapo.Maona?121 “Mamuisa kupi?”Maona? Uyemunoziva zvakaitika.122 Munoona, unofanira kutanga wapinda panzvimbo chaiyoAsati agamuchira chibairo chako. Munoona, unofanira kupindamairi. Tarirai.

…munzvimbo iyo JEHOVHA achasarudza kuisa zitarake mairi.Hauzodyi chingwa chine mbiriso mairi;…

Page 20: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

20 SHOKO RAKATAURWA

123 Chii chazvinofananidzira muchibairo? Usachisanganisenechitendwa chipi hacho, chinofanira kuva Shoko. “Kwetechingwa chine mbiriso.” Mbiriso ndiyo…Munoziva kutimbiriso chii mune chinhu chipi hacho. “Mbiriso shoma inovirisabundu rose,” bundu rose ndiwo Mutumbi. Haukwanise kuisakachimedu kadukusa kesangano kana chitendwa munaKristu.Kwete, changamire, hazvishande.124 Munorangarira mharidzo yemanheru eChina chapfuura?Murume wako wakare anofanira kufa. Ndizvozvo. Murumewako mutsva iShoko.

…mazuva manomwe uchidya chingwa chisinambiriso imomo,…

125 “Mazuva manomwe,” chii chazvinofananidzira? MazeraManomwe eKereke azere, mazuva manomwe. Sei vaifanirakuchidya mazuva manomwe? Vasati vadini? Vasati vabuda. Uyezera rose rekereke, kubvira pakutanga kusvikira kumagumo,rinofanira kungorarama bedzi Shoko raMwari rezera iroro.Saka chitendwa chenyu chechiRoma, Methodisti, Baptisti,nechitendwa chePentekosti zvose zvakafa.126 Zvino tarirai.

…imomo, ndicho chingwa chokutambudzika;…Kutambudzwa nokuda kwaCho; Luther, Wesley,

maPentekosti; vose vakatambudzwa, uye nemiwo.…nokuti wakabuda panyika yeEgipita

nokukurumidza:…kuti ugarire zuva iro…kutiurangarire zuva rawakabuda naro panyika yeEgipitamazuva ose ohupenyu hwako.Mazuva manomwe chingwa chine mbiriso…

hachifanire kuonekwa panyika yako yose;…127 MuMwenga waKristu wakanaka, mushure mokufa kwaKemuMazera eRima kubudikidza nehumambo hweRoma, kutiWaifanira kufa, “Kunze kwekunge tsanga yegorosi yawiramuvhu.” Chikomba chaifanira kuuya, Humhizha hwakakwanahwaMwari. Imimosemakanzwamharidzo yangu yeizvozvo.128 Zvino ndakamira zasi ikoko, Los Angeles, paForestLawn, rimwe zuva, zvino moyo wangu wakasvetuka. Vanganivakamboenda kuForest Lawn? Pane…chivezwa chaMosesichakaitwa na—chakaitwa na…-angelo, ndinotenda kutindiMichelangelo. Uye chivezwa chakakwana, pane zvose kunzekwepaibvi rekurudyi; pane kagomba kakadzika zvingaita hafuyeinchi. Zvino mutungamiri…Ndakanga ndakatarisa, zvinoakapanongedzera kwandiri. Akati, “Michelangelo akangaapedza hupenyu hwake hwese achiedza ku—kugadzira…Akanga ari muvezi wematombo, zvino akanga ari kuedzakugadzira chivezwa chaMosesi. Seri kwepfungwa dzake,akanga aine mupfungwa dzake izvo zvaifanira kunge zvakaita

Page 21: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 21

Mosesi. Aive nazvo mumoyo make, kuti Mosesi aifanirakuratidzika sei. Zvino akapedza hupenyu hwake hwose;akabvisa zvishoma nechiziri pano, opukuta, odzoka shureomira akautarisa. Gore negore negore, akashanda pauri.Pakupedzisira pachakanga chapera, zvino akadzoka shurendokuisa pasi chidhende nenyundo yake, ndokutarisa chivezwa.Chakanga chakanyatsokwana chiri mufananidzo waMosesiuyo waaiva nawo mumoyo make, kusvikira akavhiringikapfungwa, akatora nyundo ndokuchirova, ndokudanidzira,‘Taura!’” Unonzi Humhizha hwaMichelangelo. Chimwe chinhuchiya chikuru chaiva chivezwa ichi, chiratidzo chiya chaakangaainacho chezvaifanira kunge zvakaita Mosesi, chaingoratidzamumufananidzo Mwari Baba vakuru.129 Vakanga vaine mumoyo maVo, nyika isati yavambwa,Mwanakomana, nokuti Ivo ndiBaba. Asi zvakanga zvichirimuzvizenga zveShoko raVo. Zvino Vakasika munhu, uyeVakanga vakamupa kodzero dzekuzvisarudzira, asi munhuiyeye akawa. Asi Muvezi mukuru, Mwari, vakaumba munhukubva muguruva renyika, haVana kugutsikana naizvozvo,Vakatanga kugadzira munhu zvakare. Uye VakagadziraNowa, akafa akadhakwa. Vakagadzira Mosesi akakundikakuchengeta Shoko raVo. Vakagadzira vaporofita vakatizamunguva dzematambudziko. Zvino Vakaramba vachivakapamwe nokuumba kusvikira mushure mechinguva Vakangevave kuda hu—humhizha, kuti huVaratidze, hunhu hwaVo, izvozvakanga zviri mumoyo mavo zvokuti mwanakomana anofanirakunge akaita sei.130 Rimwe zuva, zasi paJorodhani, mushure mokungeHumhizha uhu hwaumbwa uye hwagadzirwa, heunoi Achiuyaachituma zvichidzika ari…pamapapiro eNjiva, ndokuti,“Ndiye Uyu!” Vakanyatsofadzwa zvikuru neHumhihza uhukusvikira VakaMurova paKarivhari, kuti Agofa, kuitira isutose takanga tisina kukwana; kuti kubudikidza nekudeurwakweRopa rake, Anozounza humhizha hwakawanda (uriMwenga) kuMwanakomana waVo. Humhizha wakakuvadzwanokuda kweshungu dzaMwari dzekuona Humhizha hwakadai,VakaMurova kuitira isu tose. Maona? Ipapo Akafa, kukwanisaisu takanga tisina kukwana. Humhizha.131 Cherechedzai umu pano. Akati:

…mazuva manomwemuchadya chingwa ichi chisinambiriso…

132 Zvino, chingwa chinofananidzirwa. Jesu akati, “Munhuhaangararame nechingwa choga, asi nerimwe-nerimwereShoko.” Kwete bedzi—bedzi Shoko rimwe chete pano neaposeizvo masangano anoda kuti muRitende. Asi Shoko raMwarirakakwana! NdiMwari pachaVo vari muchimiro chetsamba,inonzi “Mbeu.” Uye mhando chaiyo yokutenda kusina

Page 22: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

22 SHOKO RAKATAURWA

kusvibiswa muShoko iroro kunounza Mbeu iyi kuHupenyuhwayo.133 Ndizvo chaizvo zvamunoona pausiku mukunzverazvakavanzika, uye nezvimwe zvinhu zvose izvi, nokuti ivimbisoyakaitwa naMwari. Uye Vakamira neni vakandiudza izvozvo,uye ndokundiudza kuti ava “vatevedzeri vachasimuka, asi iweramba wakamira.” NdinoZvitenda. Uye hakuna vavariro ineundini, kurwadzisa mumwe munhu, asi kuva neruremekedzokunaMwari uye nokuita basa raVakandidanira kuti ndiite,ndicho chikonzero ndichitaura zvinhu izvi. Uye Mwarivanozvisimbisa, uye nokugamuchira mupiro nechibairo,nokusimbisa kuti iChokwadi. Hapana mubvunzo paRiri! Zvinotarirai Shoko racho!134 Zvino, tinocherechedza pano, “Mazuva manomwe,”ndezvezera rimwe nerimwe rekereke. Zvino, nokuti Humhizhahwaifanira kufa, kuitira kuti hugomutswa kuti hugotidzikinuratose. Zvino Vaiva nekereke yakagadzwa muhurongwapaPentekosti, asi Kereke iyi yaifanira kupfuura nemuchibairo;zvino nyika yevaRoma yakaiuraya, ndokuiisamuvhu.135 Semunyori uyu webhuku riya, handisi kukwanisa kufunganezvaro zvino, akaita jee rakawanda kwazvo pamusoro pangu,uye ndokuti, “Pamadhimoni ose, ndiWilliam Branham.”Munoona, ndizvo zvinoedza kutaurwa nadhiyabhore. Akati,“Zviratidzo nezvinhu,” ndokuti, “ndezvadhiyabhore,” akati,“kana kuti, angori imwe mhando yemunhu anotambanepfungwa dzevanhu, kana kuti anoshanda nekakuonakemhando yepamusoro.” Nyika yezvenjere nguva dzose ichiedzakuona kuti Chingavei.136 Ndipo pavakaedza kuongorora Jesu. “Ko Unoita sei zvinhuizvi? Chii chakazviita?”137 Akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo. Ko shumiro yaJohaneMubhabhatidzi…Yaiva yaMwari here kana kuti yaivayemunhu?” Maona?138 Ndokuti, “Hatikwanise kutaura.”139 Ndokuti, “Kana neniwo handigoni kukutaurirai.” Ndizvochaizvo. Vakabva vaenda. “Kubva ipapo hapana munhuakazoMubvunza chimwe chinhu.” Maona? Akangovadimbura,haAna chaakavaudza nezvaZvo; havanei nazvo. Aiva nebasarokuita uye Akaripedza.140 Mwari vatibatsire kuita chinhu chimwe chete. Hatisungirwekupindura mibvunzo yadhiyabhorosi, ndizvo chaizvo, “Kanauri, ita zvakati-nezvokuti.” Une mungava kuEvhangeri,muparidzi ari, uye ndizvo zvoga; kwete kuti Rakanyorwa sei,ane mungava wekungoRitaura.141 Uye semuranda, kana uri muporofita, une mungavakunaMwari. Uye kana zviratidzo zvinouya zvojekesa Gwaro

