74
Mazano ekukurudzira kuverenga

Mazano ekukurudzira kuverenga - Resource Centre · Mazano ekukurudzira kuverenga Save the Children nerutsigiro rweWorld Vision Na Amy Jo Dowd, Nell O’Donnell, Ces Ochoa, na Ivelina

  • Upload
    ledien

  • View
    214

  • Download
    0

Embed Size (px)

Citation preview

Mazano ekukurudzira kuverenga

Mazano ekukurudzira kuverenga Save the Children nerutsigiro rweWorld Vision

Na Amy Jo Dowd, Nell O’Donnell, Ces Ochoa, na Ivelina Borisova Save the Children US

Zviri pamusoro peSave the Children Save the Children iboka rakazvimiririra, riripo kushandura nenzira yakadzama hupenyu hwevana vanoda rubatsiro munyika yeAmerica nepasi rese.

Kuti munzwe zvizhinji nezvavo, endai pakero iyi SavetheChildren.org.

Save the Children USA inhengo yeInternational Save the Children Alliance inoshanda pamwe chete nemamwe mapoka eSave the Children anosvika makumi maviri nemapfumbamwe pasi rese. Mapoka eSave the Children aripo kubatsira, kuona kuti vana vakagara zvakanaka pamwe chete nekuchengetedzwa kwevana munyika dzinodarika zana nemakumi maviri.

Zviri pamusoro peWorld Vision World Vision iboka rechiKristu rakazvipira kushanda nevana, mhuri pamwe chete nevemunharaunda pasi rese kuti vakwanise kubatsirikana mukurwisana nezvinhu zvinopa hurombo kana kudzvinyirirwa.

World Vision inobatsira vanhu vanoda kusvika zana remiriyoni munyika dzinoda kusvika zana pasi rese. World Vision inobatsira vanhu vese zvisinei nechitendero, rudzi kana kuti uyu murume here kana kuti mukadzi.

Save the Children US 2010

Mifananidzo yese iri mubhuku rino yakabva kuSave the Children, US

Mufananidzo uri pabutiro: EL SALVADOR/ Mufananidzo wakatorwa neveSave the Children.

Bhuku rino rakagadzirwa naBecky Warren wekukambani yeThink in Print, ThinkinPrint.com

AZERBAIJAN/Photo by Michael Bisceglie

Bhuku iri rekubatsira vari munharaunda takarigadzirirei? Mubasa redu ratinoita nevari munharaunda, tinoda kuti tisimbise rutsigiro rwatinopa vana vari kuzvidzidzira vega vasiri kuchikoro. Tinozviziva kuti kune nzira zhinji idzo vabereki, vemunharaunda kana vana pachavo dzavanokwanisa kushandisa kuti vana vadzidzire kuverenga. Nguva zhinji zvinofungirwa kuti vanhu vakadzidza ndivo chete vanokwanisa kubatsira vamwe kuti vakwanise kuverenga. Isu tinofunga kuti mafungiro aya ekuti vakadzidza ndivo chete vanokwanisa kubatsira vana kuti vakwanise kuverenga haanyatsoita. Kuti munhu akwanise kubudirira pakudzidza kuverenga, anofanirwawo kunge achigona kutaura, kuteerera, kunzwisisa zviri kutaurwa, pamwe chete nekuziva zvinoreva mazwi akawanda.

Vabereki pamwe chete nevamwe vagere munharaunda vasingagone kuverenga vanokwanisa kubatsira vana zvikuru kubudikidza nemushandisirwo wemutauro nenzira inodzidzisa nekuvaraidza. Zvakakosha kuti vanoshandira maNGO pamwe chete nevatungamiri vanoshandisa bhuku rino vasimbise chinhu ichi. Bhuku rino rinosimbisa kukosha kwekuvandudza mutauro wemazuva ese pamwe chete nekuti tese tingakurudzire kukura kwemutauro sei. Rinounganidzawo mazano angashandiswe nevanoshanda nevana kuti vakurudzire vana kuti vaverenge zvakanyanya, uye vasingandandame pamwe chete nekuita hurukuro nekunzwisisa zvehupenyu hwemazuva ese.

Bhuku remazano ekubatsira vari munharaunda iri takarinyorera ani? Takanyora bhuku rino kuti ribatsire vatungamiriri vemapurogiramu, vanoshanda nevanhu munharaunda pamwe chete nevatungamiriri venzvimbo kuti vafungisise nezvezvinhu zvavangataure nezvazvo pavanodzidzisa vabereki, vemunharaunda pamwe chete nevana.

Bhuku remazano ekubatsira vari munharaunda iri rinoshandiswa sei? Zviri mubhuku rino zvakareruka, zvinonakidza nekubatsira vabereki nevana. Zvinobatsira pakuita kuti kukurudzirwa kwekuverenga kunakidze. Shandisai bhuku rino sekarenda, kuitira kuti mwedzi wega wega mudzidzise vanhu vakasiyana-siyana sekuronga kwenyu. Peji rega rega rinopa zvinhu zvinokwanisa kuitwa nevabereki nevana kuti vatsigire kuvandudzwa kweruzivo rwekuverenga mune vamwe. Shandisai mazano aya sepfungwa huru mukuita hurukuro, ratidzai kuti zvinoitwa nenzira ipi uye mukurudzire vadzidzi kuti vazame kuzviita kwemwedzi wese! Kuti munyatsogadzirira kuti zviite, fungai pamusoro pezvinodikanwa zvekushandisa, pakakodzera kuti zvingashandiswe nezvazvinobatsira. Vaudzei kuti vazvizame kakawanda vasati vazouya kumusangano wenyu unotevera, uye kana vachinge vauya vauye vakagadzirira kuzogoverana nevamwe zvavakadzidza. ZVAKAKOSHA: pamusangano wenyu wepamwedzi wega wega unotevera, tangai nekubvunza vanhu vese kuti zvakavafambira sei pakudzidza kwavo uye unyore zvavakasangana nazvo.

Kutsigira basa iri, munokwanisa kutumira muvanhu vemunharaunda yenyu zvinofanirwa kuitwa mumwedzi iwoyo kana kukumbira vadzidzisi kuti vape vana tsamba

dzekuendesa kumba nezvebasa iri kana kukurukura nevabereki. Tinozviziva kuti kudzidza kwerudzi urwu kunosiyana-siyana nenzvimbo dzamunoshandira pamwe chete nekusiyana kwekugona kuverenga kwevari munharaunda yenyu.

Bhuku rino rakarongwa rine chinangwa chekubatsira mapoka maviri: vabereki nevana. Muchaona kuti rine misoro inobatsira vese uye nevanogona kuverenga. Fungai kuti muchada kusangana kwemazuva zvenguva yakawanda sei, uye kuti ndivana ani vamunenge muchishanda navo. Bhuku rino rine izvi:

Mazano gumi ekubatsira vabereki

Mamwe mazano matanhatu ekubatsira vabereki vanogona kuverenga

Mazano masere ekubatsira vana vese zvavo

Mamwe mazano matanhatu ekubatsira vana vanogona kuverenga

Misoro yakagadzirirwa vabereki inogona kubatsira kusimbisa basa rekukurudzira kuverenga ragara richiitwa reSave the Children’s Literary Boost Community Action Component, uyewo misoro yakagadzirirwa vana vadiki inogona kudzidziswa muchirongwa chekubatsira kukurudzira kuverenga cheLiteracy Boost Reading Camps kana mukudzidza kwemwana kuverenga asiri muboka guru.

Pane nzira zhinji dzekushandisa bhuku rino kuti rikubatsirei uye tinovimba kuti muchatibata muchitizivisawo pfungwa dzenyu, mazano amuinawo nekuti tingagadzirise zvinoda kugadziriswa sei kuitira kuti bhuku iri riwedzere ruzivo rwarinopa zvichibva muzvinhu zvamunosangana nazvo.

Kana muine mibvunzo, mazano kana zvamunoda kutizivisa nezvebasa iri, batai Amy Jo Dowd pakero iyi [email protected] kana Ceclie Ochoa pakero iyi [email protected]

MOZAMBIQUE/Photo by Michael Bisceglie

Mazano ekubatsira Vabereki Vese

Kukurudzira kudzidzira kuverenga kunogona kutanga mwana achiri mudiki kwazvo. Zvinhu zvinobatsira kuumba hunyanzvi hwemutauro, zvinovandudza kunzwisisa kwavo nyika yavagere nezvakavapoteredza uye zvichiwedzera ruzivo rwavo zvinobatsira zvikuru pakugadzira hwaro hunobatsira kuti mwana agone kuverenga. Zvinhu zvakadai zvinobatsira vana kuti vagone kuona hukama huri pakati pemutauro nezvinhu kana nezviitiko, vokwanisa kuburitsa pfungwa dzavo nekunzwisisa mazwi akanyorwa. Mazano ari mubhuku rino mamwe emazano ekuti vabereki vese vanokwanisa kushandisa nevana kuti vavabatsire kuti vagone kudzidza nekuverenga zviri nani. Mazano aya anogona kushandiswa nevabereki zvisinei nekuti vanogona kuverenga zvakadii kana

MALAWI/Photo by Michael Bisceglie

Taura nemwana wako

Taura nemwana wako Mwedzi uno taurirana nevana vako. Kutaura nemwana wako kwakakosha zvikuru nekuti kunobatsira kuti aburitse pfungwa dzake nekubatsira kuti anzwisise mutauro. Vana vadiki vanonzwa kunyaradzwa pamwe chete nekunzwisiswa nekudiwa nevabereki vavo kana vakataurwa navo. Izwi rako rinodzikamisa nekunyaradza mwana wako. Vadiki vave kutanga kutaura vanotanga kutevedzera zvavanonzwa uchitaura. Vakurudzirei nekuvapa mikana yekudzokorora mazwi. Vana pavanoenda vachikura, tangidza zuva rega rega nekuudza mwana wako zvinhu zvauchaita pazuva iroro, uye panodoka zuva womurondedzera zvinhu zvawaita. Kana vari vana vakura, vabvunze kuti vakuudze kuti zuva ravo ranga rakaita sei, zvii zvavaita. Bvunza kuti chii chakanaka chaitika; uye kuti chii chakaoma chavasangana nacho.

Ita kuti vana vataure!

Zvazvinobatsira:

Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vazere nehushingi

Zvinokurudzira kuda kuziva nekunzwisisa pamwe chete nekutaurirana

NEPAL/Photo by Brent Stirton VIETNAM/Photo by Michael Bisceglie

Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro

Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro Taurira kana kuverengera mwana ngano kana nyaya mwedzi uno. Itai hurukuro pamusoro pezvevanhu, nzvimbo nezviitiko zviri munyaya iyoyo. Itai izvi kakawanda kana muchikwanisa. Kana vari vana vadiki, edzai kuvataurira nyaya kana ngano kakati wandei pasvondo rega rega. Dzidzisa mwana wako kuti ajairire kugara pamakumbo ako kana pedyo newe kuti ateerere izwi rako uchimuudza nyaya kana ngano. Edza kumuudza ngano kana nyaya dzine mhuka uye uedze kutevedzera kuchema kwemhuka dzacho paunomuudza ngano idzi. Izvi zvinobatsira kuti azive kuti kuchema kwakadai kunoenderana nemhuka yakadai. Semuenzaniso, “Murimi akaenda kudanga kuti anokama mukaka wemombe, mhuu-u mhuu-u.” Pavana vemazera ese, vaudze ngano kana nyaya imwe chete, woidzokorora kana waidzokorora woti mwana akubatsire kuti muitaure zvakare kechitatu mese. Tanga nekutaura nyaya dzisina kuoma dzavanokwanisa kurangarira. Pese paunotaura nyaya kana ngano, udza mwana chakakosha kwekutanga, pakati nekwekupera kwenyaya kuitira kuti mwana zvimuitire n’yore kurangarira nekuzotaura ngano kana nyaya yacho ega.