Page 23: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 23

iri uye nokuratidza zvaRiri, une mungava kuShoko roseriri muBhaibheri iri, nokuti rose Rakanyorwa nemhandoimwe chete yevanhu sewe. “Mwari kareko vakafambisa,nevaporofita, uye ndokunyora Dzv-…Bhaibheri Dzvene.”Maona? Uye hapana muporofita wechokwadi waMwari anogonakuramba Shoko rimwe chete raRo, asi anotenda Shoko roseuye nokuparidza zvimwe chete. Zvino Mwari vanosungirwanemugwara iroro kuita kuti Shoko iroro rizadzikiswe chaizvonenzira yaRakavimbiswa, Mbeu inokura.142 Zvino cherechedzai zvakare, nokukasika, tinoona pano kutimazuva ose manomwe ayo chingwa ichi chaifanira kudyiwa,mumaZera Manomwe eKereke. Zvino, apo yaifanira kufa uyeyopinda muvhu.143 Zvino mutsoropodzi uyu akataura nezvangu, akati,“ZvaMwari uyu wamunonamata imi vanhu, aikwanisakugara muMazera eRima achitarisa vanaamai, vakazvitakura,vamwe vavo vaine vacheche mumawoko avo, vanhuvakaperera, vokandirwa munhandare yemitambo zvino shumbadzovabvanzaura kuita zvimedu-zvimedu, uye ivo vachizhamba;nokuvaturika pamichinjikwa pamwe nokuvapisa; vokumuramadzimai nguwo zvokusara vasina kupfeka, mhandaradzechidiki, vozvikandira kumashure sezvizvi, voregererashumba kwavari.” Ndokuti, “Mwari uyu aikwanisa kugaraKudenga, achifanirwa kunge ari pachigaro chaKe choushe, zvinondokutarisa pasi uye ndokuti Ainakidzwa nazvo,” akadaro.144 Zvino, onai, ndiwo manzwisisiro enjere anovaadhiyabhorosi. Dai murume uyu akanga ari wemweya, angadaiakaziva kuti tsanga yegorosi inofanira kufa, yaifanira kuvigwamucathedral yeRoma.145 Asi zvino katsuri kokutanga keHupenyu kakauyamunguva yokuvandudzwa naMartin Luther, kuti, “Vakaruramahavararame nechingwa chechirairo chakaropafadzwa chinoitwanemuprisita, asi neShoko raMwari. ‘Vakarurama vachararamanokutenda!’” Vakabuditsa tsuri mbiri. Mbeu yegorosi yakatangakukura.146 Zvino ndokuzouya John Wesley ndokuwedzera ipapo.(Paiva nevamwe vakawanda, avo…Zwingli nevamwevakauya ndokuramba kuberekwa nemhandara, zvinozvikangofawo zvakadaro.) Asi zvino kwakazouya maMethodisti,muchekechera, mukume, zuva remamishinari. Uye vakaparidzakucheneswa; ndokuwedzera muchekechera.147 Zvino kwakazouya maPentekosti muchikwande, zvokuti,kunyengera vaSanangurwa. Yairatidzika setsanga chaiyoyegorosi, izarure, hamuna gorosi zvachose. Asi Hupenyu hurikupfuura nemuchikwande.148 Zvino, makambocherechedza here, makore matatu mushureme—memusangano mukuru, chii chinoitika? Sangano. Aya

Page 24: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

24 SHOKO RAKATAURWA

ave makore makumi maviri uye pasina sangano. Gwayanarinodikanwa riri kufa, dai zvikasadaro. Kana ndikaendamuchizvarwa chino, dai vanhu vanotenda Mharidzo inovasambofa vakanyararira sangano! Mwari vacha…Muchafirachaipo pamuri ipapo! Muzvirangarire izvozvo! Nguva iyoyoyamunotaura zvesangano pakati penyu, handina basa kutimakaperera zvakadini, kutora munhu kuti ave mutungamiriwenyu panzvimbo yeMweya Mutsvene kuti usimbise Shoko iri,ndiyo nguva yamunofa! Mbeu yechokwadi haikwanise, nokutihapana chinenge chichiripo mushure membeu, ndicho chinhuchimwe chete chaivapo kare pamavambo. Ndiwo Mwengawakawiramuvhu kuti ugounzambeu yegorosi zvakare.149 Cherechedzai:

…mazuva manomwe muchadya chingwa chisinambiriso…

150 Uye kuchava pamwe neMwenga…151 Zvino, imi vanhumakambova naamai venyu vechiMethodistivaidanidzira, nezvimwe zvakadaro, vawainetsekera “Kanavasina kutaura nendimi, vachange vasiko ikoko.” Inhema! VaivaneMweya Mutsvene mumwe chete wauinawo nhasi, asi waivamuchimiro chemuchekechera, kwete kudzoreredzwa kwezvipo.Asi ose mazuva manomwe, ingodyai chingwa chisina mbiriso,Shoko. Avo, kare, avo vakaita sangano, vakafa. Ndivo gunde,vachangounganidzwa vopiswa. Asi Hupenyu huri kurambahuchipfuurira mberi. Zvino chii chinoitika? Hupenyu hwesehwaiva mugunde, mumuchekechera, muchikwande, hwesehunoguma hwavemugorosi. UyeMweyaMutsvenemumwe chetewakaunza Luther, ndokuunza Wesley, ndokuunza maPentekosti,unoguma wave muMwenga parumuko.152 “Mazuvamanomwe, idyai chingwa chisinambiriso.” Hapanambiriso ichawanikwa pakati peMwenga, ha—hapana shokorakawedzerwa, hapana chiripo. Rangarirai, shoko rimwe chetendiro rakakonzera rufu rwese rwuri panyika; mwana weseweupombwe akazvarwa nokuda kwaEvha, kereke yekutanga,mwenga waAdhama wekutanga, akapokana Shoko raMwarindokugamuchira resangano, kana renjere, kana chikorochemagamuchiriro aRo; nokuti Rakashandisirwa njere, kuti,“Zvirokwazvo, Mwari ndiMwari wakanaka.” Mwari ndiMwariwakanaka, asi NdiMwari vane nduramo. Tinofanira kuchengetaShoko raVo! Chikoro, mudzimai akarigamuchira.153 Ndipo apo vamwe venyu imi vakomana vekuseminari, pasinakupokana pane kudanwa muhupenyu hwenyu, asi unomhanyirakune chimwe chikoro cheBhaibheri kuti uve nedzidziso iyiyakaiswa mauri, zvino ipapo ndipo paunofira…Gara naMwarineShoko raVo. Havakutenderi; kana kuti, haukwanise kuveweungano yavo, havakugamuchire papuratifomu. Saka rega

Page 25: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 25

vave nazvo, regai vakafa vavige vakafa, ngatiteverei KristuShoko.154 Zvino, mazuva manomwe hapachazove nembirisoinosanganiswa neMwenga, Kereke, mazuvamanomwe.155 Zvino cherechedzai. Zvino pasina…

Mazuva manomwe chingwa chine mbiriso hachifanirikutongoonekwa panyika yako yose;…(Chibairo panomufananidzo: Mwenga uchiuya kubva muChibairochinova Kristu.)…uye hapafaniri kuwanikwa nyama,yamakabaira pazuva rokutanga madekwana,…

156 Uye rangarirai—rangarirai kuti tichangopfuuranemuMazera eKereke? Mutumwa kukereke anouya nguvadzose pakupera kwerimwe zera rekereke, nguva dzose.Kufa kwePentekosti kunounza kubvutwa kweMwenga.Maona? Kufa kwaLuther kwakaunza Wesley. Maona? KufakwaWesley kwakaunza Pentekosti. Kufa kwePentekostikunounza Mharidzo zvino. Pano, zviri ipo pano chaipo,zvichifananidzirwa nemuMagwaro. Hapana gwaromuBhaibheriasi rinokochekerana nerimwe. Maona? Mifananidzo yose iyi.Handina kufunda, asi ndine Mweya Mutsvene unondiratidzaneimwe nzira, inodzidzisa kubva—kubva pazvisikwa; uyekubudikidza neShoko. Zvinofanira kuve Shoko, zvinhuzvakavimbiswa.

…nyama,…chibairo zuva rokutanga…madekwana, haifaniri kutongosara usiku hwesekusvikira mangwanani.

157 Zvino, kunyange Luther, aive neChokwadi uyendokudzidzisa kereke “vakarurama vachararama nokutenda.”Haudi kubatirira pane izvozvo sedzidziso izere, muzerareMethodisti. Uchaita sei? Unoipisa nemoto. Zvaifananidzirei?Sangano rinobuda kubva Mushoko iroro chikwande, gunde,makwande, zvinofanira kupiswa nemoto. Chikamu ichochochesangano chayakapfuura nemachiri hachifanire kurambachiripo, chinofanira kufa. Musachisiya kusvikira pakuvambakwerimwe—rimwe zera, zvipisei! Ari kutaura kuMwenga zvinopano,Mwengawoga, wanga uri kuuya nemumazera ose.158 Cherechedzai manakiro azvo, “Ropa regwayana.” AvaMutumbi waKristu, Chibairo: ropa regwayana pamukova.Zvino, rangarirai, gwayana rakabaiwa raiva mufananidzowaKristu.159 Kana kuti tinogona kutora nguva yakawanda kwazvo, asihandina…ndinongori nemaminitsi mashoma okugara pano.Ndingangomira ndozotangazve nhasi manheru, maona, nokutitiri kutora nguva yakarebesa. Zvaka…Ndine mapeji makumimaviri eizvi pano, ezvinyorwa, pachidzidzo ichochi chimwechete.

Page 26: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

26 SHOKO RAKATAURWA

160 Cherechedzai zvino, pane izvi, gwa—gwayana raiva Kristumumadimikira. Kana kuti ndazvitaura here zvakanaka?Mufananidzo; Kristu aiva Gwayana. Raizenge riri mukono,wekutanga kubva kune hwai amai; kana hadzi, cherozvaunosarudza kuidana. Rinofanira kunge riri rayo rekutanga.Uye rinofanira kuongororwa kutanga kuti vaone kana pasinachipomerwa pariri.161 Zvino, Kristu akaedzwa; gwayana rokutanga kubva kunaamai hwai, Maria mhandara. Akaedzwa nei? Satani achipikisaShoko. Paakarova Evha, mudzimai akawa; ndokurova Mosesi,akawa; asi paakabhururukira panaKristu, ndokuedza kutauraShoko nenzira isiri iyo kwaAri, uh-huh, akazoona kutiakanga asiri Mosesi. Maona? Akaedzwa. Chii chakaita…akatendeuka, iye akati, “Kana Uri Mwanakomana waMwari.Zvino vanondiudza kuti Unoita zvishamiso, uye vanondiudzakuti Mhesia achaita zvakadaro. Zvino, kana zviri izvo, Unenzara, haUna kudya, shandura zvingwa izvi zvive…matomboaya kuti ave chingwa, ugodya.”162 Akati, “Zvakanyorwa, ‘Munhu haangararame nechingwachoga.’” Chitendwa chako, nezvimwe zvakadaro. Asi nei? Shokorose! Chikamu cheShoko? “Shoko rose rinobva mumuromowaMwari.” Ndiro iro munhu raanorarama naro. Maona?Gwayana rakaedzwa, kuona kana paine pamwe paAkawa.163 VaFarise, “O Rabhi, Iwe Muporofita muduku, tinofunga kutiUnoshamisa. Wakanaka.”164 “Sei uchiNditi ndakanaka? PaneMumwe chete akanaka, uyendiMwari. Munozvitenda here izvozvo?”165 “O, hongu. Mwari.”166 “Saka, Ndini iYe, zvino.” Uh-huh. “Wati pane Mumwe cheteakanaka. Sei muchiNdidana kuti ‘ndakanaka,’ asi musingatendikuti Ndiri Mwari?” Uh-huh. “Saka sei muchiNdidana kutindakanaka? Chii chinokuitai kuti mudaro? Chii chakufemerakutaura kudaro, apo munoziva kuti panongori nemumwe cheteakanaka, uye ndiMwari?”167 “Tinoziva kuti haMuremekedzi chiremerera chemunhukana shoko rechinzvimbo chake. Tinozviziva.” Edza…Aizivamunyengeri uyu. Maona?168 Akaedzwa kuti aonekwe paAive amire, munoona, akaedzwanenzira dzose, akaedzwa sokuedzwa kwatinoitwa. Asi pakangapasina kuregedzera, kwaAri, zvachose. Kwete, changamire! Uyoakanga ari Mwanakomana waMwari.169 Uye gwayana rakaedzwa, zvino ndokuchengetwakwemazuva gumi nemana. Aive maSabata maviri, kanamazera maviri. Rimwe raive remaJudha, iro ravakapiragwayana mumufananidzo; rimwe remaHedheni, vane Gwayanaremazvirokwazvo, uye vose vakakwanisa nokutenda Gwayana

Page 27: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 27

iri rakanga riri kuuya. Asi Akaedzwa gumi neina…kana kutiakaongororwamazuva gumi nemana, Akanga ari Shoko.170 Zvino unogona kuongorora Testamente Yakare, woti“Inopomera Itsva.” Uri kukanganisa! Testamente Yakareinongopupurira Itsva.171 Mumwe murume akanga ari kuzondipikisa nguva shomayapfuura, akati, “Ko dambudziko rake nderei?” Ndokuti,“Handiti, anodzidzisa kubva muTestamente Yekare.” MuparidziweChikristu, pafungei ipapo. Akati, “Testamente Yakare yakafauye yakapera.” O, kwete! O, kwete! Anongori mudzidzisiwechikoro, zvinongoratidza zvakanyorwa pamadziro. Maona?Ndizvo chaizvo.172 Zvino, munoona, mazuva gumi nemana rakaedzwa, aivaKristu. Zvino cherechedzai, zvino Akazouraiwa munguvadzemadekwana, parinofanira kuuraiwa, gwayana. Kristu akafapanguva dzemadekwana, masikati. Uyezve cherechedzai, zvinoiyewo zvakare…173 Ropa rakanga riri kuzoiswa pamagwatidziro emukova,munoona, apo ropa ndiro hupenyu hwemhuka. “Muchadyanyama yacho; asi ropa racho rinova iro hupenyu, ridururei.”Maona? Raifanira kuzo…Ropa raifanira kuiswa pachivivochekumusoro kwemagwatidziro eimba umo chibairo chakangachagamuchirwa. Girori! Upenyu chii? Zita. Kuti…Vakaisa zitaremunhu…Enda kumukova, zvino ugotarisa, uone kuti izitaripi riri pamukova usati waridza bhero. Maona? Ropa rakaiswapachivivo chepamusoro chemukova semufananidzo wechibairochakanga chiri mukati.174 Zvino tave kuzowana nzvimbo yekunamatira, neimomomacho, zvichiuya nemuRopa iroro. Cherechedzai, ropa rakangariri pamukova raitaura zita rezvakanga zviri…zvaiva mukati,vaive imomo. Nzvimbo yedu yekunamatira, Gwayana, iShoko.Tinozviziva izvozvo.175 Zvino, ndima 4, cherechedzai, “Musasiya chingwa, musasiyachii zvacho chechibairo,” kana, kutora chimwe chemune rimwezera muchiisa mune rimwe.176 Kuedza kudzokera uye ugoti, “Zvakanaka, zvino, tirimaLutherani, tiri kuda kuuya kumusoro kuno uku,” unofanirakufa kuzera remaLutherani kuti ugobarwa muzera raWesley.Unofanira kufa muzera raWesley kuti ugobarwa muzerarePentekosti. Uye unofanira kufa muzera rePentekosti kuti,pasave nechimwe charo chinosara, zvipise nemoto, nokutizvichatsva segunde umo munobuda gorosi. Gunde, sangano,rinofanira kupiswa. Saka usaunze sangano rako muMharidzoitsva. Iri ndiro Shoko zvino. Ndizvo zvakaita sangano, gunde;yakaRitakura, ndizvo chaizvo; asi Rakauya imo muno umu,zvino gunde ndokufa. Raingova mutakuri, sangano, asi Shoko

Page 28: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

28 SHOKO RAKATAURWA

rinoramba richienda mberi. Hongu, Shoko rinoramba richiendamberi.177 Zvino torai ndima 5 ne 6. Cherechedzai, “Kwete…” Zvinongatitorei ndima 5 ne 6.

Haufanire kubaira pasekamukatimerimwe ramasuwoako, aunopiwa naJEHOVHAMwari wako:

178 Zvino rangarirai, “Kwete mune rimwe zvaro remasuwoaya.” Ishe vanokutenderai kuva nemasangano aya, muri kuona,“masuwo aya.”

Asi panzvimbo ichatsaurwa naJEHOVHA…Mwariwako kuti agarise zita rakepo,…

179 Ndiro Suwo roga, nzvimbo yoga. “Kwete mune mamwemasuwo aya.” Asi Mwari vane Suwo.180 Unoti, “Mangwanani ose ndinopindamusuwo reMethodisti.”Ndiyo kereke. “Mangwanani ose ndinopinda musuworeKatorike.” Uh-huh. Zvakanaka, Ishe vakarega vanhuvaVo vachipinda nokubuda nemumasuwo aya. Mwari vanevanhu mukereke yeKatorike, kereke yeMethodisti, kerekeyePresbyteriani, ose zvawo, maPentekosti. Ichokwadi, asiregai…haushumire Mwari uri musuwo iroro. Maona? Asi Ishevane rimwe suwo. Girori! Vane suwo.

Asi panzvimbo ichatsaurwa naJEHOVHA Mwariwako…kuti agarise zita rakepo, ndipo…paunofanirakubaira paseka madekwana,…

181 Inguvai idzo Rebheka akawana Isaka? Inguvai idzo Eriezeriakamudana kuti avemwenga? Nguva dzemadekwana!

Kuchava neChiedza senguva dzemadekwana,Nzira yemuKubwinya zvirokwazvouchaiwana;

Munzira yemumvura mune Chiedza nhasi,Wakavigwa muZita raJesu rakakosha;Vakuru nevaduku, tendeukai zvivi zvenyuzvose,

Mweya Mutsvene uchapindazvemazvirokwazvo;

Zviyedza zvamadekwana zvauya,Ichokwadi kuti Mwari naKristu ndiyemumwe.

182 Ndiwo aiva mavambo aCho, zvino chapinda muChiedzacheMwenga. Muri kuona zvandiri kureva?183 Zviri nani ndichivhara pano, ndotanga zvakare madekwana,nokuti handisi kuda kuti musiye izvi, muri kuona. Kwete,kwete, yave—yave nguva yekudya kwamasikati. Zvakanaka,zvakanaka, ndine zvinyorwa zvakawanda zvakanyorwa pano. O,ini zvangu! Ko manheru anhasi, hazvingave zviri nani? [Unganoinoti, “Kwete. Iye zvino.”—Mupepeti.] Huh? Saka, kana imi…Muri kuda kumboedza kupfuurira mberi zvishoma? [“Hongu.

Page 29: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 29

Ameni.”] Zvakanaka, ngatiendererei mberi zvishoma zvino,tichaita zvokukasika. Pakadini apa?184 Zvino, kupinda nepapi? “Hamusi kuzopinda nepasuwo roseiro Jehovha Mwari akakupai, asi nepasuwo iro Jehovha vachaisaZita raVo mariri.” Kwete kuenda muimba ye—yesuwo rinovamukova. Ndizvo here? Mwari vachaisa Zita raVo pamukova,uye hamuchazo…Ndiro suwo rinopinda muimba yekushumira,munzvimbo tsvene. Haupinde imomo nechibairo chako kunerimwe remasuwo aya, asi musuwo iro Ishe Mwari vanosarudzakuisa Zita raVo mariri. Maona?185 Zvino, Akazviita here? Riripi Suwo racho? Muna MutsveneJohane 10, Jesu akati, “Ndini Suwo, Mukova. Ndini MukovakuImba yaMwari. Ndini Mukova kudanga remakwai.” Kwetedanga rembudzi, danga remakwai. Maona? “Ndini Mukovakudanga remakwai. Munhu anokwanisa kupinda nepaMukovauyu, obva achengeteka.”186 Uye zvino tinogona kugara nguva yakareba tiri paneizvozvo. Asi, kuchengetedza nguva, Iye ndiye Mukova kudangaremakwai. Zvino, tiri kuda kucherechedza pano. Mimvurinemifananidzo zviri kunyatsooneka pano, asi ini…kanandikatora peji iyo ndicha…zvichakubatai kwechinguva.187 Zvakanaka, cherechedzai, izvi zvinounza kuonekwakwakakwana, Jesu Kristu. Nokuti Testamente Yakare yosemufananidzo waKe, yose mitambo, kunamata kwese, nezvose.Uye ndine zvandanyora zasi pano, pasi pemitsara iyiyeMagwaro, “Zvitsanangure.” Ipapo ndipo pazvinozotoranguva yakareba. Kutsanangura kuti mitambo yose…Kunyangechipiriso cheupfu chaiva mufananidzo waKristu. Regaitingotora ichocho.188 Pane imwe nguva paiva ne—nechikoro chainzi chikorochevashumiri, kana kuti chikoro chevaporofita. Vairairidza,nokudzidzisa vaporofita. Zvino paivapo nemumwe muporofitawechokwadi, akadanwa naMwari pane imwe nguvaakavashanyira ikoko. Saka, vaida kuratidza muporofita uyumutana ruremekedzo, saka mumwe wavo akabuda kunze zvinondokunotora chitsamha chezvaaifunga kuti dzaive nyemba; asiaive mapudzi ane muchetura, zvino akanga ari kuzopa vosechokudya ichi.189 O! Itswanda ngani dzizere dzekuseminari dzatakavanadzo! Maona? Ndizvozvo. Vane zvimwe zinhu zvavarikubika. Maona? Vane tswanda dzizere dzeMethodisti, tswandadzizere dzemaBaptisti, tswanda dzizere dzemaPentekosti. Asi,munoona, ivo manhungirwa, mhando inokwanisa kupururwakubva pamuti. Munoona, kwete muMuzambiringa chaiwo.Uchibereka maremani, magrapefruit, nezvimwe zvakadaro;kwete maranjisi, asi achipupura kuva emhando yemicherosemaranjisi.