Zvazvinobatsira Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vazere nehushingi

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Zvinobatsira kupanana ruzivo pamusoro petsika nemagariro

BOLIVIA/Photo by Michael Bisceglie

Ipa mwana wako kudya kwepfungwa

Ipa mwana wako kudya kwepfungwa Ita kuti nguva yekudya ivewo nguva yekugadzirira kuverenga. Ita kuti mwana wako akuudze mazita ezvauri kushandisa pakubika, ngaazvirenge kuti zvingani, ngaazvironge nekukura kwazvo, nemavara azvo earufabheti ekutanga, nemavara (colours) azvo nezvimwewo zvakawanda! Udza mwana wako zvaunoita kana uchibika kubva uchitanga kusvika kudya kwaibva. Muudze zvauri kuita. Semuenzaniso: “Iko zvino ndiri kusuka muriwo, kana ndapedza ndichaucheka-cheka ndouisa mupoto ndoigadza pamoto.” Udza mwana wako pamusoro pezvese zvauri kushandisa pakubika. Semuenzaniso: “Tinorima madomasi mugadheni asi mupunga tinoutenga kuchitoro.” Verengai mese nekuyera zvinhu zvamuri kushandisa pakubika! Zvazvinobatsira Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

NEPAL/Photo by Brent Stirton

Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga

Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga Kuimba nziyo kunogona kubatsira mukudzidzira kuverenga. Nziyo dzine nhetembo, mutinhimira, nemazwi anonakidza anobatsira vana kuti vadzidze. Mwedzi uno imbai nziyo munzvimbo yamunogara.

Kubva vana vachingozvarwa, vanoda kuimbirwa uye vanoratidza kufarira nziyo nekudetemberwa zvikuru. Pamakore maviri chaiwo vana vanotangawo kuda kuzama kuimba! Pamunoimba muchidzokorora nziyo, ratidzai zvadziri kutaura muchitonongedzera zvinhu zviripo kana kuti muchiedzesera zvadziri kutaura. Zvazvinobatsira Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kupanana ruzivo pamusoro petsika nemagariro

Zvinonakidza!

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinoita kuti vana vazive mazwi nemavara, uye nekuti vangazvibatanidze sei kuti ave mashoko

NEPAL/Photo by Brent Stirton

Tengai muchitsvaga ruzivo

Tengai muchitsvaga ruzivo Pamunenge muchitenga zvinhu zvemhuri muchitoro, gadzirira kuti mwana atarisire kuzoverenga.

Kana ukanotenga nevana vadiki, vaudze kuti uri kuitei. Vaudze kuti muri kuenda kuchitoro, kuti muri kuda kunotengei ikoko pamwe chete nekuti chii chamunoda kuti mukwanise kutenga. Kana muchienda kunotenga munoda pekuzotakurira zvinhu, mari nezvimwewo. Panguva inotevera kana mave kuenda kumusika, bvunza mwana wako kuti zvii zvamunofanirwa kutakura. Kana mwana wako asati ave kugona kutaura, muudze kuti atore bhegi rekunoisira zvinhu. Izvi zvinomubatsira kuti azive hukama huri pakati pemazwi nezvinhu. Kana mwana ave kuziva, muudze kuti agorangarira zvinhu zvauri kuda kunotenga, uye kana muchinge masvika kumusika mubvunze kuti akuyeuchidze zvamuri kuda kutenga. Kana masvika kumusika, ita kuti vana vakuru vanongedzere zvinhu zvese zviri mumusika zvinotanga nevara rearufabheti raunosarudza. Kana kuti unogona kuti vaverenge mhando dzemichero nekukuudza mazita ayo.

Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

MALAWI/Photo by Michael Bisceglie TAJIKISTAN/Photo by Chris Martin

Kurudzirai kuverenga pamunenge muchiita basa mese

Kurudzirai kuverenga pamunenge muchiita basa mese Paye pamunenge muchiita basa renyu remazuva ese, ipa mwana wako ruzivo rwakakosha. Udza mwana wako zvinhu zvamunofanirwa kuita kuti basa renyu rifambe. Muratidze kuti aone kuti zvinoitwa sei, mushure mazvo wozomuti akutsanangurire kuti zvinoitwa sei. Semuenzaniso, “Tinotanga tatora mvura yekuwachisa, tokwiza sipo pahembe, towacha, tozodzumburudza.” Vana vadiki vanonyanya kudzidza mazwi matsva kana vachiona nekubata zvinhu zvatinenge tichida kuti vadzidze nezvazvo. Kana uchiwacha, siya mwana atambe nemvura (achitevedzera zvauri kuita achipfachura mvura) uchiramba uchidzokorora izwi rechinhu ichocho sekuti, “iyi imvura.” Mwana anozopedzisira ave kukuudza izwi riye. Kuvana vave kufamba, mutume kuti akuunzire zvinhu zvauri kuda kuti basa riitike – semuenzaniso, “Nditorerewo sipo” kana kuti “Tora dhishi iri risina chinhu unoriisa mukicheni.” Muvana vakuru edza kuvaudza zvinhu zviviri kana zvitatu zvekuti varangarire nekuita panguva imwe chete. “Enda mumba, unditorere sipo yekuwachisa uuye nayo undipe.” Vana vakuru vanogona kudzidza zvinofanirwa kuitwa nezuva rimwe chete uye vagokuudza kuti zvinoitwa sei.

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

EL SALVADOR/Photo by Michael Bisceglie

Ivai nenzvimbo yekudzidzira

Ivai nenzvimbo yekudzidzira Imwe nzira inodzidza vana nayo kutamba. Mwedzi uno gadzira kanzvimbo kekuverengera mumba mako wopa mwana wako nguva pamwe chete nezvekuverenga zvisingashamisire zvine chekuita nekuverenga kuti atambise. Vana vadiki vanowanzotanga kuziva mavara ari muzita ravo. Cheka mavara aya umanamire kumadziro mumba. Nongedzera mavara acho uchitaura kuti uyu ndiA, uyu ndiD zvichidaro. Kuvana vave kuziva mavara ari muzita ravo kare, ita kuti vashande nemazita nevanin’ina kana hanzvadzi dzavo, kana zita rekwamunogara nezvimwe zvakadaro. Itai tumitambo twekuti vana vazive mavara sekuti, “Vara A riri kupi?” pamwe chete nekubvunza kuti “Vara iri rinonzi ani?” Muvana vakuru tsvaga zvivharo zvemabhodhoro kana tupepa twusina basa unyore mavara paari. Kana uchinge wave nearufabheti rakakwana, itai mitambo yekuti vamaronge voperetera mazwi avanoziva. Gadzirai mamwe makadhi uchishandisa mavara akabatana sa zv, ch, bv. Unogonawo kugadzira makadhi ane mazwi wobva waashandisa kugadzira mitsara. Isawo manhamba kuti vagobatsirikana nekuverengawo.

Kuti muve nemabhuku enyaya kana engano, tsvagai kana kuti gadzira mabhuku neshamwari nemhuri dzenyu kuti mugoisa munzvimbo yekuverengera yemudzimba dzenyu.

Zvazvinobatsira

Vana vanodzidzira kuverenga

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga nyangwe vasiri kuchikoro

Zvinoumba ruzivo rwemavara earufabheti

Panove nekugadzirwa kwezvinhu zvakawanda zvinobatsira pakudzidza kuverenga

INDONESIA/Photo by Richard Lord

Batana nevamwe vanoda kuverenga

Batana nevamwe vanoda kuverenga Endesa mwana wako kunzvimbo dzinobatsira nekudzidzira kuverenga. Vana vako vakuru vanogona kuve vatungamiriri vemapoka akadai uye vana vako vadiki vanogona kubatsirikana kuti vadzidze nekutamba vachishandisa ruzivo rwakakosha rwekuverenga.

Zvazvinobatsira Zvinonakidza!

Zvinobatsira kuti vana vaedze hunyanzvi hwavo hwekuverenga

Zvinoita kuti vana vakuru vave nehunhu nekufara kuve vaverengi vasingandandame

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi

Vanove nekuzivisisa mavara earufabheti

MALAWI/Photo by Michael Bisceglie

Pananai zvekuverenga nevavakidzani

Pananai zvekuverenga nevavakidzani

Taura nemuvakidzani wako kana shamwari yako nezvekukosha kwekuverengera mwana. Pananai zvekuverenga nevamakavakidzana navo.

Kunzvimbo dzisina zvekuverenga, kupanana zvekuverenga pakati pevavakidzani nevamwe vamugere navo kunobatsira nekuwanisawo mukana wekuita hurukuro pamusoro penyaya kana zvamuri kuverenga nekuti zvinenge zvakafanana. Pananai mabhuku, kana madaro muwirirana nguva yekuti muzoita hurukuro pamusoro paro kana kuti yekudzokorora kuriverenga zvakare muchishevedzera.

Zvazvinobatsira Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Zvinonakidza Inzira yekuti zvinonakidza zvinakidze vakawanda uye vamunharaunda vanonzwa kukurudzirwa pakudzidzira kuverenga

Pembererai kuverenga MALAWI/Photo by Michael Bisceglie

Pembererai kuverenga

Kana muchiita mhemberero, pembereraiwo kuverenga. Nguva dzenyu dzezororo dzine nziyo dzakakosha here, kana nhetembo kana zvimwe zvamunoita zvetsika zvamungagoverane nevamwe? Dzidzisai vana vadiki kuti vadzokorore nhetembo nenziyo dziri n’yore. Itai kuti vana vakuru vanogona kunyora vanyore nziyo idzi nezvimwe zvetsika zvinogona kudzidziswa vamwe.

Zvazvinobatsira Zvinopa ruzivo rwetsika nemagariro

Zvinonakidza

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

BANGLADESH/Photo by Jeff Holt

Mazano ekubatsira Vabereki vanogona kuverenga

Munhu wese anogona kuverenga anokwanisa kubatsira mwana kuti avewo neruzivo rwechinhu chakakosha ichi kana vakawana kurudziro nezvekushandisa kuti zviite. Vabereki vanoverenga pamwe chete nevana vavo kana kuti vanoverengera vana vavo havangobatsira vana chete kuti vadzidzire kuverenga nekuratidza vana kuverenga kwakanaka, asi vanosimbisa pfungwa yekuti kuverenga kwakakosha uye kuti kunogona kunakidza nekufadza. Haano mazano mashoma angashandiswe nevabereki kuti vakurudzire kuda nekugona kuverenga muvana vavo.

AFGHANISTAN/Photo by Jeff Holt

Gadzirai mabhuku nezvekuverenga

Gadzirai mabhuku nezvekuverenga

Mwedzi uno imbozvipai nguva yekugadzirira mwana wenyu mabhuku nezvekuverenga.

Rangarirai kuti vana vadiki vanofarira mabhuku asina zvizhinji zvinoshamisa asi ane mavara makuru nemifananidzo. Saka kuti mukwanise kutanga, edzai kugadzira bhuku rine mapeji mashanu kana matanhatu, riine mufananidzo papeji yega yega nemazwi mashoma. Vana vakuru vanogona kukubatsirai kunyora mabhuku aya. Kana kuti vanogona kutove vanyori venyaya dzavo dzavanofunga.