Page 30: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

30 SHOKO RAKATAURWA

190 Cherechedzai zvakare. Zvino, mune izvi—mune izvi, zvinoEria paakasvika ndokudzitarisa, uye ndokuona kuti dzaivanyemba dzine muchetura dzaizouraya mumwe nomumwe wavo,vakati, “Nhai vedu, tine rufu mupoto!”191 Iye ndokuti, “Ndiunzirei chanza chizere cheupfu.” Zvinoakakandira upfu mukati imomo, akati, “Iye zvino zvanaka,chidyai zvamunoda.”Hwakashandura rufu kuva upenyu.192 Zvino chipiriso cheupfu chakapiwa kuna…Kristu, Ndiyeaiva chipiriso Cheupfu, uye chipiriso cheupfu chinofanirakukuyiwa neimwe mhando yehuyo yaiita kuti tsanga yoseduku yeupfu inge yakafanana, zvichiratidza kuti Ndiye mumwechete zuro, nhasi, nokusingaperi. Ndiye chinhu chimwe chetechokuisa musangano rako uye rigorarama, Shoko! Kristu ndiyeShoko, mifananidzo yose yezvinhu zvose: tabhenakeri, chi—chi—chingwa chakayereswa, zvinhu zvose. Chingwa chisinambiriso chakamedurwa chaive pasi pendiro waive mutumbiwaKe wakatyoka, izvo zvisingagone kutsanangurwa nemaJudhanazvino kuti vanozviitirei. Maona? Uye zvimwe zvinhu zvose izvizvaiMufananidzira.193 Zvino, zvadaro, Iye achioneka, tinoona zvino masangano osenezvitendwa zvasara kumashure; nokuti Ndiye Shoko raMwarirakachena, risingashanduke, rinova chingwa chisina mbiriso,Mutsvene Johane 1. Ndizvo chaizvo, ndiYe Chingwa chisinambiriso. Saka zvino ukawedzera ichi kana kuwedzera icho,imbiriso yawedzerwa kune Izvo zvakatopiwa kare pakutangakuva zvenyu.194 Tarirai pano. Chii chiri kuuraya rudzi nhasi? Vanotoravosanganisa zvinhu. Zvino paunozvisanganisa, unochiuraya.“O, chinoratidzika zvakawedzera parunako.” Ichokwadi!Chibage chemasanganiswa: macorn flakes, nezvimwe zvosezvokudya zvinogadzirwa nechibage. Chibage chemasanganiswa:gunde guru, rakakura, rakareba zvakanaka, nemazivanamakuru kwazvo, anoratidzika kuve akanaka zvakapetwa kavirisemamwe. Asi rufu! Sainzi yakatozviona izvozvo. Maona?Usazvisanganise, zvinokuuraya.195 Zvino, pano, regai ndikuratidzei. Rimwe zuva ndakangandiri kudiridza mamwe maruva muruvanze rwangu. Zvinomudzimai aiva nemamwe maruva emasanganiswa akangaari mune kamwe kapoto kaduku pano, kana kuti munekamwe kandiro padivi remba. Tinofanira kudiridza zvinhuizvi katatu pasvondo, kana kana, kana kuti anofa. Zvinohechinoi chirimwa chepakutanga chakamira kunze muruvanze.Hakusati kwambonaya kuno kwemwedzi mitanhatu,kwakangooma…Kana kukanaya, mumanitsi gumi unogonakufuridza guruva. Asi kamuchinda kaya kaduku kari kunzeuko, kakangopfuurira parunako nokubwinya pane zvirikemasanganiswa nokudiridzwa kwese kuya. Rishaise mvura,

Page 31: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 31

rinofa. Asi iri rakawanepi mvura yaro? Uye chimwe chinhu,unofanira kuenda nguva dzose uchiafirita mazuva ose kanamaviri, kuti asaite inda. Akasanzwarwo, rinodyiwa neinda,rakanyorova uye rakapfava kwazvo. Asi hapana inda inoendapane iro repakutanga. Kwete, kwete! Inonanaira ichiuya kwaririyonanaira ichienda. Nderepamavambo! Muri kuona zvakaitwanekusanganisa zvirimwa?196 Ndizvo zvimwe chete mukereke. Vari kuedza kusanganisasangano neShoko, kugadzira…kuedza kuita kuti Shokoritaure zvinotaurwa nesangano. Zvino paunodaro, unotofanirakuvafirita, nekuvanyengetedza sevana, ne—nekuvapa nyeredzidzendarama kuti vauye kuSunday school, nezvimwe zvose.Ndizvo chaizvo. Kana, Mukristu wechokwadi, akabarwa patsva,akabarwa neShoko raMwari, akakwasharara. Ndiye iwewe.Inda nezvinhu zvemunyika hazvimunetsi. Iye ichapungu,anobhururuka achizvipfuura. Munoona, anobhururukiramuchadenga. Maona? Ichokwadi. Hapana…197 Cherechedzai. Zvino, tinofanira kunzwisisa kuti pano,sangano, zvitendwa, nechose chinowedzerwa kuchingwachine mbiriso hachikwanise kusangana nechingwa chisinambiriso. Uye Bhaibheri rinozvifananidza pano musakaramende,rokupinda pakunamata, kuti hapana mbiriso yaunofanirakuenda nayo, uyeMwari vanokugamuchira.198 Unoti, “Ndiri muMethodisti.” Pakare ipapo unofa! “NdirimaPentekosti.” Unofa!199 Ndiri waKristu. Ndizvo chaizvo. Unofanira kumira panechimwe chinhu. Ndizvo chaizvo. Waka—wakamira pane chimwechinhu.200 Churchill akamboti, akasimudza minwe miviri ndokuti,“Tawana kukunda.” Uye England yakamira nazvo, vakatendaChurchill.201 Mungazvitenda kana kurega, mangwanani ano, wakamiranechimwe chinhu. Pane chinhu chimwe chaunogona kuraramapamwe nokumira nacho, uye ndiKristu, Shoko. Chokwadi!202 Cherechedzai, hapana chimwe chinhu muBhaibherichinofananidzira masangano kunze kweBhabhironi. UyeBhabhironi rakavakwa naNimurodhi, uye Nimurodhiaiva mupengo wemunhu. Uye aiva neboka remadzimaiimomo, vaifanira kunge vari vanavahosi vake, avo vaivavaporofitakadzi. Vanotofunga kuti Bharami wakare akabvanekudivi iroro, vaiva nemidzi nezvimwe zvakadaro. Vainamata,munoziva (vakawanda venyu imi vadzidzi vari kuverengaTwo Babylons yaHislop, nezvimwe zvakadaro, nenhoroondoyekereke), uye nemaitiro a—avaiita. Uye vaiva nemadzimaivaiita izvi, uye madzimai…mwarikadzi, nezvimwe zvose, uyechaive chinamato chekumanikidza. Munhu wese, guta roserakapoteredza Bhabhironi vaimanikidzwa kuuya kuBhabhironi

Page 32: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

32 SHOKO RAKATAURWA

kuzonamata pasi paNimirodhi parusvingo. Maona? Ndizvochaizvo. Vaitomanikidzwa kuzviita, kutaura nezvazvo. Ndipopakauya nyonganyonga.203 Ndizvo chaizvo zviri kereke nhasi, “Kana ukasaendakuSunday school, kana ukasaita zvakati, uye nokukupa basakuti uite zvakati nokuita zvakati nokuita zvokuti, haumomunyaya yacho.”204 Kunze uko kuTucson, vari kuteerera mangwanani ano,ndakambonetseka…ndinogara ndichigombedzera vanhu,“Enda kuchechi, hazvina basa kwaunoenda.” Zvino ndakaonavanhu vachiita sokukakatira shure, vachienda neuku. Zvinondakafunga, “Chii chanetsa?”205 Ndakaenda kune vamwe vavo, “Zuva rokutangauri ikoko, vanouya kwauri, ‘Joinha chechi yedu.’ Kanaukasazviita, haugamuchirwe.” Maona? Maona? Chinhuchokumanikidza, zvinomanikidzirwa pauri, munoona, zvinondiyo Bhabhironi. Asi munaKristu, unopinda nokusanangurwa;kwete nokumanikidzwa, moyo wako ndiwo unokudhonzeramukati.206 Mwari havana kuisa Zita raVo muBhabhironi. Nepedyozvino. Havakwanise kuisa Zita raVo muBhabhironi, makereke.O, ivo, ndivo vanoisa Zita raVo imomo, asi iVo havanazvachose. Kwete.207 Munoti, “Saka, zvino, Hama Branham!” Mirai, mirai,ingogarai makaterama kwechinguvana. Mandikumbira kutindigare kwechinguvana. Hamusi kuona here? Iye zvinocherechedzai, ndivo vakaisa Zita raVo imomo, asi iVo havana.208 Zvino, Vakati, “Nzvimbo yaNdiri kuzosangana nemipamwe nokugamuchira chibairo chenyu ndipo paNdakasarudzakuisa Zita raNgu. Munouya nepasuwo iri, mukova uyu apopaNdakasarudza kuisa Zita raNgu. Ndipo pamunouya.”209 Zvakanaka, vanoisa, “Ino ichurch of Christ.” Kana painechakatsveyama pakureva uku, kwakasiya shoko rimwe chete:“anti.” Uh-huh, zvose zvaAkadzidzisa, havawirirane naZvo.VaFarise vechimanjemanje.210 Asi tinofanira kuwana paVakaisa Zita raVo, nokuti Imomondimo mune suwo raVo roga ravakapa. Ameni! Girori! Tarirai!Ko Vakaisepi Zita raVo?MuMwanakomanawaVo.211 “O,” munoti, “zvino mirai zvishoma, Hama Branham. Uyoakanga ari Mwanakomana, kwete Baba.”212 Mwanakomana anotora zita rababa vake muzvinhu zvose.Ndakauya panyika pano nezita rokuti Branham nokuti zitarababa vangu rakanga riri Branham.213 Jesu akati, “Ndakauya muZita raBaba vaNgu, uye hamunakuNdigamuchira.” Mungada Gwaro rine izvozvo? MutsveneJohane 5:43. Maona? “Nda—ndakauya muZita raBaba vaNgu,