Zvazvinobatsira Zvinoyamura vana kuti vadzidze kuverenga

Zvinokupai zvekuverenga zvakawanda

AFGHANISTAN/Photo by Linda Cullen

Musati manorara ndiyo nguva yakanaka ye-kuverengera mwana wako

Musati manorara inguva yakanaka yekuverengera mwana

Zamai kuverengera mwana wenyu manheru ega ega kwemwedzi wese! Muchaona kuti imi nemwana wenyu muchanakidzwa zvikuru.

Kubva vachizvarwa, vana vanofarira kunzwa izwi ramai kana baba vavo, uye kuvaverengera nyaya kana ngano vasati vanorara kunoita kuti vanzwe kugadzikana nekuita zvakanaka. Nyangwe vana vadiki vasinganzwisise zviri kuitika munyaya kana ngano yauri kuvaverengera vanotanga kuve neruzivo rwekuti nyaya kana ngano dzakaita sei. Pavanozoenda vachikura, vadzidzisei kuti vagone kuvhura mapeji ebhuku, movadzidzisawo kuti kumberi nekuseri kwebhuku ndekupi, uyewo nekuti unoverenga uchibva kuoi uchienda kupi. Vana vakuru vanokwanisa kuona paunofambisa mumwe wako papeji uchiverenga kana kuti vanokwanisawo kupanana majana ekukuverengera.

Zvazvinobatsira Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga kwakanaka

Zvinonakidza!

Zvinobatsira kuti vana vaedze hunyanzvi hwavo hwekuverenga

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi

ETHIOPIA/Photo by Michael Bisceglie

MALAWI/Photo by Michael Bisceglie

Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga

Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga Mwedzi uno tinoda kuti mupemberere mavara earufabheti. Zuva rega rega, shandai nevara rimwe chete. Tsvagai panoonekwa pekunyora pabepa kana pamadziro vara rearufabheti ramunenge madzidza.

Unganidzai mavara earufabheti mumashandise kushongedza mumba kuitira kuti akwanise kuonekwa mazuva ese. Nyoraiwo nemanhamba kuitira kuti vana vadzidze zvakawanda. Batsirai vana kuti vadzidzire kunyora mavara earufabheti – muvhu kana pamapepa. Kubva pamwedzi gumi nemisere kusvika pamakore maviri, vana vanenge vave kudzidza nekuziva mavara earufabheti rimwe nerimwe.

Zvazvinobatsira Vana vanoyamurika pakudzidzira kuziva kuverenga

Zvinoumba ruzivo rwemavara nerwezviperengo

Vana vanove vanoziva mavara nemazwi, uye nekubatanidzwa kwemavara kuti agadzire mazwi

Zvinokupai zvekuverenga zvakawanda

VIETNAM/Photo by Chau Doan/Onasia

Kudzidzira kuverenga muri kumba

Kudzidzira kuverenga muri kumba Zvekudya zvizhinji zvinotengwa zvakaputirwa mumapepa kana kuti zviine mapepa akanamirwa pazviri. Mwedzi uno imbocherechedzai kuti zvii zvakanyorwa pamapepa aya. Zviverengei muchishevedzera. Vana vasati vadzidzira kuverenga nekunyora kana kuziva mavara earufabheti, vanodzidza kuti pane mutsauko pakati pemifananidzo nezvakanyorwa. Unogona kubatsira mwana wako kuti atange kudzidza kupatsanura mazwi akanyorwa nemifananidzo kubudikidza nekumuti acheke mapepa ane mavara emazwi neane mifananidzo. Kana wadaro wochimudzidzisa kuti azviise mumapoka azvo, mifananidzo nemavara emazwi. Nevana vakuru munogona kuverenga zvakanyorwa pamapepa ezvekudya moita hurukuro yekuti zvipepa izvi zvinokupa ruzivo rwerudzii. Ita kuti vana vakuratidze mazwi anotanga nevara raunosa-rudza, kana kuti ita kuti vaite kuti mazwi arimo aite mabvumira. Ko nhamba dziri pamapepa aya ndedzekuverenga chii? Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi

Zvinoratidza mashandiro ekuverenga mune zvatinoita mazuva ese

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Vana vanove vanoziva mavara nemazwi, uye nekubatanidzwa kwemavara kuti agadzire mazwi

JORDAN/Photo by Simon Photography

Micherechedzo yese kuverenga

Micherechedzo yese minongedzo pakuverenga

Munguva inotevera ukazoona mucherechedzo unomirira chimwe chinhu, utsanangure! Mucherechedzo uyu une mavara nemifananidzo here? Unogona here kuverenga zvaunoreva? Verengera mumwe munhu wauinaye. Tsvaga mimwe micherechedzo kana zviziviso zvakanyorwa paunenge uchifamba munharaunda yenyu nemwana wako. Pazuva rega rega mumwedzi uno, cherechedzai zvakanyorwa zviri munharaunda yenyu zvamunoona mazuva ese.

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Zvinoratidza mashandiro ekuverenga mune zvatinoita mazuva ese

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

VIETNAM/Photo by Michael Bisceglie Iva muenzaniso wakanaka

Iva muenzaniso wakanaka Verengera mwana. Verengera munhu mukuru. Verengera vamwe uchiratidza kugona kuverenga kwako kuti zvikubatsire kuti uwedzere kugona kuverenga pamwe chete nekubatsira wauri kuverengera kuti anzwe kuverenga kwakanaka. Tsvaga bhuku urizivise kune vamwe kubudikidza nekuriverenga nekuita hurukuro pamusoro paro. Tarisa uone kana zvichisimbisa hushamwari hwenyu. Zvizamei muone!

Zvazvinobatsira Mutauro unokura uye kuverenga zvakanaka kunowedzera

Zvinonakidza

Zvinopawo vana vadiki muenzaniso nekuratidza kuti kuverenga kunonakidza uye kwakakosha

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi

AFGHANISTAN/Photo by Jeff Holt

Mazano ekubatsira Vana Vese

Vana vanodzidza kune vamwe vana nguva dzese. Kubudikidza nekutamba kana nemitambo, kubudikidza nekutaurirana chaiko pamwe chete nekuudzana nyaya, kana kubudikidza nekuimba nekutamba nziyo. Zvinoitwa nevana vachitamba nevamwe idura rekuvandudza mutauro nedzidzo. Mazano ekushandisa zvinhu izvi zvinoitwa nevana mazuva ese kuti zvibatsire ruzivo rwavo rwekuverenga nekudzidza zvinotsanangurwa mumapeji anotevera. Vanhu vanoshanda nevana vanogona kushandisa mazano aya kukurudzira kudzidzira kuverenga nenzira dzinonakidza nekushamisa.

BANGLADESH/Photo by Michael Bisceglie

Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro

Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro

Taurira kana kuverengera mumwe mwana nyaya kana ngano mwedzi uno, kana mumwe mwana mudiki. Kana wamuver-engera chitaura naye nezvevatambi nezviitiko zviri munyaya yacho. Ita sekuti uri kuedzesera zviri munyaya yacho kana uchida. Zvidzokorore kana uchikwanisa.

Zvazvinobatsira

Mutauro unokura uye kuverenga zvakanaka kunowedzera

Zvinonakidza

Zvinopawo vana vakuru kuve nehan’ya negwinyiso pakuverenga zvakanaka

Zvinopawo vana vadiki muenzaniso nekuratidza kuti kuverenga kunonakidza uye kwakakosha

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi

SUDAN/Photo by Caroline Irby

Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga

Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga Kuimba nziyo kunogona kubatsira mukudzidzisa kuverenga. Nziyo dzine nhetembo, mutinhimira, mabvumira nemazwi anonakidza anobatsira vana kuti vadzidze. Mwedzi uno imbai nziyo munzvimbo yamunogara.

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kupanana ruzivo pamusoro petsika nemagariro

Zvinonakidza!

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinoita kuti vana vazive mazwi nemavara, uye nekuti vangazvibatanidze sei kuti ave mashoko

MOZAMBIQUE/Photo by Michael Bisceglie Mazita anorevei?

Mazita anorevei?

Iwe neshamwari dzako fungai nezvemazwi anopera nemazwi akafanana nemazita enyu sekuti /Farai/ na/Garai/. Pananai majana ekutsvaga mazwi ane mabvumira saFarai naGarai. Munogona kuita kamutambo kenyu muchishandisa mazwi akadai. Munogonawo kunakidzwa nekugadzira mazita anosetsa anopa mabvumira kuzita rako.

Zvazvinobatsira Zvinonakidza

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinoita kuti vana vazive mazwi nemavara, uye nekuti vangazvibatanidze sei kuti ave mashoko

ARMENIA/Photo by Rick D’Elia

Nyatsoteerera unzwe mazwi

Nyatsoteerera unzwe mazwi Kana uchitamba mitambo yemutauro nemazwi neshamwari dzako zvinokubatsira kuti ufunge nekukurumidza uchiunganidza mazwi aunoziva nekunzwisisa.

Zama kutamba mutambo unonzi Nyatsoteerera! Tanga nekuridza maoko ako pamakumbo ako, wobva wazoombera maoko ako wopedzisira nekuridza zvigunwe. Muchitevedzera mutinhimira uyu, pananai mukana wekutaura mazwi akakodzera muchikwata chega chega – semuenzaniso, michero kana miriwo kana mhuka. Nakidzwai nekamutambo aka!

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Zvinonakidza

AFGHANISTAN/Photo by Jeff Holt

Taurai muchishandisa mibvunzo

Taurai muchishandisa mibvunzo

Mwedzi uno tangai zuva rega rega nekubvunza mubvunzo. Bvunza mai vako, baba, mudzidzisi chimwe chinhu chawagara uchida kuziva. Verenga kuti wabvunza mubvunzo uchishandisa mibvunzo yekuti sei, chirudzii, ndiani, kupi kana chii kangani mwedzi uno.

Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinokurudzira kuda kuziva nekutaurirana

GUATEMALA/Photo by Ntongi McFadyen Mhuri dzevari kudzidza

Mhuri dzevari kudzidza

Bvunza vemhuri yako nezvedzinza renyu. Tsvaga kuti hama dzako ndivana ani, vabereki vevabereki vako vaive vana ani, vakoma nehanzvadzi dzako dzekwababamukuru kana babamunini ndivana ani. Ihama dzako ngani dzinogara munharaunda yenyu. Ko vanogara kune dzimwe nzvimbo vangani?

Zvazvinobatsira Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga kwakanaka

Zvinokurudzira kuda kuziva nekutaurirana

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

NICARAGUA/Photo by Brent Stirton

Muri kuenda kupi?

Muri kuenda kupi?

Manga maenda kupi? Masvikako sei? Mwedzi uno bvunza shamwari dzako nevemhuri nezvenzvimbo dzavakashany-ira uye nekuti vakasvikako sei. Inzendo ngani dzavafamba mugore rino? Kwakanyanyisa kuita kure kwavakaenda ndekupi?

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga kwakanaka

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinokurudzira kuda kuziva nekutaurirana

VIETNAM/Photo by Michael Bisceglie

Unonzi ani?

Unonzi ani?

Bvunza shamwari dzako nevavakidzani vavo kuti mazita avo anorevei. Ndiani akavapa mazita iwayo? Anotanga nevara ripi rearufabheti? Ko mamwe mavara ari muzita ravo earufabheti ndeapi? Ane zita rakareba kudarika evamwe ndiani? Koa ne zita pfupi kudarika evamwe ndiani?

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga

kwakanaka

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinokurudzira kuda kuziva nekutaurirana

.