Page 33: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 33

uye hamuna kuNdigamuchira.” Zvino Baba vakaisa Zita raVopachaVo, rinova “Jesu,” muMwanakomana. Uye ndiYe Nzira,ndiYe Mukova, ndiYe Imba, ndiYe apo Mwari vakasarudza kuisaZita raVo. Mwari havana kumboisa Zita raVo mandiri, haVanakumboRiisa mukereke, haVana kumboRiisa muMethodisti,Baptisti, Katorike, asi VakaRiisa munaKristu MuzodziwaEmanueri.214 Zvino Zita riri Mushoko nokuti Iye iShoko. Ameni! Ko Iyechii zvino? Shoko rakadudzirwa ndiro kuratidzwa kweZitaraMwari. Ndosaka. “Nyama neropa hazvina kuzvizarurakwauri, asi Baba vaNgu vari Kudenga vazvizarura kwauri, kutiNdini Ani. Uye pamusoro peibwe iri Ndichavakira nzvimboyaNgu yekunamatira, uye masuwo ehadhesi haakwanisekuIzunzira pasi.” Ameni! O Kereke yaMwari inorarama, miraimunheyo yakasimba panaJesu Kristu oga. Munogona kuimbachimbo, asi kana musiri pana Kristu Shoko, uri jecha ririkuzunguzika, risina kusimba. “Asi paDombo iri,” Kristu,“Shoko raNgu.”215 Vakavaka mharidzo yeLutherani zvino ivo ndokuiitasangano. Yakanga iri kukura, chigaro chetsoka. ZvinoVakaikudza muchikamu chegumbo, maMethodisti,nezvakadaro. Ndipo paVakavakira Kereke yaVo, paShoko raVo!Zvino, haAsi wese gumbo kana wese chidya, Iye mutumbi;uye zvino ndicho chikamu chedombo repamusoro rakatesva.Makacherechedza here mumapiramidhi? Apo, handiparidzechinamato chepiramidhi, zvino.216 Asi Bhaibheri rokutanga rakambonyorwa, rakanyorwamuchadenga, iyo zo-…[Chibenga patepi—Mupepeti.]Makazvicherechedza here? Rinotanga nemhandara, chiratidzochokutanga muzodiac. Chiratidzo chokupedzisira iLeo shumba.Akauya kutanga nemhandara, Achazouya panguva inoteveraseShumba yerudzi rwaJudha. Nguva iyi yoda kusvika, zerarekenza, hove dzakachinjikana, nemamwe osemazera. Dai tangatiine nguva yekupinda nemazviri; iyo yatinayo, kutabhenakeri.217 Uye pir-…piramidhi riri nheyo dziya, kuenda kumusoromukamuri yamambo. Uye paunenge woda kusvika pamadziroechinomwe, pane kamwe kapuranga ipapo pokuzivisa, apomutumwa anobuda kunze ouya kuzokuunza kunamambo.(Mutumwa, Johane Mubhabhatidzi, uyo akazivisa, kunaMambo.) Asi Ibwe repamusoro rakarambwa. Uye havazive,Dombo Rekushorwa, kana chero zvaringava, havazive kuti ririkupi, nokuti idombo rakarambwa. Asi ndiro dombo rinotesvazvinhu zvose, rinoiita piramidhi kubudikidza nemumazeraakakwanamanomwe ekereke.Wedzera nyasha, wedzera chakati,wedzera chakati, pane kuwedzera kunomwe, kwekupedzisirandiKristu. Wedzera chakati kurudo rwako, wedzera nyashakunyasha dzako, wedzera chimwe chinhu zvakare, nechimwe

Page 34: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

34 SHOKO RAKATAURWA

chinhu zvakare, kusvikira zvasvika kunaKristu ndiye Domborepamusoro, “Uye ndiNi Mukova.”218 Zvino, mwanakomana nguva dzose anouya ari muzitarababa vake. Mwanakomana wese anouya ari muzita rababavake. Uye Jesu akati, “Ndakauya muZita raBaba vaNgu.”Zvino nderipi Zita raBaba? Nderipi Zita reMwanakomana?Zvino iYe akati, “Nenguva isipi nyika haichazoNdioni zvachose,asi imi muchaNdiona.” Hongu, Akauya muchimiro cheMweyaMutsvene, Zita Racho ndiJesu. Ndicho chikonzero vainamata,“O Jesu!” Maona? Maona? Baba, Mwanakomana, neMweyaMutsvene: NdiTenzi Jesu Kristu. Ndizvo zvoga. “NdakauyamuZita raBaba vaNgu, uye hamuna kuNdigamuchira.”219 Zvino, rangarirai, Akawedzerawozve pano uyendokutiyambira, “mumwe achauya,” sangano, chitendwa.“Vachauya muzita ravo uye muchavagamuchira.HamuzoNdigamuchire, Shoko rakasimbiswa nokuratidzwapamberi penyu.”220 SezvaAkanga ari kareko, ndizvo zvaAri nhasi. Musazvipotsaizvozvo, vanhu vari kwese munyika ino! “Mumwe achauya,kereke, zvino muchatenda izvozvo, nokuti munogona kuitapamadiro. Handizvisimbise.” Haana kumbobvira (pane nguvaipi zvayo, zachose) vakasimbisa chimwe chinhu (mukereke ipizvayo) kunze kweMharidzo yakapiwa: Luther, kururamiswa;Wesley, kucheneswa; Pentekosti, kudzoreredzwa kwezvipo.Mushure…Zvino pavanongogadzira sangano kubva mairi,ipapo yakafa. Nzverai Magwaro.221 Asi Vakati, “Ndichasarudza nzvimbo yekuisa Zita raNgu.”ZvinoZita racho raiva Jesu. Uye Jesu iShoko,Mutsvene Johane 1.Ndizvo here? Ndiyo nzvimbo yekunamatira, munaKristu Shoko.“Ndakauya muZita raBaba vaNgu.”222 Muporofita akati, “Zita raKe richanzi Emanueri.” NdiMateu1:23, kanamuchida kuzvinyora pasi. Jesu, Jehovha,Muponesi.223 Zvino, ndima 5 inoratidza kuti Ndiye Mukova. Pari zvino,nezvimwe zviratidzo zvakawanda zvisingaoneki, Musuwo uyu,neZita, nenzvimbo zvinogona kuratidzwa kuti pane nzvimboimwe chete iyo Mwari vanosangana nemunhu kuti anamate, uyendipo apo anenge ari munaKristu.224 Zvino, mubvunzo ndewekuti, “Ko tinopinda sei maAri?”Zvino, izvi zvinogona kutswinya zvishoma; asi, munoziva,sekutora mushonga, kana ukasakurwarisa, hapana chakanakachaunokuitira. Maona?225 Zvino, maLutherani vaida kupinda neimwe nzira,nokujoinha kereke yeLutherani. MaMethodisti vaida kupindanokudanidzira. MaPentekosti vaida kupinda nokutauranendimi. Izvozvo nazvino handizvo! Maona? Kwete, izvo zvipo,nezvakadaro. Asi vaKorinte Vokutanga 12 inoti, “NeMweya

Page 35: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 35

mumwe chete.” Mweya waMwari, unova mupi weHupenyukuShoko (Mbeu), kusimbisaMbeu yemwaka iwoyo.Maona?226 Hepanoi mbeu yezera reMethodisti irere apo, zvakatoraMweya Mutsvene kuti mbeu iyi iuye kuhupenyu uyeyakachena…kuchenesa kereke nekucheneswa; Lutherhaana kuparidza zvakadaro, nokuti akanga asingazvizive.MaPentekosti akanga achida kutaura nendimi kuti zvipozvidzoreredzwe. Mumwe nomumwe anotaura, “Izvi Ndizvo!Izvi Ndizvo!” Maona?227 “Asi neMweya mumwe chete tose takabhabhatidzwamuMutumbi mumwe chete,” uye Mutumbi uyu imhuri, mhuriyaMwari. Uye ndiyo imba yaMwari, zvino imba yaMwarindiro Zita raJesu Kristu. “Zita raJehovha inhare yakasimba,vakarurama vanomhanyiramaIri uye vanochengeteka.”228 Zvino, ko uchauya imomo sei nedunhurirwa? Ko chekiyako ichagamuchirwa sei uchiti, “Yakabhadharwa sokurairakwe—kweMufundisi, Chiremba, Mushumiri”? Maona? Maona?Unogona kunge uri mufundisi, chiremba, mushumiri. Asi zitaraJehovha ndi “Jesu Kristu.” Maona?229 “Ndakasarudza kuisa Zita raNgu pamukova weimba yaNguyokunamatira, nokuti mhuri yaNgu ichange yakaunganaimomo pasi peRopa; sezvazvaiva muEgipita, chose chaivakunze chakafa. Uye mukati imomo hamuna chingwa chinembiriso! Hapana masanganiswa esangano maIri pose zvapo,imba yaNgu! Vana vaNgu, vakabarwa kubva muzvizengazvaNgu!” Ameni! Kubwinya ngakuve kunaMwari! “ZvizengazvaNgu zviri mavari! Zvangu…Ndakaisa Shoko raNgumavari.Ndichazvinyora pahwendefa dzemoyo wavo. Ndiyo mhuriyaNgu, mhuri yeMutumbi waJesu Kristu; mhuri. Uye mukovauyu wauchapinda nemauri, kwete Methodisti, Baptisti, kanaPentekosti, asi mumukova Mandakaisa Zita raNgu.” HausiMethodisti. Zita raMwari harisi Methodisti. Zita raMwari harisiPentekosti. Zita raMwari harisi Baptisti. Zita raMwari harisiKatorike. Garai kunze kwemikova iyi zvino. Maona? Maona?Maona?230 “Asi panzvimbo yaNdakasarudza kuisa Zita raNgu.” Zvino,hapana imwe nzvimbo muBhaibheri yakapiwa apo Mwarivakamboisa Zita raVo, ndemunaJesu Kristu bedzi, nokutindiYe Mwanakomana waMwari akatora Zita raMwari, uyeZita raMwari revanhu. “Uye hakuna rimwe zita rakapiwapasi peDenga raunofanira kuponeswa naro.” Handina basa,Methodisti, Baptisti, Presbyteriani, macatechism, kana cherochaungada kuita; kubudikidza bedzi neZita raJesu Kristu apoibvi rose richagwadama nerurimi rwese rwuchapupura kwariri,Iye ari Ishe. Ndiwomauiro aunoita mukati.231 Zvino kana wakangobhabhatidzwa mumvura chaizvo—chaizvo, uyezve woramba Shoko, zvadaro uri weupombwe;