ETHIOPIA/Michael Bisceglie

Mazano ekubatsira Vana Vanogona Kuverenga

Vana vanogona kuverenga vanoda kupihwa mikana yakawanda yekuti vaverenge. Hapana imwe nzira yekuti vawane mikana yakawanda yekuti vaverenge inokunda kuti vapote vachiverengerana pachavo. Hazvinei kuti vana vakuru vari kuverengera vadiki, kana kuti shamwari neshamwari dziri kuverengerana. Chiripo ndechekuti vana vanogona kuverenga vanokwanisa kushandisa mazano aya kuti vavandudze ruzivo rwavo rwekuverenga.

HONDURAS/Photo by Michael Bisceglie

Iva gamba kumwana mudiki kubudikidza ne-kuve shamwari yake inomubatsira kuverenga

Iva gamba kumwana mudiki kubudikidza nekuve shamwari yake inomubatsira kuverenga Vaverengi vechikuru vanokwanisa kugoverana ruzivo rwavo nemwana mudiki kubudikidza nekuita shamwari yavo inomubatsira kuverenga. Tsvagai nguva svondo rega rega yamunoverenga bhuku mese.

Batsirai mwana mudiki kuti adzidze kubata bhuku nekuvhura mapeji ebhuku iroro. Kana achiratidza kusateerera kunyaya yacho yese, munongedzerere mifananidzo iri mubhuku uchimuudza kuti mifananidzo yacho inorevei. Semuenzaniso, iti, “Iyi imombe iri kudya huswa.” Vabatsirei kuti vaone nekutaura zviri mubhuku muchinongedzera mifananidzo nekudzidza mazwi matsva. Kuvana vachiri kudzidzira kuverenga, tevedza papeji nemunwe wako mazwi auri kuverenga, kana kuti pananai mikana yekuverenga muchibatsira vana vadiki kana vachida rubatsiro.

Zvazvinobatsira Zvinonakidza

Zvinobatsira vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga

Zvinopawo vana vakuru kuve nehan’ya negwinyiso pakuverenga zvakanaka

Zvinopawo vana vadiki muenzaniso nekuratidza kuti kuverenga kunonakidza uye kwakakosha

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi

UGANDA/Photo by Rick D’Elia

Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako?

Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako?

Tsvaga kuti ndeapi mamwe mazwi aungagadzire uchishan-disa mavara ari muzita rako! Semuenzaniso, mavara ari muzita rekuti Munyaradzi anogona kusanganiswa aka-gadzira mazwi matsva anenge nyara, munya, nyadzi, mudzi, mui zvichienda zvakadaro. Zvizame neshamwari dzako muone kuti ndiani ane zita rine mazwi akawanda kudarika evamwe akahwanda mariri.

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga kwa-

kanaka

Zvinonakidza

Zvinopa kuti vana vazive mavara nekugona zviperengo

VIETNAM/Photo by Chau Doan/Onasia

Kudzidzira kuverenga muri kumba

Kudzidzira kuverenga muri kumba

Zvekudya zvizhinji zvinotengwa zvakaputirwa mumapepa kana kuti zviine mapepa akanamirwa pazviri. Mwedzi uno imbocherechedzai kuti zvii zvakanyorwa pamapepa aya. Zviverengei muchishevedzera. Zviverengere shamwari. Zviverengere vamwe vana. Mapepa akanamirwa kana kuti akaputira zvekudya aya anotaura nezvei?

Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi

Zvinoratidza mashandiro ekuverenga mune zvatinoita mazuva ese

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

AFGHANISTAN/Photo by Jeff Holt BANGLADESH/Photo by Michael Bisceglie

Kana une bhuku, riverengerewo vamwe

Ideas for children who read

Kana une bhuku, riverengerewo vamwe

Mwedzi uno kwereta bhuku kubva kushamwari yako, kana kuraibhurari kana kuBook Bank uriverengere shamwari yako, muvakidzani, mukoma, mubereki kana mwana. Unokwanisa kuriverengera vanhu vangani? Nyaya yacho ine vatambi vangani? Mutambi waunofarira zvikuru ndeupi?

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinonakidza Inzira yekuti zvinonakidza zvinakidze vakawanda uye vamunharaunda vanonzwa kukurudzirwa pakudzidzira

kuverenga

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga

JORDAN/Photo by Simon Photography

Micherechedzo yese kuverenga

Micherechedzo yese ine chekuita nekuverenga

Munguva inotevera ukazoona mucherechedzo unomirira chimwe chinhu, utsanangure! Mucherechedzo uyu une mavara (letters), nhamba nemifananidzo here? Une mavara (colours) api? Unogona here kuverenga zvauno-reva? Verengera mumwe munhu wauinaye.

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Zvinoratidza mashandiro ekuverenga mune zvatinoita mazuva ese

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga

TAJIKISTAN/Photo by Chris Martin JORDAN/Photo by Carl Triplehorn

Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge

Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge

Taura nemudzidzisi wako akupe nhetembo yekuti udzidzire kuzoitaura nemusoro usingaverenge. Ita svondo rese rekutanga kwemwedzi uchiidzidzira, wozoiitira sham-wari dzako, vemhuri yako nevavakidzani usingaverenge.

Zvazvinobatsira Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu Inzira yekuti zvinonakidza zvinakidze vakawanda uye vamunharaunda vanonzwa kukurudzirwa pakudzidzira ku-

verenga

Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Zvekuita ........................................................ PEJI Taura nemwana wako ....................................... 7 Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro .. 9 Pananai zvekuverenga nevavakidzani venyu .... 23 Musati manorara… verengera mwana wako .. 31 Mhuri dzevari kudzidza ................................... 53 Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvekuita ........................................................ PEJI Taura nemwana wako ....................................... 7 Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro . 9 Ipa mwana wako kudya kwepfungwa ............. 11 Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13 Tengai muchitsvaga ruzivo ............................. 15 Kurudzirai kuverenga muchiita basa ............... 17 Musati manorara… verengera mwana wako ... 31 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35 Micherechedzo yese kuverenga ...................... 37 Iva muenzaniso wakanaka .............................. 39 Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43 Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45 Nyatsoteerera unzwe mazwi ........................... 49 Taurai muchishandisa mibvunzo .................... 51 Mhuri dzevari kudzidza .................................. 53 Muri kuenda kupi? .......................................... 55 Unonzi ani? ...................................................... 57 Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako? ......... 63 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65 Kana une bhuku, riverengere vamwe .............. 67 Micherechedzo yese kuverenga ...................... 69 Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge ......... 71

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru ZVEKUITA ................................................... PEJI Ipa mwana wako kudya kwepfungwa .............. 11 Tengai muchitsvaga ruzivo .............................. 15 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35 Micherechedzo yese kuverenga ....................... 37 Muri kuenda kupi? ........................................... 55 Unonzi ani?....................................................... 57 Kudzidzira kuverenga muri kumba .................. 65 Micherechedzo yese kuverenga ....................... 69

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuchengeta zvinhu

ZVEKUITA ................................................... PEJI Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro .. 9 Ipa mwana wako kudya kwepfungwa .............. 11 Tengai muchitsvaga ruzivo .............................. 15 Kurudzirai kuverenga muchiita basa ............... 17 Nyatsoteerera unzwe mazwi ............................ 49 Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge .......... 71

Kupanana ruzivo pamusoro petsika nemagariro ZVEKUITA ................................................... PEJI Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro .. 9 Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13 Pembererai kuverenga ...................................... 25 Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi ZVEKUITA ................................................... PEJI Ipa mwana wako kudya kwepfungwa .............. 11 Tengai muchitsvaga ruzivo .............................. 15 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65

Zvinonakidza! ZVEKUITA ................................................... PEJI Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13 Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21 Pananai zvekuverenga nevavakidzani venyu .. 23 Pembererai kuverenga ...................................... 25 Musati manorara… verengera mwana wako ... 31 Iva muenzaniso wakanaka ............................... 39 Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43 Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45 Mazita anorevei? ............................................. 47 Nyatsoteerera unzwe mazwi ........................... 49 Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga . 61 Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako? ......... 63 Kana une bhuku, riverengere vamwe .............. 67

Zvinonakidza vakawanda uye vemunharaunda vanonzwa kukurudzirwa pakuverenga ZVEKUITA ................................................... PEJI Pananai zvekuverenga nevavakidzani venyu .. 23 Kana une bhuku, riverengere vamwe .............. 67 Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge ......... 71

Zvatinoita mazuva ese unova mukana wekudzidza ZVEKUITA ................................................... PEJI Kudzidzira kuverenga muri kumba .................. 35 Micherechedzo yese kuverenga ...................... 37 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65 Micherechedzo yese kuverenga ...................... 69

Zviri mukati mebhuku nezvazvinobatsira

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo ZVEKUITA ................................................... PEJI Ivai nenzvimbo yekudzidzira .......................... 19 Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21 Gadzirai mabhuku nezvekuverenga ................ 29 Musati manorara… verengera mwana wako ... 31 Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga .............. 33 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35 Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga . 61 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65 Kana une bhuku, riverengere vamwe .............. 67 Micherechedzo yese kuverenga ...................... 69

Zvinopa vana vakuru kuve nehan’ya negwinyiso paku-verenga zvakanaka

ZVEKUITA ................................................... PEJI Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21 Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43 Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga . 61

Zvinopawo vana vadiki muenzaniso nekuratidza kuti kuverenga kunonakidza uye kwakakosha

ZVEKUITA ................................................... PEJI Iva muenzaniso wakanaka .............................. 39 Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43 Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga . 61

Zvinokurudzira kuda kuziva nekunzwisisa pamwe neku-taurirana

ZVEKUITA ................................................... PEJI Taura nemwana wako ....................................... 7 Taurai muchishandisa mibvunzo ..................... 51 Mhuri dzevari kudzidza .................................. 53 Muri kuenda kupi? .......................................... 55 Unonzi ani? ...................................................... 57

Zvinoita kuti vana vazive mazwi nemavara, uye nekuti vangazvibatanidze sei kuti ave mashoko

ZVEKUITA ................................................... PEJI Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13 Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga .............. 33 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35 Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45 Mazita anorevei? ............................................. 47

Zvinokupai zvekuverenga zvakawanda ZVEKUITA ................................................... PEJI Gadzirai mabhuku nezvekuverenga ................ 29 Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga .............. 33

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi

ZVEKUITA ................................................... PEJI Ivai nenzvimbo yekudzidzira ........................... 19 Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21 Musati manorara… verengera mwana wako ... 31 Iva muenzaniso wakanaka ............................... 39 Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43 Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga .. 61

Zvatinoita mazuva ese unova mukana wekudzidza ZVEKUITA ................................................... PEJI Ipa mwana wako kudya kwepfungwa .............. 11 Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13 Tengai muchitsvaga ruzivo .............................. 15 Kurudzirai kuverenga muchiita basa ............... 17 Pembererai kuverenga ...................................... 25 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35 Micherechedzo yese kuverenga ....................... 37 Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45 Mazita anorevei? ............................................. 47 Mhuri dzevari kudzidza ................................... 53 Muri kuenda kupi? ........................................... 55 Unonzi ani?....................................................... 57 Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65

Zvinoumba ruzivo rwemavara ZVEKUITA ................................................... PEJI Ivai nenzvimbo yekudzidzira ........................... 19 Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21 Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga .............. 33 Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako? ......... 63

Zviri mukati mebhuku nezvazvinobatsira

Ngatibatsirane kuti kudzidzira kuverenga kukure Kubudikidza nekutevedzera zvakatsanangurwa mubhuku rino, tinogona kubatsira vana kuti vadzidze kuverenga pamwe chete nekuverenga kuti vadzidze.