Page 36: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

36 SHOKO RAKATAURWA

kuberekwa kwako kwakanga kusiri kwenzira kwayo. UnotiunoMutenda zvakadaro, asi uchiMuramba.232 Ko ndingaramba sei mhuri yangu? Apo…Ko ndingarambasei Charles Branham kuti havasi baba vangu? Kuongororwakweropa pamukova kunozviratidza. Uh-huh.233 Maitiro angu, uye nokusimbisa kweShoko raMwarimuhupenyu hwangu kunoratidza kuti ndiri mwana waMwarihere kana kuti kwete. Zvino, heyo iyo nzvimbo yoga yaMwari.Muri kuiona? Nzvimbo yoga Mwari yavanogamuchira chibairochako (handina basa kuti wakaperera zvakadini) iri munaKristu.234 Uye rangarirai…Munoti, “Zvakanaka, ndinotenda kutindakapindamo zvakare.” Rangarirai, Bhaibheri rinoti…Munoti, “Zvakanaka, Bhaibheri rakati, ‘Ani naani anotendakuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari, akaponeswa,achaponeswa.’”235 Rinotaura kudaro, asi rangarirai zvakanyorwawo zvakare,zvakanyorwawo zvakare, “Hakuna munhu anodana Jesu kutiKristu, kunze bedzi neMweya Mutsvene.” Maona? Unogonakuti “Aripo,” asi Haasi kusvikira Mweya Mutsvene pachaKeunopa Hupenyu kuShoko wazviratidza nokusimbisa kuti urimwanakomana waMwari. Ndiro Gwaro.236 “Nzvimbo yaNdakasarudza kuisa Zita raNgu. Hamufanirekunamatira pane ripi zvaro suwo, asi pasuwo raNdinoisa ZitaraNgu mariri; zvadaro Ndinozokugamuchirai, muri mumhuriyaNgu.”237 Zvino, mhuri yaMwari inoteerera mirairo yaBaba wemhuri.“Uye ndiYe Muchinda weRugare, Mwari Samasimba, Babavokusingaperi; uye zvoushe nokutonga kwaKe hazvinamagumo, hurumende ichange iri pamafudzi aKe.” Uye Iye ariMutongi, Mambo, Emanueri, Wokutanga, Nokuguma, MuchindaweRugare, Mwari Wamasimba, Baba vokusingaperi, mumwenomumwe wevana vaKe vanoteerera Shoko rose sokurairakwaro nokuti vari chikamu chaKe.238 Tinogara mumba medu semararamiro anoitavekwaBranham. Unogara mumba mako, vekwaJones,sokurarama kunoita vekwaJones.239 Uye Muimba yaMwari tinorarama neShoko raMwari uyeneRose rinobva mumuromo waMwari; uye mumwe wose,wekubiridzira, hatimuteereri. Maona? “Muchadya chingwachisina mbiriso, muzera rose rekereke, sokungoRipa kwaNdirikuita kwamuri.” Asi musaedza kudzokera nokuisa izvo muneIzvi, nokuti zvasvika mugunde. “Muchatora mapfupa nezvinhuzvasara zvechibairo zvino mozvipisa!” Yaenda, zera rekerekerafa, raenda; tave mune rimwe zvino. Ameni!

Page 37: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 37

240 “Nzvimbo yaNdakasarudza kuisa Zita raNgu mairi.” O, inizvangu! VaKorinte Vokutanga 12.241 Cherechedzai vaEfeso 4:30.

…regai kuchemedza Mweya mutsvene waMwari,wamakaiswa chisimbiso maari kusvika…(parumutsiriro rwunotevera?)…kusvika pazuvarokudzikinurwa kwenyu.…regai kuchemedza Mweya mutsvene waMwari,

wamakaiswa chisimbiso maari kusvika pazuvarokudzikinurwa kwenyu.

242 Zvino cherechedzai. Ngatizviisei pachidzidzo cheducheMagwaro. Zvino zviri nani tichienda; ndinofunga kutindiri kunetesa vanhu. Maona? [Mumwe munhu anoti, “Kwete,hamusi, Hama Branham.”—Mupepeti.] Tarirai kuno, vanhu varikusimuka vachienda kumba, muri kuona, saka vane—vanesvusvuro yemasikati iri kubikwa, nemumwe munhu wavarikuda kusangana naye. Vanga vasiri kutarisira kuuya zasi kunokuzoteerera zuva rose.Maona? Asi, tarirai, munoziva…243 [Hama Ben Bryant vakataura chimwe chinhu—Mupepeti.]Ben, o, ndinofanira kushanda pauri! Ropafadzwa! Ndatenda,Hama Ben. Ndinokudai, Hama Ben.244 Daimaizivamukomana uyu zvaakatitambudzikiramuhondoiya; akapfurwa kuita zvimedu-zvimedu, nokuputitswa,nezvimwe zvose. Akava nehupenyu hwaiva nezvese, asi Mwarivakamuropafadza. Akaramba akatendeka. Mudzimai wakeakamusiya, akamutiza ndokuroorwa zvakare, ndokutora vanavake. O, ini zvangu, handikwanise kuzvifunga.245 Asi, zvisinei, Mwari vakuropafadze, Ben.246 Ari paari zvino azere nezvimedu zvesimbi, zvakatsimbirirapatsinga dzake dzemanzwiro nezvimwe zvose. Izvo, unofanirakuziva zviri seri kwezvinhu, muri kuona. Mwari varopafadzemukomana uyu. Hongu.

…wamakaisirwa chisimbiso maari kusvika pazuvarokudzikinurwa kwenyu.

247 Cherechedzai! Zvino izvi zvinogona kutswinya zvishoma, asicherechedzai. Musanditsamwire. Ingorangarirai.248 Paya Israeri payakangotarisa pamukova uya, waiva neropariya pamukova, zita (ropa, upenyu), uye nokupinda vari pasiperopa iroro, havana kumbobuda zvakare kusvikira vabudamuEgipita.

…regai kuchemedza Mweya mutsvene waMwari,wokuti munopinda uye morega kubuda zvakarekusvikira zuva ramuchadzikinurwa. (Maona?)

249 Munoziva, Bhaibheri rinogara nguva dzose ririremazvirokwazvo. Vanoisa maShoko Imomo, unofanira kuRiisa

Page 38: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

38 SHOKO RAKATAURWA

apo paRinoenda, kuRiita, kugadzira mufananidzo wesewerudzikinuro. Maona? Maona?

…regai kuchemedza Mweya mutsvenewaMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikapakudzikinurwa kwenyu. (Kusvikira madzikinurwa.)

250 Wakasimbiswa imomo, uri pasi peRopa. Haubudemozvachose. Uye zvino uri chii? Mwanakomana waMwari arimumhuri yaMwari, akasimbisirwa mukati neMweya Mutsvene.Dhiyabhorosi haakwanise kukubata kunyange aitoda; nokutiwakafa, chikamu chemurume wako wakare chakafa; uyewakavigwa, uye hupenyu hwako hwakavanzwa muna MwarinemunaKristu, uye wakasimbiswa neMweya Mutsvene. Maona?Ko achakuwana sei? Ko iwe uchabuda sei kunze? Urimo imomo!Girori! Zvino ndave kusiya izvozvo zvoga; zvakangokwanakuitira kuti muzive zvandiri kutaura nezvazvo.251 Zvino chisikwa chitsva, kwete kusangano asi kuShoko.Uri chisikwa cheShoko. Nokuti dombo renheyo rakaiswamauri nyika isati yavambwa, makatemerwa kuva vanakomananevanasikana vaMwari.252 Uye pane izvozvi pakauya ibwe pamusoro perimwe ibwe,muzera roga-roga, kusimbisa Shoko iro riri kuuya, chaizvosaJesu zvaakaita muzera raKe, zviri izvo, Dombo rakatesva riripamusoro pezvose. MaAri maiva nemazera ose. Muna JesumaivanaMosesi. Muna Jesu maiva naDhavhidhi. Muna Jesu maivanevaporofita. Ndizvozvo here? Tarirai kuna Josefa, akatengeswanemasirivheri angada kusvika makumi matatu, ndokukandirwaimomo, zvichiita sokunzi afa, ndokuburitswa kunze, ndokuendazvino ndokuuya kuruoko rwerudyi rwaFarao. Onai, chaizvoizvo,Jesu aka…Josefa aiva munaJesu.253 Zvino paAkauya, Aiva huzaro hwemadzimambo, vaporofita(hareruya), humwari mumutumbi hwakanga hwakazororamaAri. Akauya kuzodzikinura kubva imomo Mwenga,Humhizha. Humhizha hunotaura kuna Satani kuti…254 Paanoti, “Mazuva ezvishamiso akapfuura. Hakuna zvinhuzvakadaro sezvinhu izvi zvauri kutaura pamusoro pazvo.”255 “Enda shure kwangu, Satani.” Maona? Munoona, Humhizhahwakamira uye huchichengetedza.256 Pane imwe nguva Dombo repamusoro rakatesva richadzoka,musoro wazvo zvose, wogamuchira Mwenga kwaAri pachake;sezvo mudzimai akatorwa kubva pamurume, chikamuchemurume. Wese…Zvizenga zvemurume zviri mumudzimai,izvo zvinoumba mudzimai. Uye ndizvo zviri Shoko raMwarimuKereke, izvo zvinoita kuti Kereke ive Mwenga. Kwetesangano, nderadhiyabhore, ose zvawo. Handisi kudanavanhu vari imomo zvakadaro; vanhu vanonzwisa urombovakanyengerwa, sokutaura kwakaita Jesu, “Bofu richitungamirarimwe bofu.” Uye haAna kukwanisa kuvadanira kunze.

Page 39: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 39

257 Zvino ivo vakati, “Handiti, wakaberekwa neupombwe!Ndiyani akuudza kuti uuye kuno? Chikoro chipi, iseminari ipiyakakucherechedza?”Ndokuti, “TinaMosesi. Tiri…”258 Iye akati, “DaimaizivaMosesi, mungadaimakaNdiziva.”259 Nokuti Mosesi akaMunyora mumabhuku ake mana,“Jehovha Mwari wenyu achasimudza Mupi weShoko,muPorofita akafanana neni, uye uyo asinganzwi Muporofita uyuachagurwa kubva pakati pevanhu vake.” Ndizvo zvoga zvazviri.Uye Iye chii? Shoko. Uye Chii? Musasiya imwe yembirisoyakasara mu…Musaisa mbiriso mukati maRo. Musawedzerachero chitendwa, chero sangano, nokuti rinosvibiswa pakarepo,chibairo chako chapera.260 Ngatikurumidzei zvino, nokukasika, kuitira kuti mugoendakunodya.261 Cherechedzai! Zvino, zvadaro, uri mwanakomana waMwari,muimba yaMwari, uri chikamu chehupfumi hwaMwari. VaRoma8:1, “Zvino hapachisina kupomerwa kune avo vari munaKristu Jesu.” Nokuti vakafa kunyika, vari vapenyu maAri,uye vachirarama muzuva rino, vachiita Shoko iro Mwariraakavashandisa, kana kuti raakavatemera, achiisa mazita avomuBhuku rino reMwenga. Uye kana Mvura dzauya pambeu iyiiri mumoyo, dzoisimudza kuvaMwenga waKristu. O, zvangu ini!Zvakakwana zvachose.Muzera roga-roga zvanga zvakadaro.262 MaLutherani, pasi pekururamiswa, tsoka, akaisimudzasaizvozvo; Wesley, pasi pekucheneswa. MaPentekosti pasipemaoko, mabasa nezviito nezvakadaro, waifanira kuvamaCalvinisti…kana kuti vaifanira kuva maArminian,vaifanira kuve vanhu vemurairo. Asi zvino tauya kumusoro,dombo repamusoro rakatesva. “Nyasha! Nyasha!” domborepamusoro rakatesva rakadanidzira.263 Dombo repamusoro richidanidzira kuti kudini? “Nyasha!Nyasha!” Kudarika kubva murufu nechitendwa, kupindaMushoko benyu raMwari mupenyu. Zano roga rakapiwanaMwari rezera raVo, vanakomana vaVo muzera reShokovakavandudzwa neMweya sekamoto kakatungidzwa kubva panechimwe chinhu kuti rive benyu; uye vagere zvino munzvimbodzekumatenga (iye zvino), vari vapenyu nekare uye vari pasipevimbiso dzose dziri muShoko. Zvino izvozvo zvinoitei? Iweuri chikamu chechizenga chaMwari, chikamu cheShoko, vamwevarume vari chikamu cheShoko raMwari, mugere pamwe chete,munoratidza Mutumbi wese waKristu, nokuti hapana mbirisopakati penyu. (Muri kuona zvaAri kutaura nezvazvo, HamaBrown?) Pasina mbiriso pakati penyu, ringori Shoko roga,mugere munzvimbo dzekumatenga, pamukova paVakaisa ZitaraVo: Kristu Jesu.264 Pasina mbiriso pakati penyu, izvozvo zvinounza huzarohwese hwehumwari mumutumbi pakati penyu. Hazvaigoneka

Page 40: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

40 SHOKO RAKATAURWA

muzera raLuther, hazvaigoneka muzera raWesley, hazvigonekimuzera rePentekosti; asi muzuva apo Mwanakomanawemunhu achange achiratidzwa, achizarurwa, ndokudzosazveKereke pamwe chete neHumwari hwese hwaMwari pakatipevanhu vaKe, achiratidza zviratidzo zvinoonekwa zvimwechete, achizviratidza pachaKe sezvaAkamboita pakutangapaAkaratidzwa panyika ari muchimiro cheMuporofita-Mwari.O! Girori! Zvakavimbiswa naMaraki 4, zvakavimbiswanemamwe ose Magwaro. Uri kunamatirepi? Imba yaMwari,makagara (iye zvino).265 Zvino, nokukasika, ngatitarisei nokukasika zvino, zvinotozoona nezve…Mumaminitsi gumi tinenge taenda, Ishevachitendera.266 Zvino ngatitarire pane vamwe vakamutswa muimba iyiyaMwari, yemuzera ravo.267 Enoki! (Mumaminitsi gumi tichaenda, kana mukagonakutsungirira kwenguva yakadaro.) Tarisai, Enoki aive ShokoraMwari rinorarama remuzera rake, akanga arimuporofita.268 Muporofita ndiye chinhu chinoratidza chiedza chaMwari.Vangani vanozviziva? Chi—chinhu chinoratidza chiedzahachizviratidze icho pachezvacho, chi—chinhu chinoratidzachiedza hachisi chadzera. Panofanira kuva nechimwe chinhuchinorova chinhu—chinhu chinoratidza chadzera chinochiitakuti pave nechadzera. Nokudaro muporofita mudziyowakasanangurwa waMwari asingagone kuratidza chimwechinhu asi ari chaimo mugwara rechadzera chacho, Mwari,kuratidza chimiro chaKristu, Shoko. Munoona, hapana chimwechinogona kuzviita. Uri chinhu chinoratidza chadzera, ndichochikonzero muporofita akatodya bhuku. Ndicho chikonzeroakatodya bhuku. Aifanira kuratidza Shoko rezera iroro.Mazvibata?269 Cherechedzai Enoki, muratidzi wechadzera chaMwariakakwana mumufananidzo. Paya Mwari pavakanga vapedza—vapedza naye, Vakangomushandura, ndokumutora kuendakumusoro. Hurongwa hwaakanga achiratidza hwakava simbarokufambisa neMweya, uye ndokumutakura kuenda kudenga.270 Zvimwe chete mumazuva aEria. Eria, kunyange kusvikakumapfupa ake, apo kuratidza uku…Muratidzi wechadzerachaMwari mumutumbi wake chichiratidza Shoko raMwari.Vakaisa munhu akafa pariri, ndokutungira kuhupenyu zvakare.Tiri nyama nemapfupa aKe, kana tingori Mwenga waKristu.Munozvitenda here? Zvakanaka. Akatifira, uye isu takafapachedu uye takavigwa muZita raKe, kuti tizogona “hatichisirivenyika zvachose, asi tiri maAri,” zvokuti dzose mhuri mbiriiri Kudenga inodaidzwa neZita raJesu Kristu. Ndiyo vaEfeso1:21. Nokuti vose Kudenga…mhuri iri Kudenga. Mhuri iriKudenga inodanwa kunzi kudini? Jesu. Ko mhuri iri panyika

Page 41: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 41

inodanwa kunzi kudini? Zvakanaka, ndiyo imba yaMwaripane Ropa. Ndizvozvo here? Ndiwo mukova, ndiwo musuwo,ndiyo nzvimbo paAkaisa Zita raKe, uye Shoko rakaitwanyama rikagara pakati pedu. Ishoko riri kuratidza nokupfutisazera rauri kurarama. Ndizvo zvaAkanga ari, ndizvo zvakangazviri Mosesi, ndizvo zvakanga zviri Jakobho, ndizvo zvakangazviri vamwe vose, vachipfutisa Shoko iroro raMwari, chinhuchinoratidza chadzera icho Mwari aizviratidza pachaKe. Uyendokusvika pachimiro chakakwana chaMwari, Jesu Kristu,Humhizha hwaMwari; hwakarohwa kuitira kuti Agotora vamwevose kuti vaveMwenga vanga vachiratidza chadzera.

271 Mosesi akanga ari maAri. Joshua akanga ari maAri.Kana uri maAri, wakanga uri maAri nyika isati yavambwa,mhuri yaMwari; wakatambudzika pamwe chete naYe, wakafapamwe chete naYe, wakaenda pamuchinjikwa pamwe chetenaYe, wakamuka pamwe chete naYe; uye zvino uchiri pamwechete naYe, ugere kunzvimbo dziri kuMatenga, uchiratidzaShoko rezera kunyika, Chiedza chenyika. “Uri Chiedzachenyika,” asi kana chakavanzwa nedengu resangano, kovachaChiona sei? Nokuda kwetsika dzenyu,munoshaisa Chiedzabasa! Nokuedza…Imi masangano, muri kuedza kudzivisaChiedza kubva kukereke yenyu; hamupindi mukati, uyewohamuvatenderi. Ameni.

272 Ngatichingomirai. Ini zvangu, ndine zvakawandisa pano.Ti—tinogona kuenda mberi…O, ini zvangu! Tine maminitsimashanu.

273 Maona kuti mukova ndiyani? Ndepapi apo Mwari pavakaisaZita raVo? Muna Jesu. Ko unopinda sei muZita raKe?Ko unopinda sei imomo? Nokubhabhatidzwa imomo! Sei?Nemvura? NeMweya! “Ishe mumwe chete, kutenda kumwechete, rubhabhatidzo rumwe chete.” Ndirwo rubhabhatidzorweMweya Mutsvene.

274 Rubhabhatidzo rwemumvura rwunongokuisamukuwadzana pamwe nevanhu, kuti wakacherechedza kutiwakagamuchira Kristu. Ndicho Chokwadi. Asi rubhabhatidzorweMweya. Ndinogona kudana Zita raJesu pauri uyendigokubhabhatidza, hazvizviiti kuti zvive saizvozvo.

275 Asi kana zvangoitika kuti Mweya Mutsvenezvemazvirokwazvo…Shoko rechokwadi rikapinda mauri(Shoko, Jesu), zvadaro, hama, Mharidzo haizombovachakavanzika kwauri zvino; unoIziva, hama, yose Yakajekapamberi pako. Hareruya!Mwari ngavarumbidzwe! Ameni!

NdinoMuda, ndinoMudaNokuti Ndiye wakatanga kundida,Akatenga rwangu rupo-…

Page 42: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

42 SHOKO RAKATAURWA

Mwari Vanodikanwa, ndinonamata kuti Mugopodza vanhuava, Ishe, uye mugoita kuti mumwe nomumwe wavo avenehutano. NemuZita raJesu Kristu. Ameni.

276 O! Rudo! O!

Kubvira, nokutenda ndakaona hova iyoyoMaronda eNyu anoerera achipa, (kubvapaHumhizha huya)

Rudo runodzikinura rwave dingindira rangu,

277 Ko ungaitirei…Mwari Rudo. “Uyo ane rudo ndewaMwari,”rwekudenga, rudo rutsvene, kwete rudo rwakasviba;rwakachena, rwusina zvinosvibisa, rudo rutsvene, rudorwaMwari Shoko. “Mirawu yenyu ndakaivanza mumoyo mangu,kuitira kuti ndisaKutadzirei,” o, ini zvangu, ndiDhavhidhiakanga ari kuchema. HaAshamise here? HaMumude here?

278 Zvino, pane Nzira, Nzira yakachena, tsvene, nzvimbo yogayokusangana iyo Mwari vanosangana newe. Kwete nokudakwekuti wati, “Mwari, zvino, ndiri muMethodisti akanaka.Ndiri muBaptisti akanaka. Ndiri muPentekosti akanaka.”Kwete! Nokuda kwekuti uri munaJesu Shoko, chikamucheShoko chiri kuratidzwa nhasi, Mharidzo yezuva ranhasi;kwete yaLuther, yaWesley, yePentekosti; asi Jesu wenyu,kuratidzwa, kwakasvika mune izvi. Haukwanise kudzokerakune izvozvo, ndiko kuwedzera mbiriso kuChingwa chakochitsvene, chokuti, “Munhu achararama nerimwe nerimweShoko rinobvamumuromowaMwari, mumwakawaRo.”

279 O uyai, Ishe Jesu, Dombo guru repamusoro. Tariraivakarara uko, guruva remaLutherani vakafa kare-kare vachifirachitendero; tarirai maMethodisti.

280 MaPentekosti aya nevakadaro, vari kuuya zvino, mhandoyechokwadi yakabuda.

281 Imi Assemblies of God makaenda mukaita sangano, apochinhu icho chaicho Mwari chavakakubuditsai kubva machiri,makanyatsodzokera ikoko senguruve kumatope ayo.

282 Imi veOneness, United, yakare iya J.C. of…Pentecostal Assemblies of Jesus Christ. Imwe yevatema,uye ndokuzvipatsanura nokuda kwerusarura ganda. Imimakazviita, uye zvadaro makazobatana pachenyu ndokuidanakuti “United.” Zvino makava sangano, ndokukakavaraneveAssemblies: “Sembwa inodzokera kumarutsi ayo.” Kanamarutsi akamboita kuti imbwa irware pakutanga, haangaitekuti irware here zvakare? Shandura zvaunodya kubvakusangano rako uende kuShoko, uye ugorarama naKristu.Unonyadzisa iwe!

Page 43: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 43

Ndina Baba vari mhiri uko,Ndina Baba vari mhiri uko,Ndina Baba vari mhiri uko,Kune mamwe mahombekombe.Rimwe zuva rakajeka ndichaenda kunoVaona,Rimwe zuva rakajeka…enda kunoVaona,Rimwe zuva rakajeka ndichaenda kunoVaona,Kune mamwe mahombekombe.O, hakuchange here kuri kusangana kunemufaro,

Hakuchange here…(Shoko rinoendakuShoko!) kusangana,

(Kana Mwenga uchinge wakwira kumusoro,Shoko neShoko.)…kusangana kunemufaro,

Kune mamwe mahombekombe.O, zuva rakajeka iri rinogona kuva mangwana,Zuva rakajeka iri rinogona kuva mangwana,Zuva rakajeka iri rinogona kuva mangwana,Kune mamwe mahombekombe.

283 Munoti, “Muri kureva izvozvo, HamaBranham?”284 Hongu, changamire! Apo muLutherani wezera iroro,vaHwisiri vezera ravo, vapentekosti vezera ravo (vachovechokwadi, kwete vemasangano); maPentekosti, avovakawedzera mbiriso (sangano ravo), rakafa. Asi iri Shokorechokwadi riri kufambira mberi, munoona. SezvakataurwanaJesu, “Nezuva iroro, muchaziva kuti Ndiri muna Babauye Baba vari maNdiri, uye Ini ndiri mamuri uye nemi murimaNdiri.” Rose iShoko!

O, hakuchange here kuri kusanga…(apovanakomana vaKe vaungana pasuwo raKe)

…kusangana kune mufaro,Hakuchange here kuri kusangana kunemufaro,

Kune mamwe mahombekombe.285 Zvino, kereke, tiri kudzidzisa zvino. Asi, rangarirai, kanauchinge wabva pano, chitanga kubuda kunze kwechikwandezvino; uri kuenda mutsanga yemumbeu, asi gara muHupohweMwanakomana. Usawedzera, zvandataura; usatapudza,zvandataura. Nokuti, ndinotaura Chokwadi sokuzivakwandinoChiita, sokupiwa kwandaitwa naBaba. Maona?Usawedzera kwaRiri, ingotaura zvandataura.286 Nyaya yacho ndeyekuti, ingoudza vanhu kuti vauyekuzotsvaka Ishe Jesu. Uye zvino iwe pachako wogara chaimomuHupo hwaKe, woita zverudo kwaAri, “O Ishe Jesu,Mwanakomana waMwari, ndinoKudai. Nyevenutsai moyowangu, Ishe. Bvisai tsvina yose nerudo rwenyika, uye itai kutindirarame hutsvenemunyika yazvino pamberi peNyu.”

Page 44: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

44 SHOKO RAKATAURWA

287 Ngatikotamisei misoro yedu kuti tinamate. Zvino,ngationei, tine here mumwe munhu asarudzwa kutiatiparadzanise nemunamato? Kana kuti, ndichadaro, zvino.Ivai munonyatsoremekedza.288 Mwari vanodikanwa, tinoKutendai nokuda kwekuti tawanakudya kwedu kwepamweya. TinoKutendai, Ishe, kuti vhitaminireShoko rinokudza vanakomana vaMwari. Harina zvarinoitapane imwe zvayo mhando yevanhu, kunze kwevanakomananevanasikana vaMwari. Saka tinoKutendai nokuda kwaRo.Uye tinonamata, Mwari, kuti tichabatsirikana naro, kuti hatisikuzongoKutendai bedzi. TinoKutendai nokuda kwaRo, asi daitashandisa simba kuedza ku (neRudo) nyengetedza vanhu kutivatende munaMwari wedu; uye vakatsauka, vatadzi, madzimai,varume, vakomana, vasikana, muzera rino.289 Tichiona, Ishe, chinhano chepfungwa, zera rekuhuta-huta iro vanhu vari kurarama mariri, riri kuvaitisa kutivabude mupfungwa dzavo; kuti zvinyatsozadzikisa chaizvoizvo zvakataurwa neGwaro uye nokuvimbiswa, zvinhu zvikuruzvinotyisa zvichauya panyika; semhashu, kuzotambudzamadzimai anodimbura vhudzi ravo, dzichange dziine vhudzirakareba seremudzimai. Nezvimwe zviratidzo zvakasiyanazvinotyisa zvavachaona, Ishe, muzvinhano izvi zvepfungwa,zvekunyengereka zvavari mazviri, uye zvadaro vachidanidzirakumatombo nemakomo. Madzimai anga achiita imbwa nekitivana vavo, uye vasingade kurera vana kuti vaKuremekedzei.Avo vaMakapa vana uye vakavabara, vanovarega vachiendamumigwagwa kuti vaite zvavanoda. Ndosaka Makati, Ishe,apo Makanga muri kuenda kumuchinjikwa, “Ipapo vachatangakuchemeramatombo nemakomo kuti avawire.”290 Tiri kuona chinhu choga-choga chiri kufamba kusvikapanguva ino. Tiri kuona Gwaro riri kusimbiswa, kuratidzwa.Uye patiri kungoZviona, Ishe, Imi nemeso edu (zvichiratidzwa),rimwe zuva pachava neKubvutwa uye tichaona kuratidzwakweShoko racho, “Nokuti Mwanakomanawemunhu achauya arimumakore ekubwinya, neNgirozi dzaKe tsvene pamwe Naye,uye tichabvutwa kunosangana Naye mumhepo.” Zvichadarokuti…Tiri kumbonzwa nezvazvo nhasi, ipapo tichazvionanemeso edu.291 Dai tawanikwa tiri maAri, Ishe, nzvimbo yoga yakapiwa.Uye Iye ndiye Chibairo. TinoMuunzira, izvo zvatakanzwanezvazvo, Jesu Kristu, muimba yaMwari nerubhabhatidzorweMweya Mutsvene, nemuZita raJesu Kristu. Zvino ipapoChibairo chedu chinogamuchirwa uye tinounzwa mumhuri;nokuti, tichakarasika tiri munyika, takatemerwa kuvavanakomana nevanasikana vaMwari nyika isati yavambwa.TinoKutendai nokuda kwaizvozvo, Baba. O, zvingaitika sei kutimumwe munhu afuratire chinhu chakadaro, vachinge vawana

Page 45: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBO YOGA YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRA 45

Chokwadi, chokuti Mwari akavasarudza kubva munyika? Paivanemamiriyoni akarasika, zuva iro randakaponeswa.292 O Gwayana riri kufa, ndingakwanisa sei kuKutendai?Ko moyo wangu ungakwanisa sei kuva neruremekedzorwakakwana pamberi peNyu? Ndibatsirei, Mwari vanodikanwa,kuti ndirarame zvakatendeka. Batsirai vanhu vangu kutivararame zvakatendeka. Ndinovanamatira, Ishe, vose, kutiMuchazviita. Mwari, neimwe nzira, handi…Handingazivakuti sei…Handizive zvokuita, makumbiriro, Ishe; uyezvichida handisi kutombozvikumbira nenzira kwayo. Asi Imikanganwirai kusaziva kwangu, Ishe, uye mongotarisa moyowangu. Ndinonamata kuti pashaike mumwe wavo anorasika,kwete mumwe chete wavo, Baba. Ndinovakumbira, vose, kutivave veNyu. NemuZita raJesu Kristu. Ameni.

NdinoMuda, ndi…Uye kana uchiMuda, munodanana. Gwinhanai chishanu.

Page 46: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

NZVIMBOYOGAYAKAPIWA NAMWARIYOKUNAMATIRA SHO65-1128M(God’s Only Provided Place Of Worship)

Mharidzo iyi neHama William Marrion Branham, yakaparidzwa kwokutanganeChirungu Svondo mangwanani, 28 Mbudzi, 1965, paLife TabernaclemuShreveport, Louisiana, U.S.A., yakazotorwa kubva patepi yakarhekodwandokuzodhindhwa muChirungu pasina chakamurwa. Kuturikirwa ukumuchiShona kwakazodhindhwa nokugoverwa neve Voice Of God Recordings.

SHONA

©2015 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS, ZIMBABWE OFFICE

8 ST. ANNES ROAD, AVONDALE, HARARE, ZIMBABWE

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 47: NZVIMBO YAKAPIWA NAMWARI YOKUNAMATIRAdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1128M Gods Only...ringagona kuzvitsanangura. Kana ukati “zvakakwana,” zvinodarika izvozvo; “zvemandorokwati,”

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

Voice of God RecoRdinGsP.o. Box 950, JeffeRsonVille, indiana 47131 U.s.a.

www.branham.